< Mapisarema 104 >

1 Rumbidza Jehovha, mweya wangu. Haiwa Jehovha Mwari wangu, muri mukuru kwazvo; makashongedzwa nokubwinya noumambo.
わが霊魂よヱホパをほめまつれ わが神ヱホバよなんぢは至大にして尊貴と稜威とを衣たまへり
2 Iye anozviputira muchiedza seanozviputira nenguo; anotatamura matenga kunge tende
なんぢ光をころものごとくにまとひ天を幕のごとくにはり
3 uye anogadzika matanda edzimba dzake dzapamusoro pamusoro pemvura yadzo zhinji. Anoita makore ngoro dzake, uye anokwira pamapapiro emhepo.
水のなかにおのれの殿の棟梁をおき 雲をおのれの車となし 風の翼にのりあるき
4 Anoita mhepo nhume dzake, namazhenje omoto varanda vake.
かぜを使者となし熖のいづる火を僕となしたまふ
5 Akamisa nyika pamusoro penheyo dzayo; haingatongozungunuswi.
ヱホバは地を基のうへにおきて 永遠にうごくことなからしめたまふ
6 Makaifukidza nokwakadzika somunofukidza nenguo; mvura zhinji yakamira pamusoro pamakomo.
衣にておほふがごとく大水にて地をおほひたまへり 水たたへて山のうへをこゆ
7 Asi pakutsiura kwenyu mvura zhinji yakatiza, pakunzwa kutinhira wenyu yakatiza;
なんぢ叱咤すれば水しりぞき 汝いかづちの聲をはなてば水たちまち去ぬ
8 yakayerera napamusoro pamakomo, ikadzika nomumipata, ichienda kunzvimbo yamakairayira.
あるひは山にのぼり或ひは谷にくだりて 汝のさだめたまへる所にゆけり
9 Makatara muganhu waisingadariki; haichazombofukidzizve nyika.
なんぢ界をたてて之をこえしめず ふたたび地をおほふことなからしむ
10 Anoita kuti matsime adire mvura mumipata; inoyerera napakati pamakomo.
ヱホバはいづみを谷にわきいだし給ふ その流は山のあひだにはしる
11 Anonwisa mhuka dzose dzesango mvura; mbizi dzinopedza nyota yadzo.
かくて野のもろもろの獣にのましむ 野の驢馬もその渇をやむ
12 Shiri dzedenga dzinovaka matendere adzo pedyo nemvura; dzinorira dziri pakati pamatavi.
空の鳥もそのほとりにすみ 樹梢の間よりさえづりうたふ
13 Anodiridza makomo ari padzimba dzake dzapamusoro; nyika inogutswa nezvibereko zvebasa rake.
ヱホバはその殿よりもろもろの山に灌漑たまふ 地はなんぢのみわざの實によりて飽足ぬ
14 Anomeresa uswa hwemombe, nembeu kuti vanhu vasakure, achibudisa zvokudya kubva pasi:
ヱホバは草をはえしめて家畜にあたへ 田產をはえしめて人の使用にそなへたまふ かく地より食物をいだしたまふ
15 iyo waini inofadza mwoyo womunhu, namafuta anopenyesa chiso chake, nechingwa chinosimbisa mwoyo wake.
人のこころを歓ばしむる葡萄酒 ひとの顔をつややかならしむるあぶら 人のこころを強からしむる糧どもなり
16 Miti yaJehovha inodiridzwa zvakanaka, iyo misidhari yeRebhanoni yaakasima.
ヱホバの樹とその植たまへるレバノンの香柏とは飽足ぬべし
17 Shiri dzinoruka matendere adzo ipapo; dambiramurove rakaita imba yaro mumiti yomupaini.
鳥はそのなかに巣をつくり鶴は松をその棲とせり
18 Makomo marefu ndeengururu; mapako ndiwo utiziro hwembira.
たかき山は山羊のすまひ磐石は山鼠のかくるる所なり
19 Mwedzi unotara nguva, uye zuva rinoziva nguva yokuvira kwaro.
ヱホバは月をつくりて時をつかさどらせたまへり 日はその西にいることをしる
20 Munouyisa rima, usiku hugovapo, uye zvikara zvose zvesango zvinobuda kundovhima.
なんぢ黑暗をつくりたまへば夜あり そのとき林のけものは皆しのびしのびに出きたる
21 Shumba dzinoomba dzichitsvaka nyama, uye dzinotsvaka zvokudya zvadzo kubva kuna Mwari.
わかき獅ほえて餌をもとめ神にくひものをもとむ
22 Kana zuva robuda, idzo dzinoenda kure; dzinodzokera dzondovata mumapako adzo.
日いづれば退きてその穴にふす
23 Ipapo munhu anobuda oenda kubasa rake, kumushando wake kusvikira madekwana.
人はいでて工をとりその勤勞はゆふべにまでいたる
24 Haiwa Jehovha, mabasa enyu manganiko! Makaaita ose nenjere; nyika izere nezvisikwa zvenyu.
ヱホバよなんぢの事跡はいかに多なる これらは皆なんぢの智慧にてつくりたまへり 汝のもろもろの富は地にみつ
25 Hero gungwa, rakakura uye rakapamhama, rine zvisikwa zvisingagoni kuverengwa, zvipenyu zvikuru nezviduku.
かしこに大なるひろき海あり そのなかに數しられぬ匍ふもの小なる大なる生るものあり
26 Hezvo zvikepe zvinofamba-famba, nengwena, yamakaumba kuti itambemo.
舟そのうへをはしり汝のつくりたまへる鰐そのうちにあそびたはぶる
27 Zvose izvi zvinotarira kwamuri kuti muzvipe zvokudya zvazvo nenguva yakafanira.
彼ら皆なんぢを俟望む なんぢ宜時にくひものを之にあたへたまふ
28 Pamunozvipa, zvinozviunganidza; pamunozarura ruoko rwenyu, izvo zvinogutswa nezvinhu zvakanaka.
彼等はなんぢの予へたまふ物をひろふ なんぢ手をひらきたまへばかれら嘉物にあきたりぬ
29 Pamunovanza chiso chenyu, izvo zvinovhundutswa; pamunozvitorera mweya, izvo zvinofa uye zvinodzokera kuguruva.
なんぢ面をおほひたまへば彼等はあわてふためく 汝かれらの氣息をとりたまへばかれらは死て塵にかへる
30 Pamunotuma Mweya wenyu, izvo zvinosikwa, uye munovandudza chiso chenyika.
なんぢ霊をいだしたまへば百物みな造らるなんぢ地のおもてを新にしたまふ
31 Kubwinya kwaJehovha ngakugare nokusingaperi; Jehovha ngaafare nebasa rake,
願くはヱホバの榮光とこしへにあらんことを ヱホバそのみわざを喜びたまはんことを
32 iye anotarira nyika, yobva yabvunda, iye anobata makomo obva apwititika utsi.
ヱホバ地をみたまへば地ふるひ山にふれたまへば山は煙をいだす
33 Ndichaimbira Jehovha upenyu hwangu hwose; ndichaimbira Mwari wangu nziyo dzokurumbidza ndichiri mupenyu.
生るかぎりはヱホバに向ひてうたひ 我ながらふるほどはわが神をほめうたはん
34 Kurangarira kwangu ngakumufadze, pandinofara muna Jehovha.
ヱホバをおもふわが思念はたのしみ深からん われヱホバによりて喜ぶべし
35 Asi vatadzi ngavaparadzwe panyika, uye vakaipa ngavarege kuzovapozve. Rumbidza Jehovha, mweya wangu. Rumbidzai Jehovha.
罪人は地より絶滅され あしきものは復あらざるべし わが霊魂よヱホバをほめまつれヱホバを讃稱へよ

< Mapisarema 104 >