< Zvirevo 30 >

1 Zvirevo zvaAguri mwanakomana waJake, shoko rake: Murume uyu akati kuna Itieri, kuna Itieri nokuna Ukari:
Riječi Agura, sina Jakeova, iz Mase; proročanstvo njegovo za Itiela, za Itiela i Ukala.
2 “Ndini munhu asingazivi zvikuru kwazvo pakati pavanhu; handina kunzwisisa kwomunhu.
Da, preglup sam da bih bio čovjek i nemam razbora čovječjeg.
3 Handina kudzidza uchenjeri, uye handina ruzivo rwaiye Mutsvene.
Ne stekoh mudrosti i ne poznajem znanosti svetih!
4 Ndiani akakwidza kudenga uye akazoburuka? Ndiani akabata mhepo mumaoko ake? Ndiani akasungirira mvura munguo yake? Ndiani akaisa migumo yose yenyika? Zita rake ndiani, uye nezita romwanakomana wake? Ndiudzei kana muchiriziva!
Tko uzađe na nebo i siđe? Tko uhvati vjetar u šake svoje? Tko sabra vode u plašt svoj? Tko postavi krajeve zemaljske? Kako se zove i kako mu se zove sin? Znaš li?
5 “Shoko rimwe nerimwe raMwari nderechokwadi; iye chidzitiro kuna avo vanovanda maari.
Svaka je Božja riječ prokušana, štit onima koji se u nj uzdaju.
6 Usawedzera kumashoko ake, kana kuti achakutsiura uye agokuratidza kuti uri murevi wenhema.
Ne dodaji ništa njegovim riječima, da te ne prekori i ne smatra lažljivim.
7 “Zvinhu zviviri zvandinokumbira kwamuri, imi Jehovha, musandirambira izvi ndisati ndafa:
Za dvoje te molim, ne uskrati mi, dok ne umrem:
8 Bvisai kusatendeka nenhema zvive kure neni; musandipa urombo kana pfuma, asi ndipei chete zvokudya zvemisi yose.
udalji od mene licemjernu i lažnu riječ; ne daj mi siromaštva ni bogatstva: hrani me kruhom mojim dostatnim;
9 Zvichida, ndingava nezvakawanda kwazvo ndikasakukudzai, uye ndikazoti, ‘Jehovha ndianiko?’ Kana kuti zvimwe ndingava murombo ndikaba, uye ndikasaremekedza zita raMwari wangu.
inače bih, presitivši se, zatajio tebe i rekao: “Tko je Jahve?” Ili bih, osiromašivši, krao i oskvrnio ime Boga svojega.
10 “Usareva muranda kuna tenzi wake, nokuti achakutuka, uye uchazviripira izvozvo.
Ne klevetaj sluge gospodaru njegovu, jer bi te mogao kleti i ti morao okajati.
11 “Kuna avo vanotuka madzibaba avo uye vasingaropafadzi vanamai vavo;
Ima izrod koji kune oca svoga i ne blagoslivlje majke svoje!
12 vaya vanozviti vakachena pamaonero avo asi vasina kusukwa tsvina yavo;
Izrod koji za se misli da je čist, a od kala svojeg nije opran!
13 vaya vane meso anozvikudza nguva dzose, vane matarisiro okushora;
Izrod uznositih očiju koji visoko diže svoje trepavice!
14 vaya vane meno anenge minondo nameno eshaya dzavo anenge mapanga kuti vaparadze varombo panyika, navanoshayiwa kubva pakati pavanhu.
Izrod komu su zubi mačevi i očnjaci noževi da proždiru nesretnike na zemlji i siromahe među ljudima!
15 “Chikwevaropa chine vanasikana vaviri. Vanodanidzira vachiti, ‘Tipei! Tipei!’ “Kune zvinhu zvitatu zvisingatongoguti, zvina zvisingamboti, ‘Zvaringana!’:
Pijavica ima dvije kćeri: “Daj! Daj!” Postoje tri stvari nezasitne i četiri koje ne kažu: “Dosta!”
16 guva, chizvaro chisingabereki, pasi pasingaguti mvura, nomoto usingamboti, ‘Zvaringana!’ (Sheol h7585)
Carstvo smrti, jalova utroba, zemlja nikad gasna vode i vatra koja nikad ne kaže: “Dosta!” (Sheol h7585)
17 “Ziso rinotuka baba, rinoshora kuteerera mai, richanongorwa namakunguo omumupata, richadyiwa namagora.
Oko koje se ruga ocu i odriče posluh majci iskljuvat će potočni gavrani i izjesti mladi orlovi.
18 “Pane zvinhu zvitatu zvinondishamisa kwazvo, zvina zvandisinganzwisisi, zvinoti:
Troje mi je nedokučivo, a četvrto ne razumijem:
19 nzira yegondo riri mudenga, nenzira yenyoka paruware, nenzira yechikepe pagungwa, uye nzira yomurume ane musikana.
put orlov po nebu, put zmijin po stijeni, put lađin posred mora i put muškarčev djevojci.
20 “Iyi ndiyo nzira yomukadzi chifeve: Anodya agopukuta muromo wake uye agoti, ‘Hapana chinhu chakaipa chandaita ini.’
Takav je put preljubnice: najede se, obriše usta i veli: “Nisam sagriješila.”
21 “Nyika inodedera nokuda kwezvinhu zvitatu, zvinhu zvina zvaisingadi kuona:
Od troga se zemlja ljulja, a četvrtoga ne može podnijeti:
22 muranda anozova mambo, benzi rine zvokudya zvizhinji,
od roba kad postane kralj i kad se prostak kruha nasiti,
23 mukadzi akaroorwa asi asingadiwi, nomurandakadzi anotorera vatenzi vake murume.
od puštenice kad se uda i sluškinje kad istisne svoju gospodaricu.
24 “Panyika pane zvinhu zvina zvidiki, asi zvakachenjera kwazvo:
Četvero je maleno na zemlji, ali mudrije od mudraca:
25 Masvosve zvipuka zvine simba duku asi anounganidza zvokudya zvawo muzhizha:
mravi, nejaki stvorovi, koji sebi ljeti spremaju hranu;
26 mbira zvipuka zvisina simba guru, asi dzinoita imba yadzo mumatombo;
jazavci, stvorovi bez moći, što u stijeni grade sebi stan;
27 mhashu hadzina mambo, asi dzinofamba pamwe chete mumapoka adzo;
skakavci, koji nemaju kralja, a svi idu u poretku;
28 dzvinyu rinogona kubatwa namaoko, asi rinowanikwa mumizinda yamadzimambo.
gušter, što se rukama hvata, a prodire u kraljevske palače.
29 “Kune zvinhu zvitatu zvino kufamba kunokudzwa kwazvo, zvina zvino kufamba kunokudzwa kwazvo;
Troje ima lijep korak, a četvero lijepo hodi:
30 shumba, ine simba pakati pezvikara, isingadududzi pamberi pechikara chipi zvacho;
lav, junak među zvijerima, koji ni pred kim ne uzmiče;
31 mafambiro okuzvikudza ejongwe, nenhongo yembudzi, uye namambo akakomberedzwa navarwi vake.
pijetao što se odvažno šeće među kokošima; jarac koji vodi stado; i kralj sa svojom vojskom.
32 “Kana uchinge waita upenzi nokuzvirumbidza pachako, kana kuti waronga zvakaipa, bata muromo wako noruoko rwako!
Ako si ludovao oholeći se ili to svjesno činio, stavi ruku na usta.
33 Nokuti somukaka warozva unobudisa ruomba, uye sokudzvinyirira mhino kunobudisa ropa, nokudaro kumutsa hasha kunobudisa kukakavara.”
Kad se mlijeko metÄe, izlazi maslac; kad se nos pritisne, poteče krv; kad se srdžba potisne, dobiva se spor.

< Zvirevo 30 >