< Mapisarema 106 >
1 Rumbidzai Jehovha. Vongai Jehovha, nokuti akanaka; nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.
Yabi Ubangiji. Yi godiya ga Ubangiji, gama nagari ne shi; ƙaunarsa madawwamiya ce har abada.
2 Ndianiko angaparidza mabasa aJehovha esimba, kana kureva kurumbidzwa kwake kwose?
Wane ne zai furta manyan ayyukan Ubangiji ko yă furta cikakken yabonsa?
3 Vakaropafadzwa vanochengeta kururamisira, vanogara vachiita zvakarurama.
Masu albarka ne waɗanda suke yin adalci, waɗanda kullum suke yin abin da yake daidai.
4 Ndirangarirei, imi Jehovha, pamunoratidza nyasha kuvanhu venyu, pamunovaponesa, mundibatsirewo,
Ka tuna da ni, ya Ubangiji, sa’ad da ka nuna alheri ga mutanenka, ka zo ka taimake ni sa’ad da ka cece su,
5 kuti ndifadzwe nokubudirira kwavasanangurwa venyu, kuti ndigovane pamufaro wavanhu venyu, uye ndibatane nenhaka yenyu pakurumbidza.
don in ji daɗin nasarar zaɓaɓɓunka, don in sami rabo cikin farin cikin al’ummarka in kuma shiga gādonka cikin yin yabo.
6 Takatadza, sezvakaita madzibaba edu; takaita zvakaipa uye takaita mabasa akaipa.
Mun yi zunubi, kamar yadda kakanninmu suka yi; mun yi ba daidai ba muka kuma aikata mugunta.
7 Madzibaba edu paakanga ari muIjipiti, havana kumbofunga nezvezvishamiso zvenyu; havana kurangarira tsitsi dzenyu zhinji, asi vakakumukirai pagungwa, iro Gungwa Dzvuku.
Sa’ad da kakanninmu suke a Masar, ba su damu da mu’ujizanka ba; ba su tuna yawan alheranka ba, suka kuma yi tayarwa a teku, Jan Teku.
8 Kunyange zvakadaro akavaponesa nokuda kwezita rake, kuti simba rake guru rizivikanwe.
Duk da haka ya cece su saboda sunansa, don yă sanar da ikonsa mai girma.
9 Akarayira Gungwa Dzvuku iro rikapwa; uye akavafambisa napakadzika sevanopfuura nomugwenga.
Ya tsawata wa Jan Teku, ya kuwa bushe; ya bi da su ta cikin zurfafa sai ka ce a hamada.
10 Akavaponesa kubva muruoko rwomuvengi; akavadzikinura kubva muruoko rwomuvengi.
Ya cece su daga hannun maƙiyi; daga hannun abokin gāba ya fanshe su.
11 Mvura zhinji yakafukidza vadzivisi vavo; hakuna mumwe wavo akapona.
Ruwaye suka rufe abokan gābansu; babu ko ɗaya da ya tsira.
12 Ipapo vakatenda vimbiso dzake vakaimba vachimurumbidza.
Sa’an nan suka gaskata alkawarinsa suka kuma rera yabonsa.
13 Asi vakakurumidza kukanganwa zvaakanga aita, uye vakasamirira kurayira kwake.
Amma nan da nan suka manta abin da ya yi ba su kuwa jira shawararsa ba.
14 Havana kuzvidzora pakukara kwavo mugwenga; vakaedza Mwari murenje.
A cikin hamada suka bar sha’awarsu ta mamaye su a ƙasar da babu kome suka gwada Allah.
15 Saka akavapa zvavakakumbira, asi akatuma chirwere chinopedza muviri pamusoro pavo.
Sai ya ba su abin da suka roƙa, amma ya aika musu da muguwar cuta.
16 Vakaitira Mozisi godo mumusasa, naAroni, akanga akatsaurirwa kuna Jehovha.
A sansani suka ji kishin Musa da kuma Haruna, wanda Ubangiji ya keɓe.
17 Nyika yakazaruka ikamedza Dhatani; ikaviga boka raAbhiramu.
Ƙasa ta buɗe ta haɗiye Datan ta binne iyalin Abiram.
18 Moto wakapfuta pakati pavateveri vavo; murazvo ukaparadza vakaipa.
Wuta ta ƙuno a cikin mabiyansu; harshen wuta ya cinye mugaye.
19 Vakaumba mhuru paHorebhi, vakanamata chifananidzo chakaumbwa.
A Horeb suka yi ɗan maraƙi suka yi wa gunkin zubi daga ƙarfe sujada.
20 Vakatsinhanisa kubwinya kwavo nomufananidzo wehando, inodya uswa.
Suka sauke Ɗaukakarsu saboda siffar bijimi, wanda yake cin ciyawa.
21 Vakakanganwa Mwari akavaponesa, uyo akanga aita zvinhu zvikuru muIjipiti,
Suka manta da Allahn da ya cece su, wanda ya aikata manyan abubuwa a Masar,
22 mabasa anoshamisa munyika yaHamu namabasa anotyisa paGungwa Dzvuku.
mu’ujizai a ƙasar Ham ayyukan banrazana a Jan Teku.
23 Saka akati, achavaparadza, dai Mozisi, musanangurwa wake, asina kumira pamberi pake kuti adzore hasha dzake pakuvaparadza.
Don haka ya ce zai hallaka su, amma Musa, zaɓaɓɓensa, ya yi godo a gabansa don yă kau da hasalarsa daga hallaka su.
24 Ipapo vakazvidza nyika inofadza; havana kutenda zvaakavimbisa.
Sai suka rena ƙasa mai ni’ima; ba su gaskata alkawarinsa ba.
25 Vakanyunyuta vari mumatende avo vakasateerera Jehovha.
Suka yi gunaguni a tentunansu ba su kuwa yi biyayya da Ubangiji ba.
26 Saka akapika akasimudza ruoko rwake kuti achavaparadza murenje,
Saboda haka ya rantse musu ya kuma ɗaga hannu cewa zai sa su mutu a cikin hamada,
27 achaparadza zvizvarwa zvavo pakati pendudzi, agovaparadzira munyika dzose.
ya sa zuriyarsu su mutu a cikin al’ummai ya kuma watsar da su cikin dukan ƙasashe.
28 Vakazvibatanidza pamwe chete naBhaari wePeori, uye vakadya zvibayiro zvakabayirwa vamwari vakafa.
Suka haɗa kai da Ba’al-Feyor suka kuma ci hadayun da aka miƙa wa allolin da ba su da rai;
29 Vakatsamwisa Jehovha namabasa avo akaipa, uye denda rikavapo pakati pavo.
suka tsokane Ubangiji ya yi fushi ta wurin mugayen ayyukansu, sai annoba ta ɓarke a cikinsu.
30 Asi Finehasi akasimuka, akaita zvakarurama, denda rikaguma.
Amma Finehas ya miƙe tsaye ya ɗauki mataki, sai annobar ta daina.
31 Izvozvo zvakanzi kwaari kururama kusvikira kuzvizvarwa nezvizvarwa nokusingaperi.
An ayana masa wannan a matsayin adalci har zamanai marar matuƙa masu zuwa.
32 Vakatsamwisa Jehovha pamvura zhinji yeMeribha, uye Mozisi akaoneswa nhamo nokuda kwavo;
A ruwan Meriba suka ba Ubangiji fushi, sai wahala ta zo wa Musa saboda su;
33 nokuti vakamukira Mweya waMwari, Mozisi akataura nehasha nomuromo wake.
saboda sun yi tayarwa a kan Ruhun Allah, har mugayen kalmomi suka fito daga leɓunan Musa.
34 Havana kuparadza marudzi sokurayirwa kwavakaitwa naJehovha,
Ba su hallakar da mutanen yadda Ubangiji ya umarce su ba,
35 asi vakavhengana nendudzi, vakatora tsika dzavo.
amma suka yi cuɗanya da al’ummai suka ɗauki al’adunsu.
36 Vakanamata zvifananidzo zvavo, izvo zvakazova musungo kwavari.
Suka yi wa gumakansu sujada, waɗanda suka zama tarko gare su.
37 Vakabayira vanakomana vavo navanasikana vavo kumadhimoni.
Suka miƙa’ya’yansu maza hadaya’yan matansu kuma ga aljanu.
38 Vakateura ropa risina mhosva, iro ropa ravanakomana vavo neravanasikana vavo, vavakabayira kuzvifananidzo zveKenani, nyika ikasvibiswa neropa ravo.
Suka zub da jini marar laifi, jinin’ya’yansu maza da mata, waɗanda suka miƙa hadaya ga gumakan Kan’ana, ƙasar kuwa ta ƙazantu ta wurin jininsu.
39 Vakazvisvibisa nezvavakaita; vakazviitisa ufeve namabasa avo.
Suka ƙazantar da kansu ta wurin abin da suka yi; ta wurin ayyukansu suka yi karuwanci.
40 Naizvozvo Jehovha akatsamwira vanhu vake, akasema nhaka yake.
Saboda haka Ubangiji ya yi fushi da mutanensa ya ji ƙyamar gādonsa.
41 Akavaisa mumaoko endudzi, uye vakatongwa navavengi vavo.
Ya miƙa su ga al’ummai, maƙiyansu kuma suka yi mulki a kansu.
42 Vavengi vavo vakavadzvinyirira, uye vakavaisa pasi pesimba ravo.
Abokan gābansu suka danne su suka sa su a ƙarƙashin ikonsu.
43 Akavarwira kakawanda, asi ivo vakanga vakarerekera pakumumukira vakaparadzwa muchivi chavo.
Sau da yawa ya cece su, amma sun nace su yi tawaye suka kuma lalace cikin zunubinsu.
44 Asi akatarisa kutambudzika kwavo paakanzwa kuchema kwavo;
Amma ya lura da wahalarsu sa’ad da ya ji kukansu;
45 akarangarira sungano yake nokuda kwavo, uye akazvidemba nokuda kworudo rwake rukuru.
saboda su ya tuna da alkawarinsa kuma daga yawan ƙaunarsa ya ji tausayi.
46 Akaita kuti vanzwirwe tsitsi navose vakavatapa.
Ya sa aka ji tausayinsu a wurin dukan waɗanda suka kame su.
47 Tiponesei, imi Jehovha Mwari wedu, uye mutiunganidze kubva kundudzi, kuti tigovonga zita renyu dzvene. Tigofara mukurumbidzwa kwenyu.
Ka cece mu, Ubangiji Allahnmu, ka kuma tattara mu daga al’ummai, don mu yi wa sunanka mai tsarki godiya mu kuma ɗaukaka cikin yabonka.
48 Jehovha ngaarumbidzwe, iye Mwari waIsraeri, kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi. Vanhu vose ngavati, “Ameni!” Rumbidzai Jehovha.
Yabo ga Ubangiji, Allah na Isra’ila, daga madawwami zuwa madawwami. Bari dukan mutane su ce, “Amin!” Yabo ga Ubangiji.