< Mapisarema 113 >

1 Rumbidzai Jehovha. Rumbidzai, imi varanda vaJehovha, rumbidzai zita raJehovha.
هللویاه! ای بندگان خداوند، تسبیح بخوانید. نام خداوند را تسبیح بخوانید.۱
2 Zita raJehovha ngarirumbidzwe, kubva zvino kusvikira narini.
نام خداوند متبارک باد، از الان تاابدالاباد.۲
3 Kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro, zita raJehovha rinofanira kurumbidzwa.
از مطلع آفتاب تا مغرب آن، نام خداوند را تسبیح خوانده شود.۳
4 Jehovha anosimudzirwa pamusoro pendudzi dzose; kubwinya kwake kuri pamusoro pamatenga.
خداوند برجمیع امتها متعال است و جلال وی فوق آسمانها.۴
5 Ndianiko akaita saJehovha Mwari wedu, iye anogara pachigaro choushe chokumusoro-soro,
کیست مانند یهوه خدای ما که بر اعلی علیین نشسته است؟۵
6 anokotamira pasi kuti aone zviri kudenga napanyika?
و متواضع می‌شود تا نظرنماید بر آسمانها و بر زمین.۶
7 Anosimudza murombo kubva muguruva, uye anosimudza vanoshayiwa kubva padurunhuru ramadota;
که مسکین را ازخاک برمی دارد و فقیر را از مزبله برمی افرازد.۷
8 anovagadza namachinda, namachinda avanhu vavo.
تااو را با بزرگان بنشاند یعنی با بزرگان قوم خویش.۸
9 Anogarisa mukadzi asingabereki mumba make, samai vavana vanofara. Rumbidzai Jehovha.
زن نازاد را خانه نشین می‌سازد و مادر فرحناک فرزندان. هللویاه!۹

< Mapisarema 113 >