< Zvirevo 20 >

1 Waini museki uye doro mupopoti; ani naani anotsauswa nazvo haana kuchenjera.
Вино је подсмевач и силовито пиће немирник, и ко год за њим лута неће бити мудар.
2 Kutsamwa kwamambo kwakafanana nokuomba kweshumba; uyo anomutsamwisa anotadzira upenyu hwake.
Страх је царев као рика младог лава; ко га дражи, греши својој души.
3 Munhu achakudzwa kana akagara kure nokukakavara, asi benzi rimwe nerimwe rinokurumidza kupopota.
Слава је човеку да се окани свађе; а ко је год безуман, уплеће се.
4 Simbe hairimi mumwaka wokurima; saka panguva yokukohwa anotsvaka asi hapana chaanowana.
Ради зиме ленивац не оре; проси о жетви, и ништа не добија.
5 Zvinangwa zvomwoyo womunhu imvura yakadzika, asi munhu akachenjera achaichera.
Савет је у срцу човечијем дубока вода, али човек разуман црпе га.
6 Vanhu vazhinji vanoti vane rudo rusingagumi, asi munhu akatendeka angawanikwa kupiko?
Највише људи хвали се својом добротом; али ко ће наћи човека истинитог?
7 Munhu akarurama anorarama upenyu hwakanaka; vana vake vanomutevera vakaropafadzwa.
Праведник једнако ходи у безазлености својој; благо синовима његовим после њега!
8 Kana mambo achinge agara pachigaro chake kuti atonge, anopepeta zvakaipa zvose nameso ake.
Цар седећи на престолу судском расипа очима својим свако зло.
9 Ndiani angati, “Ndakachengeta mwoyo wangu wakachena; ndakachena uye handina zvivi”?
Ко може рећи: Очистио сам срце своје, чист сам од греха свог?
10 Zviereso zvakasiyana nezvipimo zvakasiyana Jehovha anozvivenga zvose.
Двојак потег и двојака мера, обоје је мрско Господу.
11 Kunyange mwana anozivikanwa nezvaanoita, kuti tsika dzake dzakanaka uye kuti dzakarurama here.
По делима својим познаје се и дете хоће ли бити чисто и хоће ли бити право дело његово.
12 Nzeve dzinonzwa nameso anoona, Jehovha ndiye akazviita zvose zviri zviviri.
Ухо које чује, и око које види, обоје је Господ начинио.
13 Usafarira kurara kana kuti uchava murombo; svinudza meso ako ipapo uchava nezvokudya zvakawanda.
Не љуби сна, да не осиромашиш; отварај очи своје, и бићеш сит хлеба.
14 “Hazvina kunaka, hazvina kunaka!” ndizvo zvinotaura mutengi; ipapo hoyo oenda achizvirumbidza pamusoro pezvaatenga.
Не ваља, не ваља, говори ко купује, а кад отиде онда се хвали.
15 Goridhe riripo, uye matombo anokosha amarubhi azere, asi miromo inotaura zivo ndicho chinhu chinokosha chisipo.
Има злата и много бисера, али су мудре усне најдрагоценији накит.
16 Mutorerei nguo yake, uyo anoitira mutorwa rubatso; itorei sorubatso kana azviitira mukadzi asingazvibati.
Узми хаљину ономе који се подјемчи за туђина, узми залог од њега за туђинку.
17 Zvokudya zvakawanikwa nokunyengera zvinonaka kumunhu, asi achapedzisira ava nomukanwa mazara jecha.
Сладак је човеку хлеб од преваре, али му се после напуне уста песка.
18 Ita urongwa nokutsvaga mazano; kana uchironga hondo, tsvaka kutungamirirwa.
Мисли се утврђују саветом; зато разумно ратуј.
19 Guhwa rinoputsa chivimbo; saka furatira munhu anotaurisa.
Ко открива тајну, поступа неверно; зато се не мешај с оним који разваљује уста.
20 Kana munhu akatuka baba vake kana mai vake, mwenje wake uchadzimwa parima guru.
Ко псује оца свог или матер своју, његов ће се жижак угасити у црном мраку.
21 Nhaka yakakurumidza kuwanikwa pakutanga haingaropafadzwi pamagumo ayo.
Наследство које се из почетка брзо добија, не бива на послетку благословено.
22 Usati, “Ndichatsiva zvawanditadzira izvi!” Mirira Jehovha, uye iye achakubatsira.
Не говори: Вратићу зло. Чекај Господа, и сачуваће те.
23 Jehovha anovenga zviereso zvinosiyana, uye zviero zvinonyengera hazvimufadzi.
Мрзак је Господу двојак потег, мерила лажна нису добра.
24 Kufamba kwomunhu kunotungamirirwa naJehovha. Zvino munhu anganzwisisa sei nzira yake?
Од Господа су кораци човечји, а човек како ће разумети пут његов?
25 Musungo kumunhu kuti akumikidze chimwe chinhu nokukurumidza uye ozorangarira mhiko dzake pava paya.
Замка је човеку да прождре светињу, и после завета опет да тражи.
26 Mambo akachenjera anopepeta zvakaipa; anofambisa vhiri rokupura pamusoro pavo.
Мудар цар расипа безбожнике и пушта на њих коло.
27 Mwenje waJehovha unonzvera mweya womunhu; unonzvera zviri mukatikati make.
Видело је Господње душа човечија, истражује све што је у срцу.
28 Rudo nokutendeka zvinochengetedza mambo; kubudikidza norudo chigaro chake chinosimbiswa.
Милост и истина чувају цара, и милошћу подупире свој престо.
29 Kukudzwa kwamajaya ndiro simba ravo, bvudzi jena kubwinya kwavakwegura.
Слава је младићима сила њихова, а старцима част седа коса.
30 Kurohwa nokukuvadzwa zvinobvisa zvakaipa, uye kurohwa neshamhu kunovaka munhu womukati.
Модрице од боја и ударци који продиру до срца јесу лек зломе.

< Zvirevo 20 >