< Mapisarema 108 >
1 Rwiyo. Pisarema raDhavhidhi. Mwoyo wangu wakasimba, Mwari imi; ndichaimba uye ndichaimba zvakanaka nomwoyo wangu wose.
Ee Mungu, moyo wangu u thabiti; nitaimba, naam, nitaimba sifa pia kwa moyo mkuu.
2 Muka iwe mutengeranwa nembira! Ndichamutsa mambakwedza.
Amka, kinanda na kinubi; nitaamka alfajiri.
3 Haiwa Jehovha ndichakurumbidzai pakati pendudzi; ndichaimba nezvenyu pakati pamarudzi. Kutendeka kwenyu kunosvika kumatenga.
Nitakushukuru wewe, Yahwe, kati ya watu; nitakuimbia sifa kati ya mataifa.
4 Nokuti rudo rwenyu rukuru, kupfuura kudenga denga;
Kwa maana uaminifu wa agano lako ni mkuu juu ya mbingu; na uaminifu wako wafika mawinguni.
5 Kudzwai, imi Mwari, kumusoro kwokudenga, uye kurumbidzwa kwenyu ngakuve pamusoro penyika yose.
Ee Mungu, uinuliwe, juu ya mbingu, na utukufu wako utukuke juu ya nchi.
6 Tiponesei uye mutibatsire noruoko rwenyu rworudyi, kuti vamunoda varwirwe.
Ili kwamba wale uwapendao waokolewe, utuokoe sisi kwa mkono wako wa kuume na unijibu.
7 Mwari akataura ari panzvimbo yake tsvene achiti, “Pakukunda kwangu ndichaganhura Shekemu, uye ndigoyera Mupata weSukoti.
Mungu ameongea katika utakatifu wake; “Nitashangilia; nitaigawanya Shekemu na nitalipima bonde la Sukothi.
8 Gireadhi ndeyangu, Manase ndowangu; Efuremu inguwani yangu, Judha itsvimbo yangu.
Gileadi ni yangu, na manase ni yangu; Ephraimu ni nguvu ya kichwa changu; Yuda ni fimbo yangu ya kifalme.
9 Moabhu ndiwo mudziyo wangu wokugezera, pamusoro paEdhomu ndichapotsera shangu dzangu; pamusoro paFiristia ndichapembera mukukunda.”
Moabu ni bakuli langu la kunawia; nitatupa kiatu changu juu ya Edomu; nitapaza sauti katika ushindi kwa ajili ya Filisti.
10 Ndianiko achandiuyisa muguta rakakomberedzwa namasvingo? Ndianiko achanditungamirira kuEdhomu?
Ni nani atakaye nipeleka kwenye mji imara? Ni nani atakayeniongoza mpaka Edomu?”
11 Ko, hamusimi here, imi Mwari, iyemi makatiramba uye mukasazobudazve kuenda nehondo dzedu?
Ee Mungu, sio wewe uliyetukataa? Hauendi vitani na jeshi letu.
12 Tibatsirei pamuvengi wedu, nokuti rubatsiro rwomunhu haruna maturo.
Utupe msaada dhidi ya adui yetu, maana msaada wa wanadamu ni bure.
13 Tichapiwa kukunda naMwari, uye achatsika-tsika vavengi vedu.
Tutashinda kwa msaada wa Mungu; atawakanyaga kwa adui zetu.