< Zvirevo 3 >

1 Mwanakomana wangu, usakanganwa kudzidzisa kwangu, asi uchengete mirayiro yangu mumwoyo mako,
Oğlum, unutma öğrettiklerimi, Aklında tut buyruklarımı.
2 nokuti zvichawedzera makore mazhinji kuupenyu hwako, uye nokubudirira.
Çünkü bunlar ömrünü uzatacak, Yaşam yıllarını, esenliğini artıracaktır.
3 Rudo nokutendeka ngazvirege kukusiya; uzvisungirire pamutsipa wako, zvinyore pahwendefa romwoyo wako.
Sevgiyi, sadakati hiç yanından ayırma, Bağla onları boynuna, Yaz yüreğinin levhasına.
4 Ipapo uchawana nyasha nezita rakanaka pamberi paMwari navanhu.
Böylece Tanrı'nın ve insanların gözünde Beğeni ve saygınlık kazanacaksın.
5 Vimba naJehovha nomwoyo wako wose urege kuzendamira panjere dzako;
RAB'be güven bütün yüreğinle, Kendi aklına bel bağlama.
6 munzira dzako dzose umutungamidze, uye acharuramisa nzira dzako.
Yaptığın her işte RAB'bi an, O senin yolunu düze çıkarır.
7 Usazviita munhu akachenjera pamaonero ako; itya Jehovha uvenge zvakaipa.
Kendini bilge biri olarak görme, RAB'den kork, kötülükten uzak dur.
8 Izvi zvichava utano pamuviri wako uye nokusimbiswa kwamapfupa ako.
Böylece bedenin sağlık Ve ferahlık bulur.
9 Kudza Jehovha nepfuma yako, zvokutanga zvezvirimwa zvako;
Servetinle ve ürününün turfandasıyla RAB'bi onurlandır.
10 ipapo matura ako achazadzwa kusvikira pakufashukira, uye makate ako achazara kusvika pamusoro newaini itsva.
O zaman ambarların tıka basa dolar, Teknelerin yeni şarapla dolup taşar.
11 Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaJehovha, uye usatsamwira kutsiura kwake,
Oğlum, RAB'bin terbiye edişini hafife alma, O'nun azarlamasından usanma.
12 nokuti Jehovha anoranga avo vaanoda, sababa nomwanakomana wavanofarira.
Çünkü RAB, oğlundan hoşnut bir baba gibi, Sevdiğini azarlar.
13 Akaropafadzwa munhu anowana uchenjeri, munhu anowana kunzwisisa,
Bilgeliğe erişene, Aklı bulana ne mutlu!
14 nokuti hwakanyanya kunaka kupfuura sirivha, uye hunopfumisa kupfuura goridhe.
Gümüş kazanmaktansa onu kazanmak daha iyidir. Onun yararı altından daha çoktur.
15 Hunokosha kupfuura marubhi; zvose zvaunoshuva hazvingafananidzwi nahwo.
Daha değerlidir mücevherden, Dileyeceğin hiçbir şey onunla kıyaslanamaz.
16 Mazuva mazhinji oupenyu ari muruoko rwahwo rworudyi; muruboshwe rwahwo mune upfumi nokukudzwa.
Sağ elinde uzun ömür, Sol elinde zenginlik ve onur vardır.
17 Nzira dzahwo dzinofadza, uye makwara ahwo ose rugare.
Yolları sevinç yollarıdır, Evet, bütün yolları esenliğe çıkarır.
18 Ndihwo muti woupenyu kuna vose vanohumbundikira; vose vanohubata vacharopafadzwa.
Bilgelik yaşam ağacıdır ona sarılanlara, Ne mutlu ona sımsıkı tutunanlara!
19 Nouchenjeri Jehovha akateya nheyo dzenyika, nokunzwisisa akaisa matenga munzvimbo dzawo;
RAB dünyanın temelini bilgelikle attı, Gökleri akıllıca yerleştirdi.
20 noruzivo rwake mvura dzakadzika dzakapatsanurwa, uye makore akadonhedza dova.
Bilgisiyle enginler yarıldı, Bulutlar suyunu verdi.
21 Mwanakomana wangu, chengetedza kutonga kwakanaka nokungwara, usazvirega zvichibva pameso ako;
Oğlum, sağlam öğüde, sağgörüye tutun. Sakın gözünü ayırma onlardan.
22 zvichava upenyu kwauri, chishongo chakanaka pamutsipa wako.
Onlar sana yaşam verecek Ve boynuna güzel bir süs olacak.
23 Ipapo uchafamba panzira yako murugare, uye rutsoka rwako harungagumburwi;
O zaman güvenlik içinde yol alırsın, Sendelemeden.
24 paunovata pasi, haungatyi; paunovata pasi, hope dzako dzichava dzakanaka.
Korkusuzca yatar, Tatlı tatlı uyursun.
25 Usatya zvako dambudziko rinovhundutsa kana kuparadza kunokunda vakaipa,
Beklenmedik felaketten, Ya da kötülerin uğradığı yıkımdan korkma.
26 nokuti Jehovha achava chivimbo chako uye achachengeta rutsoka rwako kuti rurege kubatwa.
Çünkü senin güvencen RAB'dir, Tuzağa düşmekten seni O koruyacaktır.
27 Usarega kuitira zvakanaka kuno uyo akafanirwa nazvo, kana zviri musimba rako kuzviita.
Elinden geldikçe, İyiliğe hakkı olanlardan iyiliği esirgeme.
28 Usati kumuvakidzani wako, “Ugodzoka imwe nguva; ndichazokupa mangwana,” iwe uchitova nazvo pauri.
Elinde varken komşuna, “Bugün git, yarın gel, o zaman veririm” deme.
29 Usaronga kuitira muvakidzani wako zvakaipa, anogara nechivimbo pedyo newe.
Sana güvenerek yanında yaşayan komşuna Kötülük tasarlama.
30 Usapomera munhu mhosva pasina chikonzero, iye asina zvaakutadzira.
Sana kötülük etmemiş biriyle Yok yere çekişme.
31 Usachiva munhu anoita zvinhu nechisimba, kana kusarudza ipi zvayo yenzira dzake,
Zorba kişiye imrenme, Onun yollarından hiçbirini seçme.
32 nokuti Jehovha anovenga munhu akatsauka, asi anoudza akarurama zvaanoda kuita.
Çünkü RAB sapkınlardan tiksinir, Ama doğruların candan dostudur.
33 Kutuka kwaJehovha kuri paimba yeakaipa, asi anoropafadza musha womunhu akarurama.
RAB kötülerin evini lanetler, Doğruların oturduğu yeriyse kutsar.
34 Anoseka vaseki vanozvikudza, asi anoitira nyasha vanozvininipisa.
RAB alaycılarla alay eder, Ama alçakgönüllülere lütfeder.
35 Vakachenjera vanowana kukudzwa, asi mapenzi anozviwanira kunyadziswa.
Bilge kişiler onuru miras alacak, Akılsızlara yalnız utanç kalacak.

< Zvirevo 3 >