< Zvirevo 9 >
1 Uchenjeri hwakavaka imba yahwo; hwakaveza mbiru dzahwo nomwe.
Nyansa asi ne fi; wasisi nʼafadum ason.
2 Hwakabika nyama yahwo; uye hukagadzira waini yahwo; hwakagadzirawo tafura yahwo.
Wasiesie ne nam de afra ne nsa, wato ne pon.
3 Hwakatuma varandakadzi vahwo, uye hunodanidzira kubva panzvimbo yakakwirira kwazvo yeguta.
Wasoma ne mmaawa, na ɔfrɛ fi kuropɔn no sorɔnsorɔmmea hɔ se,
4 Kuna avo vanoshayiwa njere hunoti, “Vose vasina uchenjeri ngavauye muno!
“Momma ntetekwaafo nyinaa mmra ha!” Ɔka kyerɛ wɔn a wonni atemmu se,
5 Uyai, mudye zvokudya zvangu munwe waini yandagadzira.
“Mommra mmedi mʼaduan na monnom nsa a mafra no.
6 Siyai nzira dzenyu dzisina mano mugorarama; fambai munzira yokunzwisisa.
Munnyaw mo ntetekwaasɛm no na mubenya nkwa; monnantew ntease akwan so.”
7 “Ani naani anorayira mudadi anozvitsvakira kutukwa; ani naani anotsiura munhu akaipa anozviwanira kutukwa.
Nea ɔteɛteɛ ɔfɛwdifo no frɛ ahohorabɔ; na nea ɔka amumɔyɛfo anim no nya ɔyaw.
8 Usatsiura mudadi kuti arege kukuvenga; tsiura munhu akachenjera uye achakuda.
Ɛno nti, nka ɔfɛwdifo anim na ɔmmɛtan wo; ka onyansafo anim na ɔbɛdɔ wo.
9 Rayira munhu akachenjera uye achawedzera uchenjeri hwake; dzidzisa munhu akarurama uye achawedzera kudzidza kwake.
Ma onyansafo akwankyerɛ na ɔbɛkɔ so ahu nyansa; kyerɛkyerɛ ɔtreneeni na ɔde bɛka nʼadesua ho.
10 “Kutya Jehovha ndiwo mavambo ouchenjeri, uye kuziva Iye Mutsvene ndiko kunzwisisa.
Awurade suro yɛ nyansa mfiase Ɔkronkronni no ho nimdeɛ yɛ ntease.
11 Nokuti neni mazuva ako achava mazhinji, uye makore achawedzerwa kuupenyu hwako.
Me mu na wo nna bɛdɔɔso, na wɔde mfe bɛka wo nkwa ho.
12 Kana uri wakachenjera, uchenjeri hwako huchakupa mubayiro; kana uri mudadi, iwe woga ndiwe uchatambura.”
Sɛ woyɛ onyansafo a, wubenya wo nyansa so mfaso; sɛ woyɛ ɔfɛwdifo a, wo nko ara na wubehu amane.
13 Mukadzi benzi ane ruzha; haana kudzikama uye haana zivo.
Ɔbea ɔkwasea yɛ ɔkasafo; onni ahohyɛso na onni nimdeɛ.
14 Anogara pamusuo wemba yake, napachigaro chiri panzvimbo yakakwiririsa yeguta,
Ɔte ne fi pon ano, na ɔte akongua a esi kuropɔn no sorɔnsorɔmmea,
15 achidanidzira kuna avo vanenge vachipfuura napo, vaya vanofamba zvakarurama nenzira yavo.
na ɔfrɛfrɛ wɔn a wotwa mu wɔ hɔ, wɔn a wɔnam wɔn kwan so tee se,
16 Anoti kuna vaya vasina njere, “Vose vasina mano ngavauye muno!
“Momma ntetekwaafo nyinaa mmra ha” ɔka kyerɛ wɔn a wonni atemmu se,
17 Mvura yakabiwa inozipa; zvokudya zvinodyirwa muchivande zvinonaka!”
“Nsu a wowia no yɛ fremfrem na aduan a wodi no ahintawee no yɛ dɛ!”
18 Asi zvavasingazivi ndezvokuti mune vakafa, uye kuti vanomushanyira vari mukati kati meguva. (Sheol )
Nanso wonnim koraa sɛ awufo wɔ hɔ sɛ nʼahɔho wɔ ɔda no ase tɔnn. (Sheol )