< Zvirevo 28 >
1 Munhu akaipa anotiza kusina anomudzinganisa, asi vakarurama vakashinga seshumba.
A wicked man flees when no man pursues, but the righteous are bold as a lion.
2 Kana nyika ikapanduka, inova navatungamiri vakawanda, asi munhu anonzwisisa uye ane ruzivo anochengetedza runyararo.
For the transgression of a land many are the rulers of it. But by men of understanding and knowledge the state shall be prolonged.
3 Mutongi anomanikidza varombo akaita semvura inokukura ichisiya pasina zvirimwa.
A needy man who oppresses the poor is a sweeping rain which leaves no food.
4 Avo vanorasa murayiro vanorumbidza vakaipa, asi avo vanochengeta murayiro vanovapikisa.
Those who forsake the law praise the wicked, but such as keep the law contend with them.
5 Vanhu vakaipa havanzwisisi kururamisira, asi avo vanotsvaka Jehovha vanozvinzwisisa kwazvo.
Evil men do not understand justice, but those who seek Jehovah understand all things.
6 Zviri nani kuva murombo ane mafambiro akarurama pane mupfumi ane nzira dzakatsauka.
Better is the poor man who walks in his integrity, than he who is perverse in his ways, though he be rich.
7 Uyo anochengeta murayiro mwanakomana akachenjera, asi anofambidzana navanhu vane madyo anonyadzisa baba vake.
He who keeps the law is a wise son, but he who is a companion of gluttons shames his father.
8 Uyo anowedzera pfuma yake nokutengesa nomutengo uri pamusoro-soro, anozviunganidzira mumwe, uyo anozonzwira varombo tsitsi.
He who augments his substance by interest and increase, gathers it for him who has pity on the poor.
9 Kana munhu akaramba kunzwa murayiro nenzeve dzake, kunyange minyengetero yake inonyangadza.
He who turns away his ear from hearing the law, even his prayer is an abomination.
10 Uyo anotungamirira vakarurama panzira yakaipa, achawira mumuteyo wake pachake, asi vasina mhosva vachagamuchira nhaka yakanaka.
He who causes the upright to go astray in an evil way, he shall fall himself into his own pit. But the perfect shall inherit good.
11 Munhu akapfuma angazviti akachenjera pakuona kwake, asi murombo ane njere anomuonorora.
The rich man is wise in his own conceit, but a poor man who has understanding searches him out.
12 Kana vakarurama vachikunda, kune mufaro mukuru; asi kana akaipa akava pachigaro chokutonga, vanhu vanohwanda.
When the righteous triumph, there is great glory, but when the wicked rise, men hide themselves.
13 Uyo anofukidzira zvivi zvake haabudiriri, asi ani naani anozvireurura uye agozvirasa achawana nyasha.
He who covers his transgressions shall not prosper, but he who confesses and forsakes them shall obtain mercy.
14 Akaropafadzwa munhu anogara achitya Jehovha, asi uyo anoomesa mwoyo wake achawira mudambudziko.
Happy is the man who fears always, but he who hardens his heart shall fall into mischief.
15 Seshumba inoomba, kana bere rinodzingirira, ndizvo zvakaita munhu akaipa anobata ushe pamusoro pavarombo.
A roaring lion, and a ranging bear, is a wicked ruler over a poor people.
16 Mutongi anoshusha haana njere, asi uyo anovenga pfuma yakapambwa achararama kwamakore mazhinji.
The ruler who lacks understanding is also a great oppressor, but he who hates covetousness shall prolong his days.
17 Munhu anoshushikana nemhosva yake yokuuraya, acharamba ari wokutiza kusvikira pakufa; ngapasava nomunhu anomutsigira.
A man who is laden with the blood of any person shall flee to the pit. Let no man stay him.
18 Uyo ano mufambiro wakarurama anogara akachengetedzeka, asi uyo ane nzira dzakatsauka achawa nokukurumidza.
He who walks uprightly shall be delivered, but he who is perverse in his ways shall fall at once.
19 Uyo anorima munda wake achava nezvokudya zvakawanda, asi uyo anodzinganisana nezviroto achava nourombo hwakamufanira.
He who tills his land shall have plenty of bread, but he who follows after vanity shall have poverty enough.
20 Munhu akatendeka acharopafadzwa zvikuru, asi uyo anokara pfuma haangaregi kurangwa.
A faithful man shall abound with blessings, but he who makes haste to be rich shall not be unpunished.
21 Kuita rusarura hakuna kunaka, asi kunyange zvakadaro munhu anogona kuita zvakaipa kuti awane chimedu chechingwa.
To have respect of persons is not good, nor that a man should transgress for a piece of bread.
22 Munhu anonyima ane shungu dzokuda kupfuma asingazivi kuti urombo hwakamugaririra.
He who has an evil eye hastens after riches, and does not know that want shall come upon him.
23 Uyo anotsiura munhu iye achawana nyasha dzakawanda pakupedzisira, kupfuura uyo ane rurimi runonyengera.
He who rebukes a man shall afterward find more favor than he who flatters with the tongue.
24 Uyo anobira baba kana mai vake achiti, “Hazvina kuipa,” ndiye shamwari youya anoparadza.
He who robs his father or his mother, and says, It is no transgression, the same is the companion of a destroyer.
25 Munhu ane ruchiva anomutsa kupesana, asi uyo anovimba naJehovha achabudirira.
He who is of a greedy spirit stirs up strife, but he who puts his trust in Jehovah shall be made fat.
26 Uyo anovimba nesimba rake ibenzi, asi uyo anofamba muuchenjeri achachengetedzeka.
He who trusts in his own heart is a fool, but he who walks wisely, he shall be delivered.
27 Uyo anopa kuvarombo haangashayiwi chinhu, asi uyo anotsinzina meso ake kuvarombo achagamuchira kutukwa kuzhinji.
He who gives to the poor shall not lack, but he who hides his eyes shall have many a curse.
28 Kana akaipa achienda pachigaro chokutonga, vanhu vanohwanda; asi kana vakaipa vachiparara, vakarurama vanowanda.
When the wicked rise, men hide themselves, but when they perish, the righteous increase.