< Zvirevo 1 >

1 Zvirevo zvaSoromoni mwanakomana waDhavhidhi, mambo weIsraeri:
以色列王達味之子撒羅滿的箴言:
2 kuti uwane uchenjeri nokurayirwa; nokunzwisisa mashoko enjere;
是為教人學習智慧和規律,叫人明瞭哲言,
3 kuti uve noupenyu hwokuzvibata hune uchenjeri uchiita zvakarurama nokururamisira uye nokuenzanisira;
接受明智的教訓--仁義、公平和正直,
4 kuti vasina mano vapiwe uchenjeri, jaya ripiwe ruzivo namano,
使無知者獲得聰明,使年少者獲得知識和慎重,
5 vakachenjera ngavanzwe uye vagowedzera pakudzidza kwavo, uye vanonzvera ngavawane kutungamirirwa,
使智慧者聽了,增加學識;使明達人聽了,汲取智謀,
6 kuti vanzwisise zvirevo nemifananidzo, mashoko nezvirahwe zvavakachenjera.
好能明瞭箴言和譬喻,明瞭智者的言論和他們的隱語。
7 Kutya Jehovha ndiwo mavambo ezivo, asi mapenzi anoshora uchenjeri nokurayirwa.
敬畏上主是智慧的肇基;只有愚昧人蔑視智慧和規律。
8 Mwanakomana wangu, teerera, kurayira kwababa vako, uye usarasa kudzidzisa kwamai vako.
我兒,你應聽你父親的教訓,不要拒絕你母親的指教,
9 Zvichava chishongo chakanaka pamusoro wako nouketani hunoshongedza mutsipa wako.
因為這就是你頭上的冠冕,你頸上的珠鏈。
10 Mwanakomana wangu, kana vatadzi vachikukwezva, usabvuma zvavari kuda kuti uite.
我兒,如果惡人勾引你,你不要聽從;
11 Kana vakati, “Handei tose; ngativandirei munhu timuuraye; ngativandirei mweya usina mhosva;
如果他們說:「來跟我們去暗算某人,無故地陷害無辜。
12 ngativamedzei vari vapenyu, seguva, uye vakakwana kudaro savaya vanodzika mugomba; (Sheol h7585)
我們要像陰府一樣活活地吞下他們,把他們整個吞下去,有如墮入深坑裏的人; (Sheol h7585)
13 tichawana marudzi ose ezvinhu zvinokosha tigozadza dzimba dzedu nezvatichapamba;
這樣,我們必獲得各種珍寶,以贓物充滿我們的房屋。
14 isa zvinhu zvako pamwe chete nesu, tigova nechikwama chimwe chete,”
你將與我們平分秋色,我們將共有同一錢囊。」
15 mwanakomana wangu, usabvumirana navo, usaisa rutsoka panzira dzavo;
我兒,你不要與他們同流合污,該使你的腳遠離他們的道路,
16 nokuti tsoka dzavo dzinomhanyira muchivi, vanokurumidza kundodeura ropa.
因為他們雙腳趨向兇惡,急於傾流人血。
17 Hazvibatsiri sei kutambanudza mumbure shiri dzose dzichinyatsoona!
在一切飛鳥眼前,張設羅網,盡屬徒然。
18 Varume ava vanovandira ropa ravo vomene; vanozvivandira ivo pachavo!
其實,他們不外是自流己血,自害己命。
19 Aya ndiwo magumo avaya vanotsvaka pfuma nenzira yakaipa; inouraya vaya vanoiwana.
這就是謀財害命者的末路:他必要送掉自己的性命。
20 Uchenjeri hunodanidzira nenzwi guru mumugwagwa, hunokwidza inzwi rahwo pachivara;
智慧在街上吶喊,在通衢發出呼聲;
21 kumusoro kwemigwagwa ine ruzha hunodanidzira, pamasuo eguta hunotaura shoko rahwo huchiti:
在熱鬧的街頭呼喚,在城門和市區發表言論:「
22 “Kusvikira riniko imi vasina mano, muchingoda kugara musina mano? Kusvikira riniko vaseki vachifarira kuseka, uye mapenzi achivenga zivo?
無知的人,你們喜愛無知;輕狂的人,你們樂意輕狂;愚昧的人,你們憎恨知識,要到何時呢﹖
23 Dai makateerera kutsiura kwangu, ndingadai ndakadurura mwoyo wangu kwamuri uye ndakazivisa pfungwa dzangu kwamuri.
你們應回心聽我的勸告。看,我要向你們傾吐我的心意,使你們瞭解我的言詞。
24 Asi sezvo makandiramba pandakakudanai uye pasina kana mumwe akateerera pandakatambanudza ruoko rwangu,
但是,我呼喚了,你們竟予以拒絕;我伸出了手,誰也沒有理會。
25 sezvo makashaya hanya nokurayira kwangu, uye mukasagamuchira kutsiura kwangu,
你們既蔑視了我的勸告,沒有接受我的忠言;
26 iniwo ndichaseka panguva yenjodzi yenyu; ndichaseka dambudziko parichakusvikirai,
因此,你們遭遇不幸時,我也付之一笑;災難臨到你們身上時,我也一笑置之。
27 dambudziko parichakukundai sedutu, njodzi paichavhuvhuta pamusoro penyu sechamupupuri, nhamo namatambudziko pazvichakukundai.
當災難如暴風似的襲擊你們,禍害如旋風似的捲去你們,困苦憂患來侵襲你們時,我也置之不顧。
28 “Ipapo vachadana kwandiri asi ini handingavapinduri; vachanditsvaka asi havangandiwani.
那時,他們呼求我,我必不答應:他們尋找我,必尋不著我;
29 Sezvo vakavenga zivo uye vakasasarudza kutya Jehovha,
因為他們憎恨知識,沒有揀選敬畏上主,
30 sezvo vasina kugamuchira yambiro yangu, uye vakashora kutsiura kwangu,
沒有接受我的勸告,且輕視了我的一切規諫。
31 vachadya zvibereko zvenzira dzavo uye vachazadzwa nezvibereko zvemano avo.
所以他們必要自食其果,飽嘗獨斷獨行的滋味。
32 Nokuti kusateerera kwavasina mano kuchavaurayisa, uye kushaya hanya kwamapenzi kuchavaparadza;
的確,無知者的執迷不悟殺害了自己;愚昧人的漠不關心斷送了自己。
33 asi ani naani achanditeerera achagara murugare, uye achagara akasununguka, asingatyi kuparadzwa.”
但是,那聽從我的,必得安居,不怕災禍,安享太平。

< Zvirevo 1 >