< Mapisarema 103 >

1 Pisarema raDhavhidhi. Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu; zvose zviri mukati mangu, ngazvirumbidze zita rake dzvene.
By David. Praise the LORD, my soul! All that is within me, praise his holy name!
2 Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu, uye urege kukanganwa mikomborero yake yose,
Praise the LORD, my soul, and don’t forget all his benefits,
3 iye anokanganwira zvivi zvako zvose, uye anoporesa kurwara kwako kwose,
who forgives all your sins, who heals all your diseases,
4 anodzikinura upenyu hwako kubva pagomba, uye anokushongedza korona yorudo netsitsi,
who redeems your life from destruction, who crowns you with loving kindness and tender mercies,
5 anogutsa zvido zvako nezvinhu zvakanaka, kuti uduku hwako huvandudzwe sohwegondo.
who satisfies your desire with good things, so that your youth is renewed like the eagle’s.
6 Jehovha anoita zvakarurama, uye anoruramisira vose vakadzvinyirirwa.
The LORD executes righteous acts, and justice for all who are oppressed.
7 Akazivisa nzira dzake kuna Mozisi, namabasa ake kuvanhu veIsraeri:
He made known his ways to Moses, his deeds to the children of Israel.
8 Jehovha ane tsitsi nenyasha, anononoka kutsamwa, azere norudo.
The LORD is merciful and gracious, slow to anger, and abundant in loving kindness.
9 Haangarambi achipomera mhosva, uye haangarambi akatsamwa nokusingaperi;
He will not always accuse; neither will he stay angry forever.
10 haatiitiri sezvakafanira zvivi zvedu, kana kutipa mubayiro sezvakafanira zvakaipa zvedu.
He has not dealt with us according to our sins, nor repaid us for our iniquities.
11 Nokuti sokukwirira kwaakaita kudenga kumusoro kwenyika, ndizvo zvakaita kukura kworudo rwake kuna vanomutya;
For as the heavens are high above the earth, so great is his loving kindness toward those who fear him.
12 sokuva kure kwamabvazuva namavirira, saizvozvo akabvisa kudarika kwedu kwatiri.
As far as the east is from the west, so far has he removed our transgressions from us.
13 Sokunzwira tsitsi kunoita baba vana vavo, saizvozvo Jehovha ane tsitsi pamusoro pavanomutya;
Like a father has compassion on his children, so the LORD has compassion on those who fear him.
14 nokuti anoziva kuti takaumbwa sei, anorangarira kuti tiri guruva.
For he knows how we are made. He remembers that we are dust.
15 Kana ari munhu zvake, mazuva ake akaita souswa, anokura seruva resango;
As for man, his days are like grass. As a flower of the field, so he flourishes.
16 mhepo inorova napamusoro paro onei raenda, uye nzvimbo yaranga riri haicharirangaririzve.
For the wind passes over it, and it is gone. Its place remembers it no more.
17 Asi kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi, rudo rwaJehovha rwuri pane avo vanomutya, nokururama kwake kuvana vavana vavo,
But the LORD’s loving kindness is from everlasting to everlasting with those who fear him, his righteousness to children’s children,
18 naavo vanochengeta sungano yake uye vanorangarira kuita zvaakatema.
to those who keep his covenant, to those who remember to obey his precepts.
19 Jehovha akasimbisa chigaro chake choushe kudenga, uye ushe hwake hunotonga zvinhu zvose.
The LORD has established his throne in the heavens. His kingdom rules over all.
20 Rumbidzai Jehovha, imi vatumwa vake, nemi vane simba vanoita zvaakarayira, vanoteerera shoko rake.
Praise the LORD, you angels of his, who are mighty in strength, who fulfill his word, obeying the voice of his word.
21 Rumbidzai Jehovha, imi hondo dzose dzokudenga, imi varanda vake vanoita kuda kwake.
Praise the LORD, all you armies of his, you servants of his, who do his pleasure.
22 Rumbidzai Jehovha, imi mabasa ake ose kwose kwose kuno umambo hwake. Rumbidza Jehovha, mweya wangu.
Praise the LORD, all you works of his, in all places of his dominion. Praise the LORD, my soul!

< Mapisarema 103 >