< Zvirevo 8 >

1 Ko, uchenjeri hahudanidziri here? Kunzwisisa hakusimudziri inzwi rako here?
Isn't wisdom calling? Isn't understanding raising her voice?
2 Panzvimbo dzakakwirira panzira, pamharadzano dzenzira, ndipo pahumire;
On the top of the hill by the road, she stands up at the crossroads.
3 parutivi rwamasuo okupinda muguta, pamikova, hunodanidzirisa huchiti,
Beside the gates of the town, right there at the entrance, she cries out:
4 “Kwamuri, imi varume, ndinodanidzira; ndinosimudzira inzwi rangu kuvanhu vose.
“I'm calling out to you, everyone! My call is to everyone in the whole world!
5 Imi vasina mano, wanai uchenjeri; imi mapenzi, wanai kunzwisisa.
If you're immature, learn how to grow up. If you're stupid, learn what makes good sense.
6 Teererai, nokuti ndine zvinhu zvinokosha zvokutaura; ndinozarura muromo wangu kuti nditaure zvakarurama.
Listen to me because I have valuable things to explain to you.
7 Muromo wangu unotaura zvokwadi, nokuti miromo yangu inovenga zvakaipa.
I say what's right, because I tell the truth and I hate wickedness in all its forms.
8 Mashoko ose omuromo wangu akarurama; hapana kana rimwe rakakombama kana rakaipa.
All the words I say are true; none are false or misleading.
9 Kune ane njere ose zvawo akarurama, akarurama kuna avo vane zivo.
My words are straightforward to anyone with understanding; they are correct to those who have knowledge.
10 Sarudza kurayira kwangu panzvimbo yesirivha, ruzivo panzvimbo yegoridhe rakaisvonaka,
Choose my instruction over silver; choose knowledge over pure gold.
11 nokuti uchenjeri hunokosha kupfuura marubhi, uye hapana chaungada chingaenzaniswa nahwo.
For wisdom is more valuable than rubies; everything you could ever want just doesn't compare!
12 “Ini, uchenjeri ndinogara pamwe chete navakachenjera; ndine ruzivo nenjere.
I, wisdom, am at home with good decisions. I know how to find knowledge and discernment.
13 Kutya Jehovha ndiko kuvenga zvakaipa; ndinovenga kuzvikudza namanyawi, maitiro akaipa nokutaura kunonyangadza.
Honoring the Lord means hating evil. So I hate pride and arrogance, wicked behavior and telling lies.
14 Zano nokutonga kwakanaka ndezvangu; ndine kunzwisisa nesimba.
I have advice and good judgment; I know what makes sense, and I have power.
15 Madzimambo anobata ushe neni uye vatongi vanodzika mirayiro yakarurama;
It's because of me that kings reign, and rulers issue fair decrees.
16 machinda anofambisa ushe neni, navakuru vose vanotonga panyika.
It's because of me that leaders and nobles govern—all who rule justly.
17 Ndinoda avo vanondida, uye vaya vanonditsvaka vanondiwana.
I love those who love me, and those who really look for me will find me.
18 Pfuma nokukudzwa zvineni, upfumi hunogara nokururama.
With me go riches and honor, lasting wealth and prosperity.
19 Chibereko changu chakanaka kupfuura goridhe rakaisvonaka; zvandinobereka zvinopfuura sirivha yakaisvonaka.
The fruit I produce is better than gold, even pure gold, and my harvest is better than even the best silver.
20 Ndinofamba munzira dzokururama, pamakwara okururamisira,
I live in a way that's right; I follow the paths of justice.
21 ndichipa upfumi kuna avo vanondida, uye ndichiita kuti matura avo azare.
I grant wealth to those who love me; I fill their treasure storehouses.
22 “Jehovha akandibudisa sebasa rake rokutanga pamabasa ake, kutangira mabasa ake akare;
The Lord created me first of all; I was made before anything else.
23 ndakagadzwa kubva pakusingaperi, kubva pakutanga, nyika isati yavapo.
I was formed a long time ago, at the first, before the world began.
24 Makungwa asati avapo, ndakaberekwa, pasati pava nezvitubu zvine mvura zhinji;
I was born when there were no ocean depths, when there were no springs pouring out water.
25 makomo asati aiswa munzvimbo dzawo, zvikomo zvisati zvavapo, ndakaberekwa,
I was born before the mountains or the hills had been formed,
26 asati aita nyika neminda kana guruva ripi zvaro renyika.
when he hadn't made the earth and its fields or any of the earth's dust.
27 Ndakanga ndiripo paakaisa matenga munzvimbo dzawo, paakaita denderedzwa pamusoro pamakungwa,
I was there when he placed the heavens in position, when he drew the horizon over the ocean,
28 paakaita makore kudenga uye paakasimbisa zvitubu zvamakungwa,
when he made the clouds in the sky above, when he created the springs of the oceans,
29 paakapa gungwa miganhu yaro kuti mvura dzirege kudarika zvaakarayira, uye paakateya nheyo dzenyika.
when he set limits on the sea so that the waters would not go farther than he ordered, and when he laid out the foundations of the earth.
30 Ipapo ndini ndaiva mhizha parutivi rwake. Ndaigara ndichifara zuva nezuva, ndichifara nguva dzose pamberi pake,
Then I was beside him as a master craftsman. I made him happy every day, and I was always full of joy in his presence.
31 ndichifadzwa nenyika yake yose uye ndichifadzwa navanhu vose.
I was so happy in the world he created, celebrating together with human beings.
32 “Saka zvino, vanakomana vangu, teererai kwandiri; vakaropafadzwa avo vanochengeta nzira dzangu.
And now, my sons, listen to me, for happy are those who follow my ways.
33 Teererai kurayira kwangu mugova vakachenjera; musakushayira hanya.
Listen to my instruction and be wise—do not reject it.
34 Akaropafadzwa munhu anoteerera kwandiri, anorinda mazuva ose pamasuo angu. Anomira pamukova womusuo wangu.
Happy are those who listen to me, watching for me every day at my doors, waiting at my entrance way.
35 Nokuti ani naani anondiwana anowana upenyu uye anogamuchira nyasha kubva kuna Jehovha.
For those who find me, find life, and are accepted by the Lord.
36 Asi ani naani asingandiwani anozvikuvadza; vose vanondivenga vanoda rufu.”
But those who don't find me hurt themselves; everyone who hates me loves death.”

< Zvirevo 8 >