< Zvirevo 6 >

1 Mwanakomana wangu, kana uchinge waita rubatso kumuvakidzani wako, kana uchinge waita mhiko nokumbunda noruoko rwako kuno mumwe,
My son, if thou art surety for thy friend, [if] thou hast stricken thy hand with a stranger,
2 kana uchinge wasungwa nokuda kwezvawakataura, wabatwa namashoko omuromo wako,
Thou art snared with the words of thy mouth, thou art taken with the words of thy mouth.
3 ipapo ita izvi, mwanakomana wangu, kuti uzvisunungure, sezvo wawira mumaoko omuvakidzani wako! Enda undozvininipisa; ukumbire zvikuru kumuvakidzani wako!
Do this now, my son, and deliver thyself, when thou art come into the hand of thy friend; go, humble thyself, and make sure thy friend.
4 Usatendera meso ako hope, usatendera meso ako kutsumwaira.
Give not sleep to thy eyes, nor slumber to thy eyelids.
5 Zvipukunyutse, semhara kubva paruoko rwomuvhimi, seshiri kubva paugombe hwomuteyi.
Deliver thyself as a roe from the hand [of the hunter], and as a bird from the hand of the fowler.
6 Enda kusvosve, iwe simbe; cherechedza nzira dzaro ugova wakachenjera!
Go to the ant, thou sluggard; consider her ways, and be wise:
7 Harina mutungamiri, mutariri kana mutongi,
Which having no guide, overseer, or ruler,
8 asi rinochengeta zvokudya zvaro muzhizha, uye rinounganidza zvokudya zvaro pakukohwa.
Provideth her provisions in the summer, [and] gathereth her food in the harvest.
9 Uchasvika riniko wakarara ipapo, iwe simbe? Uchamuka riniko kubva pahope dzako?
How long wilt thou sleep, O sluggard? when wilt thou arise out of thy sleep?
10 Kumbovata zvishomanana, kumbotsumwaira zvishomanana, kumbopeta maoko zvishomanana kuti ndizorore.
[Yet] a little sleep, a little slumber, a little folding of the hands to sleep:
11 Naizvozvo urombo huchauya kwauri segororo, uye kushayiwa somurwi akashonga nhumbi dzokurwa.
So shall thy poverty come as one that traveleth, and thy want as an armed man.
12 Munhu asina maturo uye anoita zvakaipa, anofamba-famba achitaura zvakaora,
A naughty person, a wicked man, walketh with a froward mouth.
13 anochonya nameso ake, anonongedzera netsoka dzake, uye anodudzira neminwe yake,
He winketh with his eyes, he speaketh with his feet, he teacheth with his fingers;
14 anoronga zvakaipa nounyengeri mumwoyo make, iyeyo anogaromutsa kupesana.
Frowardness [is] in his heart, he deviseth mischief continually; he soweth discord.
15 Naizvozvo njodzi ichamuwira munguva shoma shoma; achaparadzwa nokukurumidza, pasina chingamubatsira.
Therefore shall his calamity come suddenly; suddenly shall he be broken without remedy.
16 Pane zvinhu zvitanhatu zvakavengwa naJehovha, zvinomwe zvinomunyangadza zvinoti:
These six [things] doth the LORD hate: yes, seven [are] an abomination to him:
17 meso anozvikudza, rurimi runoreva nhema, maoko anodeura ropa risina mhosva,
A proud look, a lying tongue, and hands that shed innocent blood.
18 mwoyo unoronga mano akaipa, tsoka dzinokurumidza kumhanyira muzvakaipa,
A heart that deviseth wicked imaginations, feet that are swift in running to mischief,
19 chapupu chenhema chinodurura nhema, uye munhu anomutsa kupesana pakati pehama.
A false witness [that] speaketh lies, and him that soweth discord among brethren.
20 Mwanakomana wangu, chengetedza mirayiro yababa vako, uye usarasa kudzidzisa kwamai vako.
My son, keep thy father's commandment, and forsake not the law of thy mother:
21 Zvisungirire pamwoyo wako nokusingaperi; uzvishonge pamutsipa wako.
Bind them continually upon thy heart, [and] tie them about thy neck.
22 Paunofamba zvichakutungamirira; paucharara, zvichakurinda; pauchamuka, zvichataura newe.
When thou goest, it shall lead thee; when thou sleepest, it shall keep thee; and [when] thou awakest, it shall talk with thee.
23 Nokuti mirayiro iyi ndiyo mwenje kwauri, dzidziso iyi ndiyo chiedza, uye kudzora kwokurayira ndiko nzira youpenyu,
For the commandment [is] a lamp; and the law [is] light; and reproofs of instruction [are] the way of life:
24 kunokuchengetedza pamukadzi asingazvibati, kubva parurimi runonyengera rwomudzimai asingazvibati.
To keep thee from the evil woman, from the flattery of the tongue of a strange woman.
25 Usachiva runako rwake mumwoyo mako, kana kumurega achikubata namaziso ake,
Lust not after her beauty in thy heart; neither let her take thee with her eyelids.
26 nokuti chifeve chinokuderedza kusvikira wafanana nechingwa, uye mukadzi womumwe asi ari chifeve anoendesa upenyu hwako chaihwo kurufu.
For by means of a lewd woman [a man is brought] to a piece of bread: and the adulteress will hunt for the precious life.
27 Ko, munhu angaisa moto pamakumbo ake, nguo dzake dzikasatsva here?
Can a man take fire in his bosom, and his clothes not be burned?
28 Ko, munhu angafamba pamazimbe anopisa, tsoka dzake dzikasatsva here?
Can one go upon hot coals, and his feet not be burned?
29 Ndizvo zvakaita uyo anorara nomudzimai womumwe murume; hapana angabate mukadzi iyeyo akasarangwa.
So he that goeth in to his neighbor's wife; whoever toucheth her shall not be innocent.
30 Vanhu havazvidzi mbavha kana ikaba kuti ipedze nzara yayo painenge yoziya.
[Men] do not despise a thief, if he stealeth to satisfy his soul when he is hungry;
31 Asi kana akabatwa, anofanira kuripa kakapetwa kanomwe, kunyange zvichimutorera pfuma yose yeimba yake.
But [if] he is found, he shall restore seven-fold; he shall give all the substance of his house.
32 Asi munhu anoita upombwe, anoshayiwa njere; ani naani anozviita anozviparadza iye pachake.
[But] whoever committeth adultery with a woman lacketh understanding: he [that] doeth it destroyeth his own soul.
33 Kurohwa nokunyadziswa ndiwo mugove wake, uye kunyadziswa kwake hakungatongobviswi;
A wound and dishonor shall he get; and his reproach shall not be wiped away.
34 nokuti godo rinomutsa hasha dzomurume, uye haanganzwiri tsitsi kana otsiva.
For jealousy [is] the rage of a man: therefore he will not spare in the day of vengeance.
35 Haangagamuchiri muripo upi zvawo; acharamba fufuro, kunyange rakakura sei.
He will not regard any ransom; neither will he rest content, though thou givest many gifts.

< Zvirevo 6 >