< Firimoni 1 >
1 Pauro, musungwa waKristu Jesu, naTimoti hama yedu, kuna Firimoni shamwari yedu inodikanwa uye nomushandi pamwe chete nesu,
PAULOS, the bondman of Jeshu Meshiha, and the brother Timotheos, to the beloved Philemon, our fellow-labourer,
2 kuna Afia hanzvadzi yedu, kuna Akipo murwi pamwe chete nesu uye nokukereke inosangana mumba mako:
and to our beloved Aphia, and to Arkipos our fellowlabourer, 1 and to the church which is in thy house.
3 Nyasha ngadzive nemi norugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu.
Grace be with thee, and peace, from Aloha our Father, and from our Lord Jeshu Meshiha.
4 Ndinovonga Mwari wangu nguva dzose pandinokurangarira muminyengetero yangu,
I give thanks to Aloha at all time, and remember thee in my prayers.
5 nokuti ndinonzwa nezvokutenda kwako muna Ishe Jesu uye norudo rwako kuvatsvene vose.
Behold, from (the time) when I heard of thy faith, and the love which thou hast to our Lord Jeshu Meshiha, and to all the saints,
6 Ndinokunyengeterera kuti ugovane navamwe nesimba, kuitira kuti uve noruzivo rwakazara pamusoro pezvinhu zvose zvakanaka zvatinazvo muna Kristu.
(I have prayed) that there may be communication of thy faith (in) yielding fruits, in works and in the (manifestation of the) knowledge of all good which thou hast in Jeshu Meshiha.
7 Rudo rwako rwakandipa mufaro mukuru nokukurudzirwa, nokuti iwe, hama yangu, wakazorodza mwoyo yavatsvene.
For we have great joy and consolation, that by thy love the bowels of the saints are refreshed.
8 Naizvozvo, kunyange zvazvo ndisingatyi, muna Kristu, kuti ndikurayire zvaunofanira kuita,
Wherefore I have great confidence in the Meshiha to command thee those acts which are righteous,
9 asi ndinokukumbira nokuda kworudo. Saka ini, saPauro mutana uye zvino musungwa waKristu Jesu
but for love's sake entreating I entreat of thee, I, Paulos, who am the aged as thou knowest, but now also the bondman of Jeshu Meshiha.
10 ndinokumbira kwauri pamusoro pomwanakomana wangu Onesimasi, akava mwanakomana wangu pakusungwa kwangu.
And I entreat of thee for my son, whom I have begotten in my bonds, Onesimos,
11 Akanga asingabatsiri kwauri kare, asi zvino ava kubatsira kwatiri tose iwe neni.
who once was of no use to thee, but (who will) now to thee, as also to me, be greatly useful;
12 Ndiri kumudzosera kwauri, iye mwoyo wangu chaiwo.
and I have sent him to thee. But thou, as (one) who is my offspring, so receive him.
13 Ndaida kuti iye agare neni kuti agotora nzvimbo yako pakundibatsira zvandiri muusungwa nokuda kweVhangeri.
For I would have retained him with me, that he might have served me for thy sake in the bonds of the gospel;
14 Asi handina kuda kuita chinhu iwe usina kuchitendera, kuitira kuti zvose zvakanaka zvauchaita zvirege kuva zvokurovedzerwa asi nokuda kwako.
but without thy counsel I was not willing to do any thing, that thy goodness might not be as by constraint, but of thy will.
15 Nokuti zvimwe wakaparadzaniswa naye kwechinguva kuti ugozova naye nokusingaperi, (aiōnios )
But, perhaps, for this he passed away for an hour, that thou mayest hold him for ever; (aiōnios )
16 asisiri somuranda, asi ava nani kupfuura muranda, sehama inodikanwa. Munhu anodikanwa kwandiri, asi kutonyanya kwauri, zvose somunhu uye sehama muna She.
not henceforth as a servant, but as more than a servant, a beloved brother of mine, and how much more of thine, both in the flesh and in our Lord!
17 Saka kana uchindiona somumwe wako, mugamuchire sokugamuchira kwaungandiita.
If then thou art with me a partaker, receive him as mine.
18 Kana ane zvaakakutadzira kana kuti ane mungava newe, uzvireve kwandiri.
And if of any thing he hath deprived thee, or oweth, that reckon unto me.
19 Ini, Pauro, ndanyora izvi noruoko rwangu. Ndichazviripira, ndisingarevi kuti iwe pachako uri mungava kwandiri.
I, Paulos, have written with my hands, I will repay thee; for I will not tell thee that thou owest thyself to me.
20 Hama, ndinoshuva, kuti ndiwane rubatsiro kubva kwauri muna She; zorodza mwoyo wangu muna Kristu.
Yes, my brother, I will be refreshed by thee in our Lord; refresh my bowels in the Meshiha.
21 Ndanyora kwauri ndichivimba nokuteerera kwako, ndichiziva kuti uchaita kunyange kupfuura zvandakukumbira.
Because I am confident of thy hearing me, I have written to thee, and I know that more than I have asked thou wilt do.
22 Uye chimwe chinhuzve: Ndigadzirirewo pokugara, nokuti ndinotarira kuti ndichapiwa kwamuri pakupindurwa kweminyengetero yenyu.
But at once also prepare me a house of lodging, for I hope through your prayers I shall be given to you.
23 Epafurasi, musungwa pamwe chete neni muna Kristu Jesu, anokukwazisai,
Epaphra, a captive with me in Jeshu Meshiha,
24 uyewo Mako, Aristakusi, Dhemasi, naRuka, vashandi pamwe chete neni.
and Markos, and Aristarkos, and Dema, and Luka, my helpers, ask for your peace.
25 Nyasha dzaIshe Jesu Kristu ngadzive nomweya wako.
The grace of our Lord Jeshu Meshiha be with your spirit, my brethren. Amen.