< Mapisarema 10 >
1 Munomirireiko kure, imi Jehovha? Munozvivanzireiko panguva yokutambudzika?
【求主隡除惡霸】上主,你為什麼站在遠處!在困苦之時竟隱藏不露?
2 Pakuzvikudza kwake munhu akaipa anovhima vasina simba, vanobatwa namano okufunga kwake.
惡人蠻橫地難為弱小的人,叫他陷於預設的陰謀之中。
3 Anozvirumbidza pamusoro pezvinopangwa nomwoyo wake; anoropafadza vanokara uye anozvidza Jehovha.
惡人因隨心所欲而自慶,匪徒因輕慢上主而自幸;
4 Pakuzvikudza kwake akaipa haamutsvaki; mundangariro dzake dzose hamuna nzvimbo yaMwari.
惡人心高氣傲說:他絕不會追究!也絕沒有天主!這就是他的企圖。
5 Nzira dzake dzinobudirira nguva dzose; anozvikudza uye mirayiro yenyu iri kure naye; anodadira vavengi vake vose.
他的道路時時彎曲錯謬;常把你的懲罰拋諸腦後,對一切私仇常怒氣詛咒。
6 Anoti pakufunga kwake, “Hakuna chichandizungunusa; ndichagara ndakafara uye handingatongotambudziki.”
心下自語:我永遠不會動搖!我永永遠遠不會遭受災禍!
7 Muromo wake uzere nokutuka, kureva nhema, uye nokutyisidzira; matambudziko nezvakaipa zviri pasi porurimi rwake.
他他滿口是欺詐與辱罵,舌下盡是惡毒與謊話。
8 Anovandira ari pedyo nemisha; pakuvandira uku anouraya vasina mhosva, ari panzvimbo yakavanzika anotarira vaachaparadza.
他在村邊隱密處埋伏,他暗地裏要殺害無辜,他對不幸者窺伺注目,
9 Anovandira seshumba iri panzvimbo yayo; anovandira kuti abate vasina anovabatsira; anobata vasina anobatsira uye anovakweva achienda navo mumumbure wake.
他在暗處伺伏,有如獅子蹲在洞口,要把貧困的人,伺機刮搜,將貧困者拖入網中劫走。
10 Vabatwa vake anovapwanya, vanowa; vanowira pasi pesimba rake.
他俯下身子,蹲伏在地下,不幸者便陷入他的爪牙;
11 Anoti mumwoyo make, “Mwari akanganwa; akafukidza chiso chake uye haazoonizve.”
心下自語說:天主忘了,祂掩了面,永不再看。
12 Simukai, imi Jehovha! Simudzai ruoko rwenyu, imi Mwari. Regai kukanganwa vanomanikidzwa.
上主天主,求你起來將手舉起,不要把窮苦人忘記。
13 Munhu akaipa anozvidzireiko Mwari? Seiko achiti mumwoyo make, “Haazondibvunzi?”
為何讓人們輕慢天主,心下自語,「祂絕不會追究?」
14 Asi imi, iyemi Mwari, munoona kutambudzika nokusuwa; munokutarisisa kuti mukupedze. Asina simba anozviisa kwamuri; muri mubatsiri wenherera.
其實你已看見欺壓與罪行,正考慮如何親手加以嚴懲;因此不幸的人向你投奔,唯有你是孤兒們的救星。
15 Vhunai ruoko rweakaipa nerwomunhu akaipa; ngaazvidavirire pazvakaipa zvake zvakanga zvisingazoonekwi.
願你打斷罪犯與惡人的臂膊,報復他的罪孽直至不再發作。
16 Jehovha ndiye Mambo nokusingaperi-peri; ndudzi dzichaparara munyika yake.
上主為王,直至於萬世無疆;野蠻人必由祂領域中喪亡。
17 Munonzwa henyu, imi Jehovha, zvishuvo zvavanotambura; munovakurudzira, uye munoteerera kuchema kwavo,
上主,你垂允了謙卑者的心願,堅固他們的心靈,也側耳俯聽。
18 muchiruramisira nherera nevakamanikidzwa, kuti munhu wenyika, arege kuramba achingovhundutsa.
護衛孤兒和受壓迫者的特權,使塵世的人不再施恐怖手段