< Mapisarema 110 >

1 Pisarema raDhavhidhi Jehovha akati kuna She wangu, “Gara kuruoko rwangu rworudyi, kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.”
Psalmus David. Dixit Dominus Domino meo: Sede a dextris meis: Donec ponam inimicos tuos, scabellum pedum tuorum.
2 Jehovha achatambanudza tsvimbo yesimba rako kubva muZioni; uchatonga pakati pavavengi vako.
Virgam virtutis tuae emittet Dominus ex Sion: dominare in medio inimicorum tuorum.
3 Mauto ako achazvipira pazuva rako rehondo. Wapfekedzwa nguo youshe, utsvene, kubva pachizvaro chamambakwedza uchagamuchira dova roujaya hwako.
Tecum principium in die virtutis tuae in splendoribus sanctorum: ex utero ante luciferum genui te.
4 Jehovha akapika, uye haangashanduki, achiti, “Iwe uri muprista nokusingaperi, worudzi rwaMerikizedheki.”
Iuravit Dominus, et non poenitebit eum: Tu es sacerdos in aeternum secundum ordinem Melchisedech.
5 Jehovha ari kuruoko rwako rworudyi; achaparadza madzimambo pazuva rehasha dzake.
Dominus a dextris tuis, confregit in die irae suae reges.
6 Achatonga ndudzi, achiunganidza vakafa, uye achiparadza vatongi venyika yose.
Iudicabit in nationibus, implebit ruinas: conquassabit capita in terra multorum.
7 Achanwa parukova rwuri parutivi penzira; naizvozvo achasimudza musoro wake.
De torrente in via bibit: propterea exaltabit caput.

< Mapisarema 110 >