< Mapisarema 105 >

1 Vongai Jehovha, danai kuzita rake; zivisai zvaakaita pakati pendudzi.
Vongai Jehovha, danai kuzita rake; zivisai zvaakaita pakati pendudzi.
2 Muimbirei, muimbirei nziyo dzokurumbidza; rondedzerai mabasa ake ose anoshamisa.
Muimbirei, muimbirei nziyo dzokurumbidza; rondedzerai mabasa ake ose anoshamisa.
3 Ngarikudzwe zita rake dzvene; mwoyo yavanotsvaka Jehovha ngaifare.
Ngarikudzwe zita rake dzvene; mwoyo yavanotsvaka Jehovha ngaifare.
4 Tarirai kuna Jehovha nokusimba rake; tsvakai chiso chake nguva dzose.
Tarirai kuna Jehovha nokusimba rake; tsvakai chiso chake nguva dzose.
5 Rangarirai zvishamiso zvaakaita, mabasa ake, nezvaakatonga zvaakareva,
Rangarirai zvishamiso zvaakaita, mabasa ake, nezvaakatonga zvaakareva,
6 imi vana vaAbhurahama muranda wake, haiwa vanakomana vaJakobho, vasanangurwa vake.
imi vana vaAbhurahama muranda wake, haiwa vanakomana vaJakobho, vasanangurwa vake.
7 Ndiye Jehovha Mwari wedu; kutonga kwake kuri munyika yose.
Ndiye Jehovha Mwari wedu; kutonga kwake kuri munyika yose.
8 Anorangarira sungano yake nokusingaperi, iro shoko raakarayira, kuchiuru chezvizvarwa,
Anorangarira sungano yake nokusingaperi, iro shoko raakarayira, kuchiuru chezvizvarwa,
9 sungano yaakaita naAbhurahama, mhiko yaakapika kuna Isaka.
sungano yaakaita naAbhurahama, mhiko yaakapika kuna Isaka.
10 Akaisimbisa kuna Jakobho somutemo, nokuna Israeri sesungano isingaperi achiti,
Akaisimbisa kuna Jakobho somutemo, nokuna Israeri sesungano isingaperi achiti,
11 “Ndichapa nyika yeKenani kwauri somugove wenhaka yako.”
“Ndichapa nyika yeKenani kwauri somugove wenhaka yako.”
12 Pavaiva vashoma pakuwanda, zvirokwazvo vari vashoma, uye vari vaeni mairi,
Pavaiva vashoma pakuwanda, zvirokwazvo vari vashoma, uye vari vaeni mairi,
13 vakadzungaira vachibva kuno rumwe rudzi kusvikira kuno rumwe rudzi. Kubva kuno humwe ushe vachienda kuno humwe.
vakadzungaira vachibva kuno rumwe rudzi kusvikira kuno rumwe rudzi. Kubva kuno humwe ushe vachienda kuno humwe.
14 Haana kutendera munhu kuvadzvinyirira; akatuka madzimambo nokuda kwavo achiti,
Haana kutendera munhu kuvadzvinyirira; akatuka madzimambo nokuda kwavo achiti,
15 “Musabata vazodziwa vangu; musaitira vaprofita vangu zvakaipa.”
“Musabata vazodziwa vangu; musaitira vaprofita vangu zvakaipa.”
16 Akadana nzara panyika ikaparadza zvose zvaiuyisa zvokudya;
Akadana nzara panyika ikaparadza zvose zvaiuyisa zvokudya;
17 uye akatuma munhu pamberi pavo, iye Josefa, akatengeswa senhapwa.
uye akatuma munhu pamberi pavo, iye Josefa, akatengeswa senhapwa.
18 Vakakuvadza tsoka dzake nezvisungo mutsipa wake ukaiswa mumatare esimbi,
Vakakuvadza tsoka dzake nezvisungo mutsipa wake ukaiswa mumatare esimbi,
19 kusvikira zvaakareva zvazadziswa, kusvikira shoko raJehovha raratidza kutendeka kwake.
kusvikira zvaakareva zvazadziswa, kusvikira shoko raJehovha raratidza kutendeka kwake.
20 Mambo akatuma shoko kuti asunungurwe, vatongi vavanhu vakamuregedza.
Mambo akatuma shoko kuti asunungurwe, vatongi vavanhu vakamuregedza.
21 Akamuita tenzi weimba yake, nomutongi wepfuma yake yose,
Akamuita tenzi weimba yake, nomutongi wepfuma yake yose,
22 kuti arayire machinda ake sezvaaida uye adzidzise vakuru vake njere.
kuti arayire machinda ake sezvaaida uye adzidzise vakuru vake njere.
23 Ipapo Israeri akapinda muIjipiti; Jakobho akagara somweni munyika yaHamu.
Ipapo Israeri akapinda muIjipiti; Jakobho akagara somweni munyika yaHamu.
24 Jehovha akawanza vanhu vake chose; akavaita vazhinji kwazvo kupinda vavengi vavo,
Jehovha akawanza vanhu vake chose; akavaita vazhinji kwazvo kupinda vavengi vavo,
25 avo vaakashandura mwoyo yavo kuti ivenge vanhu vake, kuti varangane pamusoro pavaranda vake.
avo vaakashandura mwoyo yavo kuti ivenge vanhu vake, kuti varangane pamusoro pavaranda vake.
26 Akatuma Mozisi muranda wake, naAroni, waakanga asarudza.
Akatuma Mozisi muranda wake, naAroni, waakanga asarudza.
27 Vakaita zviratidzo zvinoshamisa pakati pavo, izvo zvishamiso zvake munyika yaHamu.
Vakaita zviratidzo zvinoshamisa pakati pavo, izvo zvishamiso zvake munyika yaHamu.
28 Akatumira rima akaita kuti nyika ive murima, nokuti havana kumukira shoko rake here?
Akatumira rima akaita kuti nyika ive murima, nokuti havana kumukira shoko rake here?
29 Akashandura mvura yavo zhinji ikava ropa, zvikaita kuti hove dzavo dzife.
Akashandura mvura yavo zhinji ikava ropa, zvikaita kuti hove dzavo dzife.
30 Nyika yavo yakazara namatatya, akapinda mudzimba dzamadzimambo avo.
Nyika yavo yakazara namatatya, akapinda mudzimba dzamadzimambo avo.
31 Akataura mapupira enhunzi akauya, nenda munyika yavo yose.
Akataura mapupira enhunzi akauya, nenda munyika yavo yose.
32 Akashandura mvura yavo ikava chimvuramabwe, nemheni munyika yavo yose;
Akashandura mvura yavo ikava chimvuramabwe, nemheni munyika yavo yose;
33 akarova mizambiringa yavo nemionde yavo, akaparadza miti yomunyika yavo.
akarova mizambiringa yavo nemionde yavo, akaparadza miti yomunyika yavo.
34 Akataura, mhashu dzikauya, namagutaguta asingaverengeki;
Akataura, mhashu dzikauya, namagutaguta asingaverengeki;
35 zvakadya miriwo minyoro yose munyika yavo, zvikadya zvibereko zvevhu ravo.
zvakadya miriwo minyoro yose munyika yavo, zvikadya zvibereko zvevhu ravo.
36 Ipapo akarova matangwe munyika yavo, zvibereko zvokutanga zvesimba roujaya hwavo.
Ipapo akarova matangwe munyika yavo, zvibereko zvokutanga zvesimba roujaya hwavo.
37 Akabudisa Israeri akaremerwa nesirivha negoridhe, kwakanga kusina akagumburwa pakati pamarudzi avo.
Akabudisa Israeri akaremerwa nesirivha negoridhe, kwakanga kusina akagumburwa pakati pamarudzi avo.
38 Ijipiti yakafara pavakabva, nokuti kutya vaIsraeri kwakanga kwavabata.
Ijipiti yakafara pavakabva, nokuti kutya vaIsraeri kwakanga kwavabata.
39 Akatatamura gore rikava chifukidzo, uye moto kuti uvhenekere usiku.
Akatatamura gore rikava chifukidzo, uye moto kuti uvhenekere usiku.
40 Vakakumbira, iye akavauyisira zvihuta, uye akavagutsa nechingwa chakabva kudenga.
Vakakumbira, iye akavauyisira zvihuta, uye akavagutsa nechingwa chakabva kudenga.
41 Akazarura dombo, mvura ikatubuka; ikayerera mugwenga sorwizi.
Akazarura dombo, mvura ikatubuka; ikayerera mugwenga sorwizi.
42 Nokuti akarangarira mhiko yake tsvene yaakapa Abhurahama muranda wake.
Nokuti akarangarira mhiko yake tsvene yaakapa Abhurahama muranda wake.
43 Akabudisa vanhu vake nomufaro, vasanangurwa vake nokupembera kwomufaro;
Akabudisa vanhu vake nomufaro, vasanangurwa vake nokupembera kwomufaro;
44 akavapa nyika dzendudzi, vakagara nhaka yakanga yatamburirwa navamwe,
akavapa nyika dzendudzi, vakagara nhaka yakanga yatamburirwa navamwe,
45 kuti vachengete zvaakatema uye vacherechedze mirayiro yake. Rumbidzai Jehovha.
kuti vachengete zvaakatema uye vacherechedze mirayiro yake. Rumbidzai Jehovha.

< Mapisarema 105 >