< VaFiripi 4 >

1 Naizvozvo, hama dzangu, iyemi vandinoda uye vandinoshuva, mufaro wangu nekorona yangu, ndiko kuti mumire nesimba muna She, hama dzinodiwa!
So then, my brothers, beloved and longed for, my joy and crown, do stand fast in Sovereign in this way, dear ones.
2 Ndinokumbira zvikuru kuna Yudhia uyewo ndinokumbira zvikuru Sindike kuti vatenderane muna She.
I urge Euodia and I urge Syntyche to come to agreement in the Lord.
3 Hongu, uye ndinokukumbira iwe wakatendeka, musungwa pamwe chete neni pajoko, batsira vakadzi ava vakarwa pamwe chete neni mubasa revhangeri, pamwe chete naKiremenzi uye navamwe vose vakabata basa pamwe chete neni, mazita avo ari mubhuku roupenyu.
Yes, I urge you too, genuine yokefellow, help these women who labored with me in the Gospel, and with Clement and the rest of my fellow workers, whose names are in the Book of Life.
4 Farai muna She nguva dzose. Ndichapamhidzazve: Farai!
Rejoice in Sovereign always; again I say, rejoice!
5 Unyoro hwenyu ngahuonekwe kuna vose. Ishe ava pedyo.
Let your forbearing spirit be evident to all; the Lord is near.
6 Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi muzvinhu zvose, kumbirai Mwari neminyengetero, nemikumbiro uye nokuvonga.
Do not be anxious about anything, but in everything, by prayer and petition along with thanksgiving, let your requests be made known to God;
7 Uye rugare rwaMwari, runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu.
and the peace of God, that surpasses all understanding, will guard your hearts and your minds in Christ Jesus.
8 Pakupedzisira hama, ndinoti kwamuri: fungai pamusoro pezvinhu izvi zvose zvechokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinoyevedza, kana paine chinhu chakaisvonaka kana chinorumbidzwa, fungai pamusoro pezvinhu izvi zvakadai.
Finally, brothers, whatever things are true, whatever things are honorable, whatever things are just, whatever things are pure, whatever things are lovely, whatever things are commendable—whatever is of excellent character and whatever is praiseworthy—ponder such things.
9 Zvinhu zvipi zvazvo zvamakadzidza kana zvamakagamuchira kana zvamakanzwa kubva kwandiri, kana zvamakaona mandiri, itai izvozvo. Uye Mwari worugare ngaave nemi.
Put into practice the things that you learned, received, heard and saw in me, and the God of peace will be with you.
10 Ndinofara zvikuru muna She kuti pakupedzisira makavandudza hanya yenyu nokuda kwangu. Zvirokwazvo, makanga mune hanya henyu, asi makanga musina mukana wokuti muzviratidze.
I rejoice in the Lord greatly that you have renewed your concern for me once again; of course you were concerned, just lacked the opportunity.
11 Handirevi izvi nokuda kwokuti ndinoshayiwa, nokuti ndakadzidza kugutsikana nezvinenge zviripo.
I am not saying this because of lack, since I have learned to be content whatever the circumstances.
12 Ndinoziva kuti kushayiwa chii, uye ndinoziva kuva nezvakawanda. Ndakadzidza chakavanzika chokugutsikana mune zvipi zvazvo uye mumamiriro ose zvawo, kungava kuguta kana kunzwa nzara, kana kuva nezvakawanda kana kushayiwa.
I know what it is to be restricted, and I know what it is to have an abundance; everywhere and in every way I have been initiated both into being well fed and into being hungry, both into having plenty and into having need.
13 Ndinogona kuita zvinhu zvose kubudikidza naiye anondipa simba.
I can handle anything through Christ who strengthens me.
14 Asi makaita zvakanaka kuti makagovana neni mumatambudziko angu.
Nevertheless you have done well in sharing with me in my trial.
15 Pamusoro paizvozvo, sezvamunoziva imi vaFiripi, pamazuva enyu okutanga kundiziva nevhangeri, pandakasimuka kubva kuMasedhonia, hakuna kereke yakagovana neni panyaya yokupa nokugamuchira, kunze kwenyu chete;
Now you Philippians know very well that in the beginning of the Gospel, when I left Macedonia, no congregation shared with me in the matter of giving and receiving but you only.
16 nokuti kunyange pandakanga ndiri muTesaronika, makanditumira rubatsirozve uye mukapamha pandainge ndiri pakushayiwa.
Yes, even in Thessalonica, both once and again, you sent aid for my need.
17 Handirevi kuti ndinotsvaka chipo, asi ndinotsvaka izvo zvamungazopfumiswa nazvo.
Not that I want the gift, but I want the fruit that is being added to your account.
18 Ndakagamuchira mubayiro uzere uye kunyange zvizhinji; ndava nezvakakwana, zvino zvandagamuchira kubva kuna Epafrodhitasi zvipo zvamakanditumira. Zvakaita sechipiriso chinonhuhwira, chibayiro chakafanira, chinofadza Mwari.
I have received everything and have plenty; I am well supplied, having received from Epaphroditus the things you sent, a fragrant aroma, an acceptable sacrifice, well pleasing to God.
19 Uye Mwari wangu achazadzisa zvamunoshayiwa zvose maererano nokubwinya kwepfuma yake muna Kristu Jesu.
My God will supply every need of yours according to His riches in glory in Christ Jesus.
20 Mwari naBaba vedu ngaave nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni. (aiōn g165)
Now to our God and Father be the glory for ever and ever. Amen. (aiōn g165)
21 Kwazisai vatsvene vose muna Kristu Jesu. Hama dzandinadzo dzinokukwazisai.
Greet every saint in Christ Jesus. The brothers who are with me greet you.
22 Vatsvene vose vanokukwazisai, kunyanya avo veimba yaKesari.
All the saints greet you, but especially those who are of Caesar's household.
23 Nyasha dzaIshe Jesu Kristu ngadzive nomweya wenyu. Ameni.
The grace of the Sovereign, Jesus Christ, be with you all. Amen.

< VaFiripi 4 >