< Zvirevo 9 >

1 Uchenjeri hwakavaka imba yahwo; hwakaveza mbiru dzahwo nomwe.
知恵は自分の家を建て、その七つの柱を立て、
2 Hwakabika nyama yahwo; uye hukagadzira waini yahwo; hwakagadzirawo tafura yahwo.
獣をほふり、酒を混ぜ合わせて、ふるまいを備え、
3 Hwakatuma varandakadzi vahwo, uye hunodanidzira kubva panzvimbo yakakwirira kwazvo yeguta.
はしためをつかわして、町の高い所で呼ばわり言わせた、
4 Kuna avo vanoshayiwa njere hunoti, “Vose vasina uchenjeri ngavauye muno!
「思慮のない者よ、ここに来れ」と。また、知恵のない者に言う、
5 Uyai, mudye zvokudya zvangu munwe waini yandagadzira.
「来て、わたしのパンを食べ、わたしの混ぜ合わせた酒をのみ、
6 Siyai nzira dzenyu dzisina mano mugorarama; fambai munzira yokunzwisisa.
思慮のないわざを捨てて命を得、悟りの道を歩め」と。
7 “Ani naani anorayira mudadi anozvitsvakira kutukwa; ani naani anotsiura munhu akaipa anozviwanira kutukwa.
あざける者を戒める者は、自ら恥を得、悪しき者を責める者は自ら傷を受ける。
8 Usatsiura mudadi kuti arege kukuvenga; tsiura munhu akachenjera uye achakuda.
あざける者を責めるな、おそらく彼はあなたを憎むであろう。知恵ある者を責めよ、彼はあなたを愛する。
9 Rayira munhu akachenjera uye achawedzera uchenjeri hwake; dzidzisa munhu akarurama uye achawedzera kudzidza kwake.
知恵ある者に教訓を授けよ、彼はますます知恵を得る。正しい者を教えよ、彼は学に進む。
10 “Kutya Jehovha ndiwo mavambo ouchenjeri, uye kuziva Iye Mutsvene ndiko kunzwisisa.
主を恐れることは知恵のもとである、聖なる者を知ることは、悟りである。
11 Nokuti neni mazuva ako achava mazhinji, uye makore achawedzerwa kuupenyu hwako.
わたしによって、あなたの日は多くなり、あなたの命の年は増す。
12 Kana uri wakachenjera, uchenjeri hwako huchakupa mubayiro; kana uri mudadi, iwe woga ndiwe uchatambura.”
もしあなたに知恵があるならば、あなた自身のために知恵があるのである。もしあなたがあざけるならば、あなたひとりがその責めを負うことになる。
13 Mukadzi benzi ane ruzha; haana kudzikama uye haana zivo.
愚かな女は、騒がしく、みだらで、恥を知らない。
14 Anogara pamusuo wemba yake, napachigaro chiri panzvimbo yakakwiririsa yeguta,
彼女はその家の戸口に座し、町の高い所にある座にすわり、
15 achidanidzira kuna avo vanenge vachipfuura napo, vaya vanofamba zvakarurama nenzira yavo.
道を急ぐ行き来の人を招いて言う、
16 Anoti kuna vaya vasina njere, “Vose vasina mano ngavauye muno!
「思慮のない者よ、ここに来れ」と。また知恵のない人に向かってこれに言う、
17 Mvura yakabiwa inozipa; zvokudya zvinodyirwa muchivande zvinonaka!”
「盗んだ水は甘く、ひそかに食べるパンはうまい」と。
18 Asi zvavasingazivi ndezvokuti mune vakafa, uye kuti vanomushanyira vari mukati kati meguva. (Sheol h7585)
しかしその人は、死の影がそこにあることを知らず、彼女の客は陰府の深みにおることを知らない。 (Sheol h7585)

< Zvirevo 9 >