< Zvirevo 31 >
1 Zvirevo zvaMambo Remueri, zvirevo zvaakadzidziswa namai vake:
Pawòl a wa Lemuel yo; pwofesi ke manman li te ansegne li a:
2 “Nhaiwe mwanakomana wangu, iwe mwanakomana wokubereka, iwe mwanakomana wemhiko dzangu,
“O fis mwen an! O fis a vant mwen an! O fis a ve mwen yo!
3 usapedzera simba rako pavakadzi, nenzira dzako pane avo vanoparadza madzimambo.
Pa bay fòs ou a fanm, ni wout ou a sila ki konn detwi wa yo.
4 “Hazvisi zvamadzimambo, nhaiwe Remueri, hazvina kufanira madzimambo kunwa waini, hazvina kufanira vatongi kukara doro,
Se pa pou wa yo, O Lemuel, se pa pou wa yo bwè diven, ni pou chèf yo ta bwè diven,
5 nokuti vangazonwa vakakanganwa zvakatemwa nomurayiro, uye vakazotadza kururamisira kodzero dzavanomanikidzwa vose.
Paske y ap bwè epi vin bliye dekrè ki te fèt la, e tòde dwa a sila ki aflije yo.
6 Ipai doro kuna avo vari kuparara, newaini kuna avo vari mukurwadziwa:
Bay bwason fò a sila k ap peri a, ak diven a sila ki gen lavi anmè a.
7 regai vanwe vakanganwe urombo hwavo, uye varege kuzorangarirazve kutambudzika kwavo.
Kite li bwè pou bliye mizè li e pa sonje pwoblèm li ankò.
8 “Taurai pachinzvimbo chaavo vasingagoni kuzvitaurira, pamusoro pekodzero dzavose vanoshayiwa.
Ouvri bouch ou pou bèbè a; pou dwa yo a tout sila ki san sekou.
9 Taura utonge zvakanaka; udzivirire kodzero dzavarombo navanoshayiwa.”
Ouvri bouch ou, fè jijman ak dwati, e defann dwa a aflije yo ak endijan an.”
10 Mudzimai ane unhu hwakanaka ndiani angamuwana? Mutengo wake unopfuura nokure matombo anokosha emarubhi.
Yon madanm ki ekselan, se kilès ki ka twouve li? Paske valè li depase bijou.
11 Murume wake anovimba naye zvizere, uye haana chaanoshayiwa chinokosha.
Kè a mari li mete konfyans nan li e li p ap manke reyisi.
12 Anoitira murume wake zvakanaka, kwete zvakaipa, mazuva ose oupenyu hwake.
Li fè l sa ki bon e pa sa ki mal pandan tout jou lavi li.
13 Anosarudza wuru neshinda uye anoshanda namaoko anoshingaira.
Li chache lèn ak len e travay avèk men l ak kè kontan.
14 Akafanana nezvikepe zvavatengesi, anondotora zvokudya zvake kure.
Li tankou bato komès; li mennen manje li soti byen lwen.
15 Anomuka kuchakasviba; agotsvagira mhuri yake zvokudya uye agopa varandakadzi vake basa ravo.
Anplis, li leve pandan li toujou fènwa pou bay manje a tout lakay li, ak yon pòsyon pou sèvant li yo.
16 Anonanʼanidza munda agoutenga; anosima munda wemizambiringa nezvaakawana namaoko ake.
Li konsidere yon chan e achte li. Ak benefis travay li, li plante yon chan rezen.
17 Anoita basa rake nesimba; maoko ake akasimba kuti aite mabasa ake.
Li mare senti l ak gwo fòs pou fè bra li vin fò.
18 Anoona kuti kushambadzira kwake kunobatsira, uye mwenje wake haudzimi pausiku.
Li santi ke siksè li bon; lanp li pa janm etenn lannwit.
19 Muruoko rwake anobata chirukiso, uye anobata chirukwa neminwe yake.
Li lonje men l vè aparèy tise a e men l kenbe l.
20 Anotambanudzira maoko ake kuvarombo, uye anotandavadzira maoko ake kune vanoshayiwa.
Li lonje men l vè pòv yo avèk sila ki gen bezwen an.
21 Kana kwotonhora, haatyire mhuri yake; nokuti vose vakapfeka nguo dzinodziya.
Lakay li pa fè krent pou lanèj, paske tout lakay abiye an wouj.
22 Anozvigadzirira zvokuwaridza panhoo yake; anozvipfekedza nguo yomucheka wakaisvonaka, uye nomucheka wepepuru.
Li fè kouvèti pou tèt li; tout vètman li se twal fen blan ak mov.
23 Murume wake anoremekedzwa pasuo reguta, kana agere pakati pavakuru venyika.
Mari li byen rekonèt nan pòtay lavil yo, lè l chita pami ansyen a peyi yo.
24 Mudzimai anoita nguo dzemicheka yakanaka agodzitengesa, uye anotengesera vanotengesa micheka yokumonera muhuro.
Li fè vètman an len pou vann yo, e founi sentiwon a tout komèsan yo.
25 Simba nokukudzwa ndizvo nguo dzake; anofara akatarisana namazuva anouya.
Fòs ak respè se abiman li e li souri a lavni.
26 Anotaura nouchenjeri, uye kurayira kwakatendeka kuri parurimi rwake.
Li ouvri bouch li avèk sajès e enstriksyon ladousè sou lang li.
27 Anotarira zvakanaka mararamiro emhuri yake, uye haadyi zvokudya zvousimbe.
Li gade byen tout afè lakay li e li pa manje pen laparès.
28 Vana vake vanosimuka vagomuti akaropafadzwa, murume wakewo, anomurumbidza:
Pitit li yo leve e beni li; mari li tou ba li gwo lwanj pou di l:
29 “Vakadzi vazhinji vanoita zvinhu zvakanaka, asi iwe unovakunda vose.”
“Anpil fi te fè byen bon; men ou pi bon anpil pase yo tout.”
30 Zvinofadza zvinonyengera, uye runako ndorwenguva duku; asi mukadzi anotya Jehovha anofanira kurumbidzwa.
Chàm konn twonpe e bèlte konn vanite; men se fanm nan ki krent SENYÈ a k ap resevwa lwanj.
31 Mupeiwo mubayiro wake waakashandira, uye mabasa ake ngaamupe kurumbidzwa pasuo reguta.
Ba li sa ke men l te pwodwi, epi kite zèv li yo fè lwanj li nan pòtay yo.