< Mapisarema 113 >

1 Rumbidzai Jehovha. Rumbidzai, imi varanda vaJehovha, rumbidzai zita raJehovha.
Msifuni Yahwe. Msifuni yeye, enyi watumishi wa Yahwe; lisifuni jina la Yahwe.
2 Zita raJehovha ngarirumbidzwe, kubva zvino kusvikira narini.
Litukuzwe jina la Yahwe, tangu sasa na hata milele.
3 Kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro, zita raJehovha rinofanira kurumbidzwa.
Toka maawio ya jua hata machweo yake, Jina la Yahwe lazima lisifiwe.
4 Jehovha anosimudzirwa pamusoro pendudzi dzose; kubwinya kwake kuri pamusoro pamatenga.
Yahwe ameinuliwa juu ya mataifa yote, na utukufu wake wafika juu mbinguni.
5 Ndianiko akaita saJehovha Mwari wedu, iye anogara pachigaro choushe chokumusoro-soro,
Ni nani aliye kama Yahwe Mungu wetu, aliye na kiti chake juu,
6 anokotamira pasi kuti aone zviri kudenga napanyika?
atazamaye chini angani na duniani?
7 Anosimudza murombo kubva muguruva, uye anosimudza vanoshayiwa kubva padurunhuru ramadota;
Humwinua maskini toka mavumbini na kumpandisha muhitaji kutoka jaani,
8 anovagadza namachinda, namachinda avanhu vavo.
ili amketishe pamoja na wakuu, pamoja na wakuu wa watu wake.
9 Anogarisa mukadzi asingabereki mumba make, samai vavana vanofara. Rumbidzai Jehovha.
Humpa watoto wanamke aliye tasa, humfanya yeye kuwa mama wa watoto mwenye furaha. Msifuni Yahwe!

< Mapisarema 113 >