< Mapisarema 101 >
1 Pisarema raDhavhidhi. Ndichaimba nezvorudo rwenyu nokururamisira kwenyu; kwamuri, imi Jehovha, ndichaimba nziyo dzokurumbidza.
大卫的诗。 我要歌唱慈爱和公平; 耶和华啊,我要向你歌颂!
2 Ndichangwarira kurarama upenyu husina chahungapomerwa. Muchauya riniko kwandiri? Ndichafamba mumba mangu nomwoyo usina chaungapomerwa.
我要用智慧行完全的道。 你几时到我这里来呢? 我要存完全的心行在我家中。
3 Handingaisi chinhu chakaipa pamberi pangu. Ndinovenga mabasa avanhu vasingatendi; haanganamatiri kwandiri.
邪僻的事,我都不摆在我眼前; 悖逆人所做的事,我甚恨恶, 不容沾在我身上。
4 Vanhu vane mwoyo yakatsauka vachava kure neni; handichazovi nechokuita nechakaipa.
弯曲的心思,我必远离; 一切的恶人,我不认识。
5 Ani naani anoitira muvakidzani wake makuhwa pakavanda, iyeye ndiye wandichaita kuti anyarare; ani naani ane meso anozvikudza nomwoyo unozvikudza, iyeye handingamuregi akadaro.
在暗中谗谤他邻居的,我必将他灭绝; 眼目高傲、心里骄纵的,我必不容他。
6 Meso angu achava pamusoro pavakatendeka vari munyika, kuti vagare neni; iye ane mafambiro asina chaangapomerwa, achandishumira.
我眼要看国中的诚实人,叫他们与我同住; 行为完全的,他要伺候我。
7 Hakuna munhu anonyengera achagara mumba mangu; hakuna munhu anotaura nhema achamira pamberi pangu.
行诡诈的,必不得住在我家里; 说谎话的,必不得立在我眼前。
8 Mangwanani oga oga ndichaita kuti vakaipa vose vari panyika vanyarare; ndichauraya vaiti vezvakaipa vose, vabve muguta raJehovha.
我每日早晨要灭绝国中所有的恶人, 好把一切作孽的从耶和华的城里剪除。