< Zvirevo 19 >

1 Zviri nani kuva murombo ane mafambiro akarurama, pane benzi rine muromo wakatsauka.
ただしく歩むまづしき者は くちびるの悖れる愚なる者に愈る
2 Hazvibatsiri kushingaira usina zivo, kana kukurumidza uchizorasika nzira.
心に思慮なければ善らず 足にて急ぐものは道にまよふ
3 Upenzi hwomunhu hunoparadza upenyu hwake, asi mwoyo wake unotsamwira Jehovha.
人はおのれの痴によりて道につまづき 反て心にヱホバを怨む
4 Pfuma inouyisa shamwari zhinji, asi murombo anosiyiwa neshamwari dzake.
資財はおほくの友をあつむ されど貧者はその友に疎まる
5 Chapupu chenhema hachingaregi kurangwa, uye uyo anodurura manyepo haangaregedzwi.
虚偽の證人は罰をまぬかれず 謊言をはくものは避るることをえず
6 Vazhinji vanotsvaka nyasha kumutongi, uye mumwe nomumwe ishamwari yomunhu anopa zvipo.
君に媚る者はおほし 凡そ人は贈物を與ふる者の友となるなり
7 Murombo anoraswa nehama dzake dzose, kuzoti shamwari dzake, dzinomunzvenga zvakadii! Kunyange akavatevera achidemba kwazvo havangawanikwi.
貧者はその兄弟すらも皆これをにくむ 況てその友これに遠ざからざらんや 言をはなちてこれを呼とも去てかへらざるなり
8 Uyo anowana uchenjeri anoda upenyu hwake; uye anochengeta kunzwisisa anobudirira.
智慧を得る者はおのれの霊魂を愛す 聡明をたもつ者は善福を得ん
9 Chapupu chenhema hachingaregi kurangwa, uye uyo anodurura manyepo achaparara.
虚偽の證人は罰をまぬかれず 謊言をはく者はほろぶべし
10 Hazvina kufanira kuti benzi rigarike, ko, zvakanyanya kuipa sei kuti muranda atonge machinda!
愚なる者の驕奢に居るは適当からず 況て僕にして上に在る者を治むることをや
11 Uchenjeri hwomunhu hunomupa mwoyo murefu; kukudzwa kwake ndiko kukanganwira kudarika kwomumwe.
聡明は人に怒をしのばしむ 過失を宥すは人の榮誉なり
12 Kutsamwa kwamambo kwakafanana nokuomba kweshumba, asi nyasha dzake dzakaita sedova pauswa.
王の怒は獅の吼るが如く その恩典は草の上におく露のごとし
13 Mwanakomana benzi ndiko kuparara kwababa vake, uye mukadzi anokakavara akafanana nemvura inoramba ichingodonha.
愚なる子はその父の災禍なり 妻の相争そふは雨漏のたえぬにひとし
14 Dzimba nepfuma inhaka inobva kuvabereki, asi mukadzi akanaka anobva kuna Jehovha.
家と資財とは先組より承嗣ぐもの 賢き妻はヱホバより賜ふものなり
15 Usimbe hunouyisa hope dzakadzama, uye munhu asingashandi achafa nenzara.
懶惰は人を酣寐せしむ 懈怠人は飢べし
16 Uyo anoteerera kurayira anochengetedza upenyu hwake, asi uyo asina hanya nenzira dzake achafa.
誠命を守るものは自己の霊魂を守るなり その道をかろむるものは死ぬべし
17 Uyo anonzwira varombo tsitsi anopa kuna Jehovha, uye achamupa mubayiro wezvaakaita.
貧者をあはれむ者はヱホバに貸すなり その施濟はヱホバ償ひたまはん
18 Ranga mwanakomana wako, nokuti mukuranga ndimo mune tariro; usava nechikamu pakuparadzwa kwake.
望ある間に汝の子を打て これを殺すこころを起すなかれ
19 Munhu ane hasha zvikuru anofanira kuripa mhosva yake; kana ukamununura, unofanira kuzomununurazve.
然ることの烈しき者は罰をうく 汝もしこれを救ふともしばしば然せざるを得じ
20 Teerera zano ugamuchire kurayirwa, uye pakupedzisira uchava wakachenjera.
なんぢ勧をきき訓をうけよ 然ばなんぢの終に智慧あらん
21 Mune urongwa huzhinji mumwoyo momunhu, asi kuda kwaJehovha ndiko kunobudirira.
人の心には多くの計畫あり されど惟ヱホバの旨のみ立べし
22 Chinodiwa nomunhu rudo rusingagumi; zviri nani kuva murombo pano kuva murevi wenhema.
人のよろこびは施濟をするにあり 貧者は謊人に愈る
23 Kutya Jehovha kunotungamirira kuupenyu: Ipapo munhu achazorora zvakanaka, asingawirwi nedambudziko.
ヱホバを畏るることは人をして生命にいたらしめ かつ恒に飽足りて災禍に遇ざらしむ
24 Simbe inoisa ruoko rwayo mundiro; igotadza kunyange kurwudzosa kumuromo wayo!
惰者はその手を盤にいるるも之をその口に挙ることをだにせず
25 Rova museki, ipapo vasina mano vachadzidzawo ungwaru; tsiura munhu ane njere, ipapo achawana zivo.
嘲笑者を打て さらば拙者も愼まん 哲者を譴めよ さらばかれ知識を得ん
26 Uyo anobira baba vake uye achidzinga mai vake mwanakomana anonyadzisa.
父を煩はし母を逐ふは羞赧をきたらし凌辱をまねく子なり
27 Mwanakomana wangu, ukasateerera kurayirwa, uchatsauka kubva pamashoko oruzivo.
わが子よ哲者を離れしむる教を聴くことを息めよ
28 Chapupu chakaipa chinoseka kururamisira, uye muromo womunhu akaipa unomedza zvakaipa.
惡き證人は審判を嘲り 惡者の口は惡を呑む
29 Kurangwa kwakagadzirirwa vaseki, uye kurohwa misana yamapenzi.
審判は嘲笑者のために備へられ 鞭は愚なる者の背のために備へらる

< Zvirevo 19 >