< Firimoni 1 >

1 Pauro, musungwa waKristu Jesu, naTimoti hama yedu, kuna Firimoni shamwari yedu inodikanwa uye nomushandi pamwe chete nesu,
Pauro musungwa waKristu Jesu, naTimotio hama, kuna Firimoni mudikanwi nemushumiri pamwe nesu,
2 kuna Afia hanzvadzi yedu, kuna Akipo murwi pamwe chete nesu uye nokukereke inosangana mumba mako:
nekumudikanwi Apifia, nekuna Akipo muuto pamwe nesu, nekukereke iri mumba mako:
3 Nyasha ngadzive nemi norugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu.
Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu.
4 Ndinovonga Mwari wangu nguva dzose pandinokurangarira muminyengetero yangu,
Ndinovonga Mwari wangu, ndichikureva nguva dzese paminyengetero yangu,
5 nokuti ndinonzwa nezvokutenda kwako muna Ishe Jesu uye norudo rwako kuvatsvene vose.
ndichinzwa zverudo rwako, nerutendo rwaunarwo kuna Ishe Jesu nekuvatsvene vese,
6 Ndinokunyengeterera kuti ugovane navamwe nesimba, kuitira kuti uve noruzivo rwakazara pamusoro pezvinhu zvose zvakanaka zvatinazvo muna Kristu.
kuti kudyidzana kwerutendo rwako kuve nesimba pakuziva chese chakanaka chiri mamuri muna Kristu Jesu.
7 Rudo rwako rwakandipa mufaro mukuru nokukurudzirwa, nokuti iwe, hama yangu, wakazorodza mwoyo yavatsvene.
Nokuti tine mufaro mukuru nekunyaradzwa parudo rwako, nokuti ura hwevatsvene hwakavandudzwa newe, hama.
8 Naizvozvo, kunyange zvazvo ndisingatyi, muna Kristu, kuti ndikurayire zvaunofanira kuita,
Naizvozvo kunyange ndine kushinga kukuru muna Kristu kukuraira izvo zvakafanira,
9 asi ndinokukumbira nokuda kworudo. Saka ini, saPauro mutana uye zvino musungwa waKristu Jesu
asi nekuda kwerudo zviri nani kukumbirisa, sezvandakadai ini Pauro mutana, uye ikozvinowo musungwa waJesu Kristu.
10 ndinokumbira kwauri pamusoro pomwanakomana wangu Onesimasi, akava mwanakomana wangu pakusungwa kwangu.
Ndinokukumbirisa pamusoro pemwana wangu, wandakabereka muzvisungo zvangu, Onesimo,
11 Akanga asingabatsiri kwauri kare, asi zvino ava kubatsira kwatiri tose iwe neni.
wakange asingambokubatsiri, asi ikozvino anobatsira kwauri nekwandiri,
12 Ndiri kumudzosera kwauri, iye mwoyo wangu chaiwo.
wandatumirazve kwauri; asi iwe, mugamuchire, ndiko kuti ura hwangu;
13 Ndaida kuti iye agare neni kuti agotora nzvimbo yako pakundibatsira zvandiri muusungwa nokuda kweVhangeri.
wandaida kuramba naye aneni, kuti panzvimbo yako andishumire pazvisungo zveevhangeri;
14 Asi handina kuda kuita chinhu iwe usina kuchitendera, kuitira kuti zvose zvakanaka zvauchaita zvirege kuva zvokurovedzerwa asi nokuda kwako.
asi handina kuda kuita chinhu kunze kwetendero yako, kuti chakanaka chako chirege kuitwa nekurovererwa, asi sepachido.
15 Nokuti zvimwe wakaparadzaniswa naye kwechinguva kuti ugozova naye nokusingaperi, (aiōnios g166)
Nokuti zvimwe wakaparadzaniswa newe chinguva nemhaka iyi, kuti umugamuchirezve nekusingaperi; (aiōnios g166)
16 asisiri somuranda, asi ava nani kupfuura muranda, sehama inodikanwa. Munhu anodikanwa kwandiri, asi kutonyanya kwauri, zvose somunhu uye sehama muna She.
arege kuchiva semuranda, asi anopfuura muranda, hama inodikanwa, zvikuru kwandiri, asi zvikuru sei kwauri zvese panyama nemuna Ishe.
17 Saka kana uchindiona somumwe wako, mugamuchire sokugamuchira kwaungandiita.
Naizvozvo kana uchindiverenga semubatidzani, mugamuchire seunogamuchira ini.
18 Kana ane zvaakakutadzira kana kuti ane mungava newe, uzvireve kwandiri.
Asi kana akakutadzira chimwe kana kuva nengava newe, izvozvo zviverengere kwandiri;
19 Ini, Pauro, ndanyora izvi noruoko rwangu. Ndichazviripira, ndisingarevi kuti iwe pachako uri mungava kwandiri.
ini Pauro ndanyora neruoko rwangu, ini ndicharipa; kuti ndirege kuti kwauri, uri ngava kwandiri iwewo pachako.
20 Hama, ndinoshuva, kuti ndiwane rubatsiro kubva kwauri muna She; zorodza mwoyo wangu muna Kristu.
Hongu, hama, ngandive nemufaro newe muna Ishe; vandudza ura hwangu muna Ishe.
21 Ndanyora kwauri ndichivimba nokuteerera kwako, ndichiziva kuti uchaita kunyange kupfuura zvandakukumbira.
Ndakunyorera ndichivimba kuteerera kwako, ndichiziva kutiwo uchaita kupfuura zvandinoreva.
22 Uye chimwe chinhuzve: Ndigadzirirewo pokugara, nokuti ndinotarira kuti ndichapiwa kwamuri pakupindurwa kweminyengetero yenyu.
Uyewo panguva iyoyo ndigadzirire pekugara; nokuti ndinotarisira kuti kubudikidza neminyengetero yenyu ndichapiwa kwamuri.
23 Epafurasi, musungwa pamwe chete neni muna Kristu Jesu, anokukwazisai,
Anokukwazisa Epafrasi musungwa pamwe neni muna Kristu Jesu,
24 uyewo Mako, Aristakusi, Dhemasi, naRuka, vashandi pamwe chete neni.
Mariko, Arisitako, Dhemasi, Ruka, vabati pamwe neni.
25 Nyasha dzaIshe Jesu Kristu ngadzive nomweya wako.
Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemweya wenyu. Ameni.

< Firimoni 1 >