< Mapisarema 108 >
1 Rwiyo. Pisarema raDhavhidhi. Mwoyo wangu wakasimba, Mwari imi; ndichaimba uye ndichaimba zvakanaka nomwoyo wangu wose.
神よわが心はさだまれり われ謳ひまつらん 稱まつらん わが榮をもてたたへまつらん
2 Muka iwe mutengeranwa nembira! Ndichamutsa mambakwedza.
筝よ琴よさむべし われ黎明をよびさまさん
3 Haiwa Jehovha ndichakurumbidzai pakati pendudzi; ndichaimba nezvenyu pakati pamarudzi. Kutendeka kwenyu kunosvika kumatenga.
ヱホバよ我もろもろの民のなかにてなんぢに感謝し もろもろの國のなかにてなんぢをほめうたはん
4 Nokuti rudo rwenyu rukuru, kupfuura kudenga denga;
そは汝のあはれみは大にして天のうへにあがり なんぢの眞實は雲にまでおよぶ
5 Kudzwai, imi Mwari, kumusoro kwokudenga, uye kurumbidzwa kwenyu ngakuve pamusoro penyika yose.
神よねがはくはみづからを天よりもたかくし榮光を全地のうへに擧たまへ
6 Tiponesei uye mutibatsire noruoko rwenyu rworudyi, kuti vamunoda varwirwe.
ねがはくは右の手をもて救をほどこし われらに答をなして愛しみたまふものに助をえしめたまへ
7 Mwari akataura ari panzvimbo yake tsvene achiti, “Pakukunda kwangu ndichaganhura Shekemu, uye ndigoyera Mupata weSukoti.
神はその聖をもていひたまへり われ甚くよろこばん我シケムをわかちスコテの谷をはからん
8 Gireadhi ndeyangu, Manase ndowangu; Efuremu inguwani yangu, Judha itsvimbo yangu.
ギレアデはわがものマナセはわが有なりエフライムも亦わが首のまもりなりユダはわが杖
9 Moabhu ndiwo mudziyo wangu wokugezera, pamusoro paEdhomu ndichapotsera shangu dzangu; pamusoro paFiristia ndichapembera mukukunda.”
モアブはわが足盥なりエドムにはわが履をなげんペリシテよわが故によりて聲をあげよと
10 Ndianiko achandiuyisa muguta rakakomberedzwa namasvingo? Ndianiko achanditungamirira kuEdhomu?
誰かわれを堅固なる邑にすすましめんや 誰かわれをみちびきてエドムにゆきしや
11 Ko, hamusimi here, imi Mwari, iyemi makatiramba uye mukasazobudazve kuenda nehondo dzedu?
神よなんぢはわれらを棄たまひしにあらずや 神よなんぢはわれらの軍とともに出ゆきたまはず
12 Tibatsirei pamuvengi wedu, nokuti rubatsiro rwomunhu haruna maturo.
ねがはくは助をわれにあたへて敵にむかはしめたまへ 人のたすけは空しければなり
13 Tichapiwa kukunda naMwari, uye achatsika-tsika vavengi vedu.
われらは神によりて勇しくはたらかん われらの敵をふみたまふものは神なればなり