< Zvirevo 16 >
1 Kuronga kwomwoyo ndekwomunhu, asi mhinduro yorurimi inobva kuna Jehovha.
The designs of the heart are man's, but the answer of the tongue comes from the Lord.
2 Nzira dzose dzomunhu dzinoita sedzakanaka pakuona kwake, asi Jehovha anoyera zvinangwa.
All a man's ways are clean to himself; but the Lord puts men's spirits into his scales.
3 Kumikidza kuna Jehovha chose chaunoita, ipapo urongwa hwako huchabudirira.
Put your works into the hands of the Lord, and your purposes will be made certain.
4 Jehovha anoitira zvinhu zvose magumo azvo; kunyange akaipa anomuitira zuva renjodzi.
The Lord has made everything for his purpose, even the sinner for the day of evil.
5 Jehovha anovenga vose vane mwoyo inozvikudza. Zvirokwazvo, havangaregi kurangwa.
Everyone who has pride in his heart is disgusting to the Lord: he will certainly not go free from punishment.
6 Kubudikidza norudo nokutendeka, chivi chinoyananisirwa, kubudikidza nokutya Jehovha munhu anorega kuita zvakaipa.
By mercy and good faith evil-doing is taken away: and by the fear of the Lord men are turned away from evil.
7 Kana nzira dzomunhu dzichifadza Jehovha, anoita kuti kunyange vavengi vake vagarisane naye murugare.
When a man's ways are pleasing to the Lord, he makes even his haters be at peace with him.
8 Zviri nani kuva nezvishoma mukururama, pane kuva nezvakawanda kwazvo mukusaruramisira.
Better is a little with righteousness, than great wealth with wrongdoing.
9 Mumwoyo make munhu anoronga gwara rake, asi Jehovha ndiye anotonga kufamba kwake.
A man may make designs for his way, but the Lord is the guide of his steps.
10 Miromo yamambo inotaura seinotaura chirevo chaMwari, uye muromo wake haufaniri kurega kururamisira.
Decision is in the lips of the king: his mouth will not go wrong in judging.
11 Zviyero nezvienzaniso zvechokwadi zvinobva kuna Jehovha; zviyero zvose zviri muhomwe ndiye akazviita.
True measures and scales are the Lord's: all the weights of the bag are his work.
12 Madzimambo anovenga kuita zvakaipa, nokuti chigaro choushe chinosimbiswa nokururama.
Evil-doing is disgusting to kings: for the seat of the ruler is based on righteousness.
13 Madzimambo anofarira miromo inotaura chokwadi; anoremekedza munhu anotaura chokwadi.
Lips of righteousness are the delight of kings; and he who says what is upright is dear to him.
14 Kutsamwa kwamambo inhume yorufu, asi munhu akachenjera anonyaradza kutsamwa uku.
The wrath of the king is like those who give news of death, but a wise man will put peace in place of it.
15 Kana chiso chamambo chichibwinya, zvinoreva upenyu, nyasha dzake dzakaita segore remvura panguva yomunakamwe.
In the light of the king's face there is life; and his approval is like a cloud of spring rain.
16 Zviri nani sei kuwana uchenjeri pane goridhe, kusarudza njere pane sirivha!
How much better it is to get wisdom than gold! and to get knowledge is more to be desired than silver.
17 Mugwagwa mukuru wavakarurama unonzvenga zvakaipa; uye anochengeta nzira yake anochengeta upenyu hwake.
The highway of the upright is to be turned away from evil: he who takes care of his way will keep his soul.
18 Kuzvikudza kunotangira kuparadzwa, mweya wamanyawi unotangira kuwa.
Pride goes before destruction, and a stiff spirit before a fall.
19 Zviri nani kuva nomweya unozvininipisa pakati pavakadzvinyirirwa pane kugoverana zvakapambwa navanozvikudza.
Better it is to have a gentle spirit with the poor, than to take part in the rewards of war with men of pride.
20 Ani naani anoteerera kurayirwa achabudirira, uye akaropafadzwa uyo anovimba naJehovha.
He who gives attention to the law of right will get good; and whoever puts his faith in the Lord is happy.
21 Vakachenjera pamwoyo vanonzi ndivo vanonzvera, uye mashoko akanaka anokurudzira kurayirwa.
The wise-hearted will be named men of good sense: and by pleasing words learning is increased.
22 Njere itsime roupenyu kuna avo vanadzo, asi upenzi hunouyisa kurangwa kumapenzi.
Wisdom is a fountain of life to him who has it; but the punishment of the foolish is their foolish behaviour.
23 Mwoyo womunhu akachenjera unotungamirira muromo wake, uye miromo yake inokurudzira kurayirwa.
The heart of the wise man is the teacher of his mouth, and gives increased learning to his lips.
24 Mashoko anofadza akafanana nezinga rouchi, anozipa kumweya, anoporesa mapfupa.
Pleasing words are like honey, sweet to the soul and new life to the bones.
25 Kune nzira inoita seyakanaka kumunhu, asi magumo ayo inoenda kurufu.
There is a way which seems straight before a man, but its end is the ways of death.
26 Nzara yomushandi inomushandira; nzara yake inoita kuti arambe achishanda.
The desire of the working man is working for him, for his need of food is driving him on.
27 Munhu asina maturo anoronga zvakaipa, uye matauriro ake akaita somoto unopisa.
A good-for-nothing man is a designer of evil, and in his lips there is a burning fire.
28 Munhu akatsauka anomutsa kupesana, uye guhwa rinoparadzanisa shamwari dzepedyo.
A man of twisted purposes is a cause of fighting everywhere: and he who says evil secretly makes trouble between friends.
29 Munhu anoita nechisimba anonyengera muvakidzani wake, uye anomufambisa napanzira isina kunaka.
A violent man puts desire of evil into his neighbour's mind, and makes him go in a way which is not good.
30 Uyo anochonya nameso ake ari kuronga zvakaipa; uyo anoruma miromo yake ari kuda kuita zvakaipa.
He whose eyes are shut is a man of twisted purposes, and he who keeps his lips shut tight makes evil come about.
31 Bvudzi rakachena ikorona yakaisvonaka; inowanikwa noupenyu hwakarurama.
The grey head is a crown of glory, if it is seen in the way of righteousness.
32 Zviri nani kuva munhu ane mwoyo murefu pane kuva murwi, munhu anozvibata pakutsamwa kwake ari nani pane uyo anotapa guta.
He who is slow to be angry is better than a man of war, and he who has control over his spirit than he who takes a town.
33 Mujenya unokandirwa pamakumbo, asi zvirevo zvose zvinobva kuna Jehovha.
A thing may be put to the decision of chance, but it comes about through the Lord.