< Zvirevo 17 >

1 Zviri nani kuva nechimedu chakaoma chechingwa uine rugare norunyararo pane imba izere namabiko, ine kupesana.
Бољи је залогај сувог хлеба с миром него кућа пуна поклане стоке са свађом.
2 Muranda akachenjera achatonga mwanakomana anonyadzisa, uye achagoverwa nhaka somumwe wehama.
Разуман слуга биће господар над сином срамотним и с браћом ће делити наследство.
3 Hari ndeyokunyautsira sirivha uye choto ndechokunatsa goridhe, asi Jehovha ndiye anoedza mwoyo.
Топионица је за сребро и пећ за злато, а срца искушава Господ.
4 Munhu akaipa anoteerera miromo yakaipa; murevi wenhema anorerekera nzeve yake kururimi runoparadza.
Зао човек пази на усне зле, а лажљивац слуша језик пакостан.
5 Uyo anoseka varombo anozvidza Musiki wavo, ani naani anofarira njodzi dzavamwe haangaregi kurangwa.
Ко се руга сиромаху, срамоти Створитеља његовог; ко се радује несрећи, неће остати без кара.
6 Vana vevana ikorona kune vakwegura, uye vabereki ndivo kukudzwa kwavana vavo.
Венац су старцима унуци, а слава синовима оци њихови.
7 Kutaura kuna manyawi hakuna kufanira benzi, zvikuru sei kutaura nhema kwomubati!
Не приличи безумном висока беседа, а камоли кнезу лажљива беседа.
8 Fufuro inofadza uyo anoipa; kwose kwose kwaanoenda, anobudirira.
Поклон је драги камен ономе који га прима, куда се год окрене напредује.
9 Uyo anofukidzira kudarika kwomumwe anotsvaka rudo, asi ani naani anomutsazve mhaka anoparadzanisa shamwari dzepedyo.
Ко покрива преступ, тражи љубав; а ко понавља ствар, раставља главне пријатеље.
10 Kutsiurwa kunofadza munhu ane njere kupfuura kurohwa kwebenzi kazana.
Укор тишти разумног већма него лудог сто удараца.
11 Munhu akaipa anongotsvaka kumukira chete; nhume isina tsitsi ichatumirwa kundomurwisa.
Зао човек тражи само одмет, али ће се љут гласник послати на њ.
12 Zviri nani kusangana nechikara chatorerwa vana vacho pane benzi muupenzi hwaro.
Боље је да човека срете медведица којој су отети медведићи, него безумник у свом безумљу.
13 Kana munhu akaripira zvakanaka nezvakaipa zvakaipa hazvizombobvi paimba yake.
Ко враћа зло за добро, неће се зло одмаћи од куће његове.
14 Kuvamba kwokukakavara kwakafanana nokudziurira mvura yedhamu; saka rega nharo kurwa kusati kwatanga.
Ко почне свађу, отвори уставу води; зато пре него се заметне, прођи се распре.
15 Kupembedza ane mhosva nokupomera asina mhaka, Jehovha anozvivenga zvose.
Ко оправда кривога и ко осуди правога, обојица су гад Господу.
16 Ine basa reiko mari kana iri muruoko rwebenzi, sezvo risina chishuvo chokuwana uchenjeri?
На шта је благо безумном у руци кад нема разума да прибави мудрост?
17 Shamwari inoda panguva dzose, uye hama yakaberekerwa kupikisana.
У свако доба љуби пријатељ, и брат постаје у невољи.
18 Munhu anoshayiwa njere ndiye anombunda noruoko rwake pamhiko, uye anoitira muvakidzani wake rubatso.
Човек безуман даје руку и јамчи се за пријатеља свог.
19 Uyo anoda zvokukakavara anoda chivi; uyo anovaka suo refu anotsvaka kuparadzwa.
Ко милује свађу, милује грех; ко подиже увис врата своја, тражи погибао.
20 Munhu ane mwoyo wakaipa haabudiriri; uyo ane rurimi runonyengera achawira mudambudziko.
Ко је опаког срца, неће наћи добра; и ко дволичи језиком, пашће у зло.
21 Kuva nomwanakomana benzi kunouyisa kurwadziwa; baba vebenzi havana mufaro.
Ко роди безумна, на жалост му је, нити ће се радовати отац лудога.
22 Mwoyo wakafara mushonga wakanaka, asi mweya wakaputsika unoomesa mapfupa.
Срце весело помаже као лек, а дух жалостан суши кости.
23 Munhu akaipa anogamuchira fufuro muchivande, kuti aminamise nzira dzokururamisira.
Безбожник прима поклон из недара да преврати путеве правди.
24 Munhu ane njere anoisa uchenjeri pamberi, asi meso ebenzi anosvika kumagumo enyika.
Разумном је на лицу мудрост, а очи безумнику врљају накрај земље.
25 Mwanakomana benzi anorwadzisa baba vake, uye anoitisa shungu uyo akamubereka.
Жалост је оцу свом син безуман, и јад родитељци својој.
26 Hazvina kunaka kuranga munhu asina mhosva, kana kurova machinda nokuda kwokururama kwavo.
Није добро глобити праведника, ни да кнезови бију кога што је радио право.
27 Munhu ano ruzivo anoshandisa mashoko achizvidzora, uye munhu anonzwisisa akadzikama.
Устеже речи своје човек који зна, и тиха је духа човек разуман.
28 Kunyange benzi, kana rakanyarara, rinonzi rakachenjera, uye rikabata muromo waro rinonzi rakangwara.
И безуман кад ћути, мисли се да је мудар, и разуман, кад стискује усне своје.

< Zvirevo 17 >