< Zvirevo 29 >

1 Munhu anoramba akaomesa mutsipa wake mushure mokutsiurwa kazhinji achaparadzwa nokukurumidza, kusina chingamubatsira.
しばしばしかられても、なおかたくなな者は、たちまち打ち敗られて助かることはない。
2 Kana vakarurama vachiwanda, vanhu vanofara; asi kana vakaipa vachitonga, vanhu vanogomera.
正しい者が権力を得れば民は喜び、悪しき者が治めるとき、民はうめき苦しむ。
3 Munhu anoda uchenjeri anouyisa mufaro kuna baba vake, asi anoshamwaridzana nechifeve anoparadza pfuma yake.
知恵を愛する人はその父を喜ばせ、遊女に交わる者はその資産を浪費する。
4 Nokururamisira mambo anosimbisa nyika, asi uyo anokara fufuro anoiparadza.
王は公儀をもって国を堅くする、しかし、重税を取り立てる者はこれを滅ぼす。
5 Ani naani anonyengera muvakidzani wake anodzikira tsoka dzake mumbure.
その隣り人にへつらう者は、彼の足の前に網を張る。
6 Munhu akaipa anoteyiwa nezvivi zvake, asi munhu akarurama anogona kuimba uye agofara.
悪人は自分の罪のわなに陥る、しかし正しい人は喜び楽しむ。
7 Vakarurama vane hanya nokururamisirwa kwavarombo, asi vakaipa havana hanya naizvozvo.
正しい人は貧しい者の訴えをかえりみる、悪しき人はそれを知ろうとはしない。
8 Vatuki vanomutsa bope muguta, asi vanhu vakachenjera vanodzora kutsamwa.
あざける人は町を乱し、知恵ある者は怒りを静める。
9 Kana munhu akachenjera akaenda kumatare nebenzi, benzi rinotsamwa uye rigotuka, zvokuti hapangavi norugare.
知恵ある人が愚かな人と争うと、愚かな者はただ怒り、あるいは笑って、休むことがない。
10 Vanhu vanofarira kudeura ropa vanovenga munhu akarurama, uye vanotsvaka kuuraya vakarurama.
血に飢えている人は罪のない者を憎む、悪しき者は彼の命を求める。
11 Benzi rinobudisa hasha dzaro dzose, asi munhu akachenjera anozvibata.
愚かな者は怒りをことごとく表わし、知恵ある者は静かにこれをおさえる。
12 Kana mutongi akateerera nhema machinda ake ose achava akaipa.
もし治める者が偽りの言葉に聞くならば、その役人らはみな悪くなる。
13 Murombo nomunhu anomanikidza vakafanana pachinhu ichi: Jehovha ndiye anoita kuti meso avo vose aone.
貧しい者と、しえたげる者とは共に世におる、主は彼ら両者の目に光を与えられる。
14 Kana mambo akatonga varombo nokururamisira, chigaro chake choushe chinogara chakachengetedzeka nguva dzose.
もし王が貧しい者を公平にさばくならば、その位はいつまでも堅く立つ。
15 Shamhu yokuranga inopa uchenjeri, asi mwana anosiyiwa akadaro achanyadzisa mai vake.
むちと戒めとは知恵を与える、わがままにさせた子はその母に恥をもたらす。
16 Kana vakaipa vachiwanda, nezvivi zvinowandawo, asi vakarurama vachaona kuwa kwavo.
悪しき者が権力を得ると罪も増す、正しい者は彼らの倒れるのを見る。
17 Ranga mwanakomana wako, ipapo achakupa rugare; achauyisa mufaro kumweya wako.
あなたの子を懲しめよ、そうすれば彼はあなたを安らかにし、またあなたの心に喜びを与える。
18 Pasina chizaruro, vanhu vanoramba kuzvidzora; asi akaropafadzwa uyo anochengeta murayiro.
預言がなければ民はわがままにふるまう、しかし律法を守る者はさいわいである。
19 Muranda haarayirwi namashoko zvawo chete, nokuti kunyange achinzwisisa, haangadaviri.
しもべは言葉だけで訓練することはできない、彼は聞いて知っても、心にとめないからである。
20 Unoona here munhu anotaura achikurumidza? Benzi rine tariro zhinji kupfuura iye.
言葉の軽率な人を見るか、彼よりもかえって愚かな者のほうに望みがある。
21 Kana munhu akaregerera muranda wake kubva paudiki, achazotarisira kodzero dzomwanakomana pakupedzisira.
しもべをその幼い時からわがままに育てる人は、ついにはそれを自分のあとつぎにする。
22 Munhu akashatirwa anomutsa kupesana, uye munhu ane hasha anoita zvivi zvizhinji.
怒る人は争いを起し、憤る人は多くの罪を犯す。
23 Kuzvikudza kwomunhu kunomudzikisira pasi, asi munhu ane mweya wokuzvininipisa achawana kukudzwa.
人の高ぶりはその人を低くし、心にへりくだる者は誉を得る。
24 Anoshamwaridzana nembavha anozvivenga iye pachake; anoiswa pasi pemhiko, asi haangakwanisi kupa uchapupu.
盗びとにくみする者は自分の魂を憎む、彼はのろいを聞いても何事をも口外しない。
25 Kutya munhu kuchava musungo, asi ani naani anovimba naJehovha achagara akachengetedzeka.
人を恐れると、わなに陥る、主に信頼する者は安らかである。
26 Vazhinji vanotsvaka nyasha kumutongi, asi kururamisirwa kwomunhu kunobva kuna Jehovha.
治める者の歓心を得ようとする人は多い、しかし人の事を定めるのは主による。
27 Vakarurama vanovenga vasina kutendeka; vakaipa vanovenga vakarurama.
正しい人は不正を行う人を憎み、悪しき者は正しく歩む人を憎む。

< Zvirevo 29 >