< Mapisarema 111 >

1 Rumbidzai Jehovha. Ndicharumbidza Jehovha nomwoyo wangu wose, padare ravakarurama nepagungano.
Praise ye the LORD! I will praise the LORD with my whole heart, In the assembly of the righteous, and in the congregation.
2 Mabasa aJehovha makuru; anorangarirwa navose vanofara maari.
The works of the LORD are great, Sought out by all who have pleasure in them.
3 Mabasa ake ndeokukudzwa noumambo, uye kururama kwake kunogara nokusingaperi.
His deeds are honorable and glorious, And his righteousness endureth for ever.
4 Akaita kuti zvishamiso zvake zvirangarirwe; Jehovha ane nyasha nengoni.
He hath established a memorial of his wonders; The LORD is gracious and full of compassion.
5 Anopa zvokudya kuna avo vanomutya; anorangarira sungano yake nokusingaperi.
He giveth meat to them that fear him; He is ever mindful of his covenant.
6 Akaratidza vanhu vake simba ramabasa ake, achivapa nyika dzedzimwe ndudzi.
He showed his people the greatness of his works, When he gave them the inheritance of the heathen.
7 Mabasa amaoko ake akatendeka uye akarurama, mitemo yake yose yakavimbika.
The deeds of his hands are truth and justice; All his commandments are sure;
8 Yakasimba kusvika nokusingaperi-peri, yakaitwa mukutendeka nokururama.
They stand firm for ever and ever, Being founded in truth and justice.
9 Akapa dzikinuro kuvanhu vake; akasimbisa sungano yake nokusingaperi, zita rake idzvene uye rinotyisa.
He sent redemption to his people; He established his covenant for ever; Holy, and to be had in reverence, is his name.
10 Kutya Jehovha ndiwo mavambo enjere; vose vanotevera mitemo yake vanonzwisisa. Kurumbidzwa ndokwake nokusingaperi.
The fear of the LORD is the beginning of wisdom; A good understanding have all they who keep his commandments; His praise endureth for ever.

< Mapisarema 111 >