< Mapisarema 100 >
1 Pisarema rokuvonga. Danidzirai nomufaro kuna Jehovha, imi nyika dzose.
A Psalm for Thanksgiving. Make a joyful noise to the Lord, all the earth.
2 Shumirai Jehovha nomufaro; uyai pamberi pake nenziyo dzomufaro.
Serve the Lord with gladness; come before his presence with exultation.
3 Zivai kuti Jehovha ndiye Mwari. Ndiye akatisika, uye tiri vake; tiri vanhu vake, namakwai anofudzwa naye.
Know that the Lord he is God; he made us, and not we ourselves; [we are] his people, and the sheep of his pasture.
4 Pindai pamasuo ake nokuvonga nomuvanze dzake nokurumbidza; chimuvongai uye murumbidze zita rake.
Enter into his gates with thanksgiving, and his courts with hymns; give thanks to him, praise his name.
5 Nokuti Jehovha akanaka uye rudo rwake runogara nokusingaperi; kutendeka kwake kunoramba kuripo kuzvizvarwa zvose.
For the Lord is good, his mercy is for ever; and his truth [endures] to generation and generation.