< Zvirevo 13 >

1 Mwanakomana akachenjera anoteerera kurayira kwababa vake, asi mudadi haateereri kana achitsiurwa.
Viis Søn elsker tugt, spotter hører ikke på skænd.
2 Kubva pazvibereko zvomuromo wake munhu achadya zvinhu zvakanaka, asi vasina kutendeka vanofarira kumanikidza.
Af sin Munds Frugt nyder en Mand kun godt, til Vold står troløses Hu.
3 Uyo anobata muromo wake anochengeta upenyu hwake, asi uyo anokurumidzira kutaura achaparadzwa.
Vogter man Munden, bevarer man Sjælen, den åbenmundede falder i Våde.
4 Simbe inopanga asi igoshayiwa chinhu, asi zvishuvo zvavanoshingaira zvichazadziswa.
Den lade attrår uden at få, men flittiges Sjæl bliver mæt.
5 Vakarurama vanovenga nhema, asi vakaipa vanouyisa kunyadziswa nokunyangadza.
Den retfærdige hader Løgnetale, den gudløse spreder Skam og Skændsel.
6 Kururama kunorinda munhu ane unhu hwakanaka, asi kuipa kunowisira mutadzi pasi.
Retfærd skærmer, hvo lydefrit vandrer, Synden fælder de gudløse.
7 Mumwe munhu anozviti mupfumi, asi asina chinhu; mumwewo anozviti murombo, asi aine upfumi huzhinji.
Mangen lader rig og ejer dog intet, mangen lader fattig og ejer dog meget.
8 Upfumi hwomunhu hunogona kudzikinura upenyu hwake, asi murombo haana chinomutyisidzira.
Mands Rigdom er Løsepenge for hans Liv, Fattigmand får ingen Trusel at høre.
9 Chiedza cheakarurama chinopenya kwazvo; asi mwenje woakaipa uchadzimwa.
Retfærdiges Lys bryder frem, gudløses Lampe går ud.
10 Kuzvikudza kunongouyisa kukakavara chete, asi uchenjeri hunowanikwa mune avo vanogamuchira kurayirwa.
Ved Hovmod vækkes kun Splid, hos dem, der lader sig råde, er Visdom.
11 Mari yakawanikwa zvisakarurama ichakurumidza kupera, asi uyo anounganidza mari zvishoma nezvishoma achaita kuti iwande.
Rigdom, vundet i Hast, smuldrer hen, hvad der samles Håndfuld for Håndfuld, øges.
12 Tariro kana ichinonoka inoodza mwoyo, asi chishuvo chazadziswa muti woupenyu.
At bie længe gør Hjertet sygt, opfyldt Ønske er et Livets Træ.
13 Uyo anozvidza kurayirwa achazozviripira izvozvo, asi uyo anokudza murayiro achawana mubayiro.
Den, der lader hånt om Ordet, slås ned, den, der frygter Budet, får Løn.
14 Kudzidzisa kwowakachenjera itsime roupenyu, rinobvisa munhu pamusungo worufu.
Vismands Lære er en Livsens Kilde, derved undgås Dødens Snarer.
15 Kunzwisisa kwakanaka kunowanisa nyasha, asi nzira yavasina kutendeka ihukutu.
God Forstand vinder Yndest, troløses Vej er deres Undergang.
16 Munhu wose akachenjera anoita zvinhu noruzivo, asi benzi rinoratidza upenzi hwaro.
Hver, som er klog, går til Værks med Kundskab, Tåben udfolder Dårskab.
17 Nhume yakaipa inowira munjodzi, asi munyai akatendeka anouya nokuporesa.
Gudløs Budbringer går det galt, troværdigt Bud bringer Lægedom.
18 Uyo anozvidza kurayirwa achava murombo uye achanyadziswa, asi ani naani anoteerera kurayirwa achakudzwa.
Afvises Tugt, får man Armod og Skam; agtes på Revselse, bliver man æret.
19 Chishuvo chazadziswa chinozipa pamweya, asi mapenzi anovenga kusiya zvakaipa.
Opfyldt Ønske er sødt for Sjælen, at vige fra ondt er Tåber en Gru.
20 Uyo anofamba navakachenjera achachenjerawo, asi shamwari yamapenzi ichakuvadzwa.
Omgås Vismænd, så bliver du viis, ilde faren er Tåbers Ven.
21 Zvakaipa zvinotevera mutadzi, asi kubudirira ndiwo mugove wavakarurama.
Vanheld følger Syndere, Lykken når de retfærdige.
22 Munhu akanaka anosiyira vana vevana vake nhaka, asi upfumi hwomutadzi hunounganidzirwa vakarurama.
Den gode efterlader Børnebrn Arv, til retfærdige gemmes Synderens Gods.
23 Munda womurombo ungabereka zvokudya zvakawanda, asi kusaruramisira kunozvitsvairira kure.
På Fattigfolks Nyjord er rigelig Føde, mens mangen rives bort ved Uret.
24 Anorega kushandisa shamhu anovenga mwanakomana wake, asi uyo anomuda anochenjerera kumuranga.
Hvo Riset sparer, hader sin Søn, den, der elsker ham, tugter i Tide.
25 Vakarurama vanodya zvinogutsa mwoyo yavo, asi dumbu reakaipa richanzwa nzara.
Den retfærdige spiser, til Sulten er stillet, gudløses Bug er tom.

< Zvirevo 13 >