< Zvirevo 31 >

1 Zvirevo zvaMambo Remueri, zvirevo zvaakadzidziswa namai vake:
Maneno ya mfalme Lemueli - mausia aliyofundishwa na mama yake.
2 “Nhaiwe mwanakomana wangu, iwe mwanakomana wokubereka, iwe mwanakomana wemhiko dzangu,
Mwanangu nini? Na ni nini mwana wa tumbo langu? Na ni nini mwana wa nadhiri zangu?
3 usapedzera simba rako pavakadzi, nenzira dzako pane avo vanoparadza madzimambo.
Nguvu zako usiwape wanawake; au wenye kuharibu wafalme njia zako.
4 “Hazvisi zvamadzimambo, nhaiwe Remueri, hazvina kufanira madzimambo kunwa waini, hazvina kufanira vatongi kukara doro,
Lemueli, kunywa divai, siyo kwa ajili ya wafalme, wala kwa watawala kuuliza, “kileo kikali kiko wapi?”
5 nokuti vangazonwa vakakanganwa zvakatemwa nomurayiro, uye vakazotadza kururamisira kodzero dzavanomanikidzwa vose.
Kwa sababu kama watakunywa, watasahau sheria ni nini, na kupotosha haki za wote walioonewa.
6 Ipai doro kuna avo vari kuparara, newaini kuna avo vari mukurwadziwa:
Wape kileo kikali watu wanaopotea na mvinyo kwa wale wenye kutaabika kwa uchungu.
7 regai vanwe vakanganwe urombo hwavo, uye varege kuzorangarirazve kutambudzika kwavo.
Atakunywa na kusahau umasikini wake na hataikumbuka taabu yake.
8 “Taurai pachinzvimbo chaavo vasingagoni kuzvitaurira, pamusoro pekodzero dzavose vanoshayiwa.
Ongea kwa ajili yao wasioweza kuongea, kwa madai ya wote wanaopotea.
9 Taura utonge zvakanaka; udzivirire kodzero dzavarombo navanoshayiwa.”
Ongea na uhukumu kwa vipimo vya haki na utetee dai la masikini na watu wahitaji.
10 Mudzimai ane unhu hwakanaka ndiani angamuwana? Mutengo wake unopfuura nokure matombo anokosha emarubhi.
Mke hodari ni nani anaweza kumpata? Thamani yake ni zaidi kuliko vito.
11 Murume wake anovimba naye zvizere, uye haana chaanoshayiwa chinokosha.
Moyo wa mume wake humwamini, na hatakuwa masikini.
12 Anoitira murume wake zvakanaka, kwete zvakaipa, mazuva ose oupenyu hwake.
Humtendea mambo mema na wala si mabaya siku zote za maisha yake.
13 Anosarudza wuru neshinda uye anoshanda namaoko anoshingaira.
Huchagua sufu na kitani, na hufanya kazi yake ya mikono kwa furaha.
14 Akafanana nezvikepe zvavatengesi, anondotora zvokudya zvake kure.
Yupo kama meli za wafanyabiashara; huleta chakula chake kutoka mbali.
15 Anomuka kuchakasviba; agotsvagira mhuri yake zvokudya uye agopa varandakadzi vake basa ravo.
Huamka wakati wa usiku na kuwapa chakula watu wa kaya yake, na kugawa kazi kwa watumishi wake wa kike.
16 Anonanʼanidza munda agoutenga; anosima munda wemizambiringa nezvaakawana namaoko ake.
Hulifikiria shamba na kulinunua, kwa tunda la mikono yake hupanda shamba la mizabibu.
17 Anoita basa rake nesimba; maoko ake akasimba kuti aite mabasa ake.
Yeye mwenyewe hujivika nguvu na kuimarisha mikono yake.
18 Anoona kuti kushambadzira kwake kunobatsira, uye mwenje wake haudzimi pausiku.
Huangalia ni kipi kitaleta faida nzuri kwake; usiku wote taa yake haizimishwi.
19 Muruoko rwake anobata chirukiso, uye anobata chirukwa neminwe yake.
Mikono yake huiweka kwenye mpini wa kisokotea nyuzi na hushikilia kisokotea nyuzi.
20 Anotambanudzira maoko ake kuvarombo, uye anotandavadzira maoko ake kune vanoshayiwa.
Mkono wake huwafikia watu masikini; mikono yake huwafikia watu wahitaji.
21 Kana kwotonhora, haatyire mhuri yake; nokuti vose vakapfeka nguo dzinodziya.
Haogopi theluji kwa ajili ya kaya yake, kwa maana nyumba yake yote imevika kwa nguo nyekundu.
22 Anozvigadzirira zvokuwaridza panhoo yake; anozvipfekedza nguo yomucheka wakaisvonaka, uye nomucheka wepepuru.
Hutengeneza matandiko ya kitanda chake, na huvaa nguo za kitani ya dhambarau safi.
23 Murume wake anoremekedzwa pasuo reguta, kana agere pakati pavakuru venyika.
Mume wake anajulikana malangoni, anapoketi na wazee wa nchi.
24 Mudzimai anoita nguo dzemicheka yakanaka agodzitengesa, uye anotengesera vanotengesa micheka yokumonera muhuro.
Hutengeneza mavazi ya kitani na kuyauza, na naleta mishipi kwa wafanyabiashara.
25 Simba nokukudzwa ndizvo nguo dzake; anofara akatarisana namazuva anouya.
Amevaa nguvu na heshima, na wakati ujao huucheka.
26 Anotaura nouchenjeri, uye kurayira kwakatendeka kuri parurimi rwake.
Anafumbua kinywa chake kwa hekima na sheria ya ukarimu ipo kwenye ulimi wake.
27 Anotarira zvakanaka mararamiro emhuri yake, uye haadyi zvokudya zvousimbe.
Huangalia njia za nyumba yake na hawezi kula mkate wa uvivu.
28 Vana vake vanosimuka vagomuti akaropafadzwa, murume wakewo, anomurumbidza:
Watoto wake huinuka na kumwita heri na mume wake humsifia, akisema,
29 “Vakadzi vazhinji vanoita zvinhu zvakanaka, asi iwe unovakunda vose.”
“Wanawake wengi wamefanya vizuri, lakini wewe umewapita wote.”
30 Zvinofadza zvinonyengera, uye runako ndorwenguva duku; asi mukadzi anotya Jehovha anofanira kurumbidzwa.
Madaha ni udanganyifu, uzuri ni ubatili; bali mwanamke amchaye Yehova, atasifiwa.
31 Mupeiwo mubayiro wake waakashandira, uye mabasa ake ngaamupe kurumbidzwa pasuo reguta.
Mpeni tunda la mikono yake na kazi zake zimsifu katika malango.

< Zvirevo 31 >