< Zvirevo 24 >
1 Usachiva vanhu vakaipa, usashuva kufamba navo;
Be not thou envious of evil men, neither desire to be with them;
2 nokuti mwoyo yavo inoronga kuita nechisimba, uye miromo yavo inotaura pamusoro pokuita mhirizhonga.
for their heart studieth destruction, and their lips talk of mischief.
3 Nouchenjeri imba inovakwa, uye kubudikidza nokunzwisisa inosimbiswa;
Through wisdom is a house built, and by understanding it is established;
4 kubudikidza nezivo makamuri ayo anozadzwa nezvinhu zvinoshamisa uye nepfuma yakaisvonaka inokosha.
and by knowledge are the chambers filled with all precious and pleasant substance.
5 Munhu akachenjera ane simba guru, uye munhu ane zivo anowedzera simba;
A wise man is strong, and a man of knowledge increaseth strength.
6 nokuti kundorwa hondo kunoda kutungamirirwa, uye kuti ukunde unoda vapi vamazano vazhinji.
For with good advice shalt thou make thy war; and in the multitude of counsellors there is safety.
7 Uchenjeri hahusvikirwi nebenzi; padare repasuo reguta harina chokutaura.
Wisdom is too high for a fool: he will not open his mouth in the gate.
8 Uyo anoronga kuita zvakaipa achazivikanwa senhubu.
He that deviseth to do evil shall be called a master of intrigues.
9 Mufungo woupenzi chivi, uye vanhu vanonyangadzwa nomuseki.
The purpose of folly is sin, and the scorner is an abomination to men.
10 Kana ukapera simba panguva dzokutambudzika, simba rako ishoma sei!
[If] thou losest courage in the day of trouble, thy strength is small.
11 Nunurai avo vari kuiswa kurufu; dzosai avo vari kudzedzereka vachienda kundourayiwa.
Deliver them that are taken forth unto death, and withdraw not from them that stagger to slaughter.
12 Asi kana mukati, “Hapana zvataiziva pamusoro paizvozvi?” Ko, iye anoyera mwoyo haangazvioni here? Iye anorinda upenyu hwako haangazvizivi here? Haangaripire munhu mumwe nomumwe maererano nezvaakaita here?
If thou sayest, Behold, we knew it not, will not he that weigheth the hearts consider it? And he that preserveth thy soul, he knoweth it; and he rendereth to man according to his work.
13 Idya uchi, mwanakomana wangu, nokuti hwakanaka; uchi hunobva pazinga hunozipa parurimi.
Eat honey, my son, for it is good; and a honeycomb is sweet to thy taste:
14 Uzivewo zvakare kuti uchenjeri hunozipa kumweya wako; kana wahuwana, ramangwana rako rine tariro, uye tariro yako haingaparari.
so consider wisdom for thy soul; if thou hast found it, there shall be a result, and thine expectation shall not be cut off.
15 Usavandira sezvinoita akaipa paimba yomunhu akarurama, usaparadza paanogara;
Lay not wait, O wicked [man], against the dwelling of the righteous; lay not waste his resting-place.
16 nokuti kunyange munhu akarurama achiwa runomwe, anosimukazve, asi akaipa anowisirwa pasi nenjodzi.
For the righteous falleth seven times, and riseth up again; but the wicked stumble into disaster.
17 Usafara kana muvengi wako achiwa; paanogumburwa, mwoyo wako ngaurege kufara,
Rejoice not when thine enemy falleth, and let not thy heart be glad when he stumbleth;
18 kana kuti Jehovha achazviona akasafara nazvo uye agobvisa kutsamwa kwake kwaari.
lest Jehovah see it, and it be evil in his sight, and he turn away his anger from him.
19 Usashungurudzika nokuda kwavanhu vakaipa, kana kuchiva vakaipa,
Fret not thyself because of evil-doers, [and] be not envious of the wicked:
20 nokuti vanhu vakaipa havana tariro yeramagwana, uye mwenje wavakaipa uchadzimwa.
for there shall be no future to the evil [man]; the lamp of the wicked shall be put out.
21 Itya Jehovha namambo, mwanakomana wangu, usabatana navanopanduka,
My son, fear Jehovah and the king: meddle not with them that are given to change.
22 nokuti vaviri ivavo vanouyisa kuparadzwa kwavari nokukurumidza, uye ndiani anoziva njodzi dzavangauyisa?
For their calamity shall rise suddenly; and who knoweth the ruin of them both?
23 Izviwo zvirevo zvomuchenjeri: Kuita rusaruro mukutonga hakuna kunaka:
These things also come from the wise. It is not good to have respect of persons in judgment.
24 Ani naani anoti kune ane mhosva, “Hauna mhosva,” marudzi achamutuka uye ndudzi dzichamushora.
He that saith unto the wicked, Thou art righteous, peoples shall curse him, nations shall abhor him;
25 Asi zvichanakira vaya vanopa mhosva kune vane mhosva, uye kuropafadzwa kukuru kuchauya pamusoro pavo.
but to them that rebuke [him] shall be delight, and a good blessing cometh upon them.
26 Mhinduro yechokwadi yakafanana nokutsvoda pamiromo.
He kisseth the lips who giveth a right answer.
27 Pedza basa rako rapanze ugadzirire minda yako; shure kwaizvozvo, uvake imba yako.
Prepare thy work without, and put thy field in order, and afterwards build thy house.
28 Usava chapupu chinopomera muvakidzani wako pasina mhaka, kana kushandisa miromo yako kuti unyengere.
Be not a witness against thy neighbour without cause; and wouldest thou deceive with thy lips?
29 Usati, “Ndichamuitirawo zvaakandiitira; ndicharipira munhu uya zvaakaita.”
Say not, I will do so to him as he hath done to me, I will render to the man according to his work.
30 Ndakapfuura napamunda wesimbe, ndikapfuura napamunda womuzambiringa womunhu asina njere;
I went by the field of a sluggard, and by the vineyard of a man void of understanding;
31 minzwa yakanga yamera pose pose, munda wakanga wafukidzwa nesora, uye rusvingo rwamabwe rwakanga rwakoromoka.
and lo, it was all grown over with thistles, and nettles had covered the face thereof, and its stone wall was broken down.
32 Ndakafungisisa zvandakanga ndacherechedza ndikadzidza chidzidzo pane zvandakanga ndaona.
Then I looked, I took it to heart; I saw, I received instruction:
33 Kumbovata zvishomanana, kumbotsumwaira, kumbofungatira maoko kuti ndizorore,
— A little sleep, a little slumber, a little folding of the hands to rest!
34 ipapo urombo huchauya pauri segororo uye kushayiwa kuchauya somunhu akashonga nhumbi dzokurwa nadzo.
So shall thy poverty come [as] a roving plunderer, and thy penury as an armed man.