< Mapisarema 110 >

1 Pisarema raDhavhidhi Jehovha akati kuna She wangu, “Gara kuruoko rwangu rworudyi, kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.”
Yahwe humwambia bwana wangu, “Kaa mkono wangu wa kuume mpaka nitakapowaweka adui zako chini ya miguu yako.”
2 Jehovha achatambanudza tsvimbo yesimba rako kubva muZioni; uchatonga pakati pavavengi vako.
Yahwe atainyosha fimbo ya nguvu yako toka Sayuni; utawale kati ya adui zako.
3 Mauto ako achazvipira pazuva rako rehondo. Wapfekedzwa nguo youshe, utsvene, kubva pachizvaro chamambakwedza uchagamuchira dova roujaya hwako.
Siku ile ya uweza wako watu wako watakufuata wakiwa katika mavazi matakatifu ya hiari yao wenyewe; tokea tumbo la alfajiri ujana wako utakuwa kwako kama umande.
4 Jehovha akapika, uye haangashanduki, achiti, “Iwe uri muprista nokusingaperi, worudzi rwaMerikizedheki.”
Yahwe ameapa, na hatabadilika: “Wewe ni kuhani milele, baada ya namna ya Melkizedeki.”
5 Jehovha ari kuruoko rwako rworudyi; achaparadza madzimambo pazuva rehasha dzake.
Bwana yuko mkono wako wa kuume. Siku ile ya hasira yake atawaua wafalme.
6 Achatonga ndudzi, achiunganidza vakafa, uye achiparadza vatongi venyika yose.
Yeye atahukumu matifa; ataujaza uwanja wa vita kwa maiti; atawauwa viongozi kaitka nchi nyingi.
7 Achanwa parukova rwuri parutivi penzira; naizvozvo achasimudza musoro wake.
Atakunywa maji ya kijito njiani, kisha baada ya ushindi atainua kichwa chake juu.

< Mapisarema 110 >