< Zvirevo 12 >

1 Ani naani anofarira kuzvirovedza anoda zivo, asi uyo anovenga kudzorwa ibenzi.
If you love knowledge, you will love discipline. Anyone who hates being corrected is stupid!
2 Munhu akanaka anowana nyasha kubva kuna Jehovha, asi Jehovha anotuka munhu ane mano akaipa.
The Lord blesses the good, but he condemns anyone with evil schemes.
3 Munhu haangasimbiswi nezvakaipa, asi mudzi womunhu akarurama haungadzurwi.
Wickedness doesn't provide security, but those who live right are deeply rooted and cannot be moved.
4 Mudzimai ane unhu hwakanaka ikorona kumurume wake, asi mudzimai anonyadzisa akafanana nokuora mumapfupa omurume wake.
A good wife is a crown for her husband, but one who brings shame is like rot in his bones.
5 Urongwa hwomunhu akarurama hwakarurama, asi kurayira kwavakaipa kunonyengera.
Good people make plans that are fair, but the advice of the wicked is deceptive.
6 Mashoko owakaipa anovandira ropa, asi kutaura kwavakarurama kunovanunura.
The words of the wicked are like a violent ambush, but those of honest people save them.
7 Vanhu vakaipa vanobviswa pachigaro uye havazovapozve, asi imba yowakarurama icharamba yakasimba.
The wicked are destroyed, and they're gone, but the family of the good stands firm.
8 Munhu anorumbidzwa maererano nouchenjeri hwake, asi vanhu vane pfungwa dzakatsauka vanozvidzwa.
People are appreciated for talking sense, but those with perverted minds are despised.
9 Zviri nani kuva munhu anoninipiswa asi iwe une muranda, pane kuzviita munhu wapamusoro iwe usina zvokudya.
Better to be a humble man serving himself than a boastful man who has nothing to eat.
10 Munhu akarurama ane hanya nechipfuwo chake, asi zviito zvakanaka zvowakaipa utsinye.
Good people look after their animals, but the care given by wicked is really cruelty.
11 Uyo anoshanda mumunda wake achava nezvokudya zvakawanda, asi uyo anongotevera zvisina maturo anoshayiwa zivo.
If you cultivate the land you'll have plenty of food, but if you chase after worthless things you're stupid.
12 Vakaipa vanopanga zvakapambwa zvavanhu vakaipa, asi mudzi woakarurama unobereka zvibereko.
Wicked people long for ill-gotten gains, but good people are productive themselves.
13 Munhu akaipa anobatwa nokutaura kwake kwakaipa, asi munhu akarurama anopunyuka padambudziko.
The wicked trap themselves by their own sinful words, but good people escape trouble.
14 Kubva pazvibereko zvemiromo yake munhu anozadzwa nezvinhu zvakanaka, zvirokwazvo sokupiwa mubayiro kwaanoitwa nebasa ramaoko ake.
What you say brings you rewards, and your work returns to bless you.
15 Nzira yebenzi inoita seyakanaka kwaari, asi munhu akachenjera anoteerera kurayira.
Stupid people think they're on the right track, but if you're wise you listen to advice.
16 Benzi rinoratidza kutsamwa pakarepo, asi munhu akachenjera anoshayira hanya kutukwa.
Stupid people get angry immediately, but if you're sensible you ignore an insult.
17 Chapupu chezvokwadi chinopa uchapupu hwezvokwadi, asi chapupu chenhema chinoreva nhema.
Whoever tells the truth is being honest, but a false witness tells lies.
18 Mashoko anotaurwa nokusarangarira anobaya somunondo, asi rurimi rwomunhu akachenjera runoporesa.
Some people's hasty words cut like a knife, but the words of the wise bring healing.
19 Miromo yezvokwadi ichasimbiswa nokusingaperi, asi rurimi runoreva nhema runogara kwechinguva chiduku.
Words of truth last forever, but lies are gone in a moment.
20 Mune kunyengera mumwoyo yaavo vanoronga zvakaipa, asi rufaro rwuri kune avo vanokurudzira rugare.
Deceit is in the mind of those planning evil, but those who plan peace have joy.
21 Akarurama haangatongowirwi nezvakaipa, asi vakaipa vachava namatambudziko akavafanira.
No harm comes to the good, but trouble fills the wicked.
22 Jehovha anovenga miromo inotaura nhema, asi anofadzwa navanhu vanotaura chokwadi.
The Lord hates liars but is happy with those who are trustworthy.
23 Munhu akachenjera anovanza zivo yake, asi mwoyo yamapenzi inotaura zvoupenzi.
If you're sensible, you don't show off your knowledge, but stupid people announce their stupidity.
24 Maoko anoshingaira achatonga, asi usimbe hunopedzisira mukushanda somuranda.
Hard work brings leadership, but laziness brings slavery.
25 Mwoyo unopunyaira unoremedza munhu, asi shoko nyoro rinomufadza.
If you're anxious, you're weighed down, but an encouraging word will cheer you up.
26 Munhu akarurama anochenjerera ushamwari, asi nzira yavakaipa inovatungamirira mukurasika.
Good people look out for their friends, but the way the wicked live leads them astray.
27 Munhu ane usimbe haagochi mhuka yaabata, asi munhu anoshingaira anokoshesa pfuma yake.
Lazy people don't catch their prey, but if you work hard you can become rich.
28 Munzira yokururama mune upenyu; kwainoenda hakuna rufu.
The path of right leads to life, it doesn't lead to death.

< Zvirevo 12 >