< Numeri 1 >
1 Jehovha akataura naMozisi muTende Rokusangana, vari murenje reSinai, nezuva rokutanga romwedzi wechipiri, mugore rechipiri shure kwokubuda kwavaIsraeri muIjipiti, achiti,
İsrailliler'in Mısır'dan çıkışının ikinci yılı, ikinci ayın birinci günü RAB Sina Çölü'nde, Buluşma Çadırı'nda Musa'ya şöyle seslendi:
2 “Verenga ungano yose yavaIsraeri nedzimba dzavo uye nemhuri dzavo, uchinyora murume wose wose nezita rake, mumwe nomumwe.
“Sen ve Harun İsrail topluluğunun bütün boylarıyla ailelerinin sayımını yapın. Bütün erkekleri bir bir sayıp adlarını yazın. İsrailliler'den savaşabilecek durumda yirmi ve daha yukarı yaştaki bütün erkekleri sayıp bölüklere ayırın.
3 Iwe naAroni munofanira kuverenga varume vose vari muIsraeri namapoka avo vane makore makumi maviri kana anodarika vanogona kurwa muhondo.
4 Murume mumwe chete kubva kurudzi rumwe norumwe, mumwe nomumwe ari mukuru wemhuri yake achakubatsira.
Size yardım etmek için yanınızda her oymaktan birer adam bulunsun; bu kişiler aile başı olmalı.
5 “Aya ndiwo mazita avarume vanofanira kukubatsira: “kubva kwaRubheni, Erizuri mwanakomana waShedheuri;
Size yardımcı olacak adamların adları şunlardır: “Ruben oymağından: Şedeur oğlu Elisur,
6 kubva kwaSimeoni, Sherumieri mwanakomana waZurishadhai;
Şimon oymağından: Surişadday oğlu Şelumiel,
7 kubva kwaJudha, Nashoni mwanakomana waAminadhabhi;
Yahuda oymağından: Amminadav oğlu Nahşon,
8 kubva kwaIsakari, Netaneri mwanakomana waZuari;
İssakar oymağından: Suar oğlu Netanel,
9 kubva kwaZebhuruni, Eriabhi mwanakomana waHeroni;
Zevulun oymağından: Helon oğlu Eliav,
10 kubva kuvanakomana vaJosefa: kubva kuna Efuremu, Erishama mwanakomana waAmihudhi; kubva kuna Manase, Gamarieri mwanakomana waPedhazuri;
Yusufoğulları'ndan Efrayim oymağından: Ammihut oğlu Elişama, Manaşşe oymağından: Pedahsur oğlu Gamliel,
11 kubva kwaBhenjamini, Abhidhani mwanakomana waGidheoni;
Benyamin oymağından: Gidoni oğlu Avidan,
12 kubva kwaDhani, Ahiezeri mwanakomana waAmishadhai;
Dan oymağından: Ammişadday oğlu Ahiezer,
13 kubva kwaAsheri, Pagieri mwanakomana waOkirani;
Aşer oymağından: Okran oğlu Pagiel,
14 kubva kwaGadhi, Eriasafi mwanakomana waDheueri;
Gad oymağından: Deuel oğlu Elyasaf,
15 kubva kwaNafutari, Ahira mwanakomana waEnani.”
Naftali oymağından: Enan oğlu Ahira.”
16 Ava ndivo varume vakatsaurwa kubva paungano, vatungamiri vamarudzi amadzibaba avo. Ndivo vaiva vakuru vedzimba dzavaIsraeri.
Bunlar İsrail topluluğundan atanmış adamlardı; atalarının soyundan gelen oymak önderleri, İsrail'in boy başlarıydı.
17 Mozisi naAroni vakatora varume ava vane mazita avakanga vapiwa,
Musa'yla Harun adları bildirilen bu adamları getirttiler.
18 vakaunganidza ungano yose pamwe chete pazuva rokutanga romwedzi wechipiri. Vanhu vakaratidza madzitateguru avo, dzimba dzavo nemhuri dzavo, uye varume vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vakanyorwa mazita avo mumwe nomumwe,
RAB'bin buyruğu uyarınca ikinci ayın birinci günü bütün halkı topladılar. Yirmi ve daha yukarı yaştakileri boylarına, ailelerine göre birer birer sayıp adlarını yazdılar. Böylece Musa Sina Çölü'nde halkın sayımını yaptı.
19 sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. Nokudaro akavaverenga muRenje reSinai:
20 Kubva kuzvizvarwa zvaRubheni mwanakomana wedangwe waIsraeri: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakaverengwa uye vakanyorwa mazita, mumwe nomumwe, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.
İsrail'in ilk oğlu Ruben'in soyundan olanlar: Savaşabilecek durumda yirmi ve daha yukarı yaştaki bütün erkekler bağlı oldukları boy ve aileye göre adlarıyla birer birer kayda geçirildi.
21 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaRubheni vaiva zviuru makumi mana nezvitanhatu, namazana mashanu.
Ruben oymağından sayılanlar 46 500 kişiydi.
22 Kubva kuzvizvarwa zvaSimeoni: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakaverengwa uye vakanyorwa mazita, mumwe nomumwe, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.
Şimon'un soyundan olanlar: Savaşabilecek durumda yirmi ve daha yukarı yaştaki bütün erkekler bağlı oldukları boy ve aileye göre adlarıyla birer birer belirlenip kayda geçirildi.
23 Vakaverengwa vaibva kurudzi rwaSimeoni vaisvika zviuru makumi mashanu nezvipfumbamwe, namazana matatu.
Şimon oymağından sayılanlar 59 300 kişiydi.
24 Kubva kuzvizvarwa zvaGadhi: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika, vaigona kurwa muhondo, vakanyorwa mazita maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.
Gad'ın soyundan olanlar: Savaşabilecek durumda yirmi ve daha yukarı yaştakiler bağlı oldukları boy ve aileye göre adlarıyla kayda geçirildi.
25 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaGadhi vaisvika zviuru makumi mana nezvishanu, namazana matanhatu namakumi mashanu.
Gad oymağından sayılanlar 45 650 kişiydi.
26 Kubva kuzvizvarwa zvaJudha: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.
Yahuda'nın soyundan olanlar: Savaşabilecek durumda yirmi ve daha yukarı yaştakiler bağlı oldukları boy ve aileye göre adlarıyla kayda geçirildi.
27 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaJudha vaisvika zviuru makumi manomwe nezvina, namazana matanhatu.
Yahuda oymağından sayılanlar 74 600 kişiydi.
28 Kubva kuzvizvarwa zvaIsakari: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.
İssakar'ın soyundan olanlar: Savaşabilecek durumda yirmi ve daha yukarı yaştakiler bağlı oldukları boy ve aileye göre adlarıyla kayda geçirildi.
29 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaIsakari vaisvika zviuru makumi mashanu nezvina, namazana mana.
İssakar oymağından sayılanlar 54 400 kişiydi.
30 Kubva kuzvizvarwa zvaZebhuruni: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.
Zevulun'un soyundan olanlar: Savaşabilecek durumda yirmi ve daha yukarı yaştakiler bağlı oldukları boy ve aileye göre adlarıyla kayda geçirildi.
31 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaZebhuruni vaisvika zviuru makumi mashanu nezvinomwe, namazana mana.
Zevulun oymağından sayılanlar 57 400 kişiydi.
32 Kubva kuvanakomana vaJosefa: Kubva kuzvizvarwa zvaEfuremu: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.
Yusufoğulları'ndan, Efrayim soyundan olanlar: Savaşabilecek durumda yirmi ve daha yukarı yaştakiler bağlı oldukları boy ve aileye göre adlarıyla kayda geçirildi.
33 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaEfuremu vaisvika zviuru makumi mana, namazana mashanu.
Efrayim oymağından sayılanlar 40 500 kişiydi.
34 Kubva kuzvizvarwa zvaManase: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.
Manaşşe'nin soyundan olanlar: Savaşabilecek durumda yirmi ve daha yukarı yaştakiler bağlı oldukları boy ve aileye göre adlarıyla kayda geçirildi.
35 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaManase vaisvika zviuru makumi matatu nezviviri, namazana maviri.
Manaşşe oymağından sayılanlar 32 200 kişiydi.
36 Kubva kuzvizvarwa zvaBhenjamini: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba nezvemhuri dzavo.
Benyamin'in soyundan olanlar: Savaşabilecek durumda yirmi ve daha yukarı yaştakiler bağlı oldukları boy ve aileye göre adlarıyla kayda geçirildi.
37 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaBhenjamini vaisvika zviuru makumi matatu nezvishanu, namazana mana.
Benyamin oymağından sayılanlar 35 400 kişiydi.
38 Kubva kuzvizvarwa zvaDhani: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika, vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.
Dan'ın soyundan olanlar: Savaşabilecek durumda yirmi ve daha yukarı yaştakiler bağlı oldukları boy ve aileye göre adlarıyla kayda geçirildi.
39 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaDhani vaisvika zviuru makumi matanhatu nezviviri, namazana manomwe.
Dan oymağından sayılanlar 62 700 kişiydi.
40 Kubva kuzvizvarwa zvaAsheri: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo uye nezvemhuri dzavo.
Aşer'in soyundan olanlar: Savaşabilecek durumda yirmi ve daha yukarı yaştakiler bağlı oldukları boy ve aileye göre adlarıyla kayda geçirildi.
41 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaAsheri vaisvika zviuru makumi mana nechimwe chete, namazana mashanu.
Aşer oymağından sayılanlar 41 500 kişiydi.
42 Kubva kuzvizvarwa zvaNafutari: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.
Naftali'nin soyundan olanlar: Savaşabilecek durumda yirmi ve daha yukarı yaştakiler bağlı oldukları boy ve aileye göre adlarıyla kayda geçirildi.
43 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaNafutari vaisvika zviuru makumi mashanu nezvitatu, namazana mana.
Naftali oymağından sayılanlar 53 400 kişiydi.
44 Ava ndivo varume vakaverengwa naMozisi naAroni navatungamiri veIsraeri gumi nevaviri, mumwe nomumwe achimiririra mhuri yake.
Musa, Harun ve İsrail'in on iki önderi tarafından sayılanlar bunlardı. Her önder bağlı olduğu aileyi temsil ediyordu.
45 VaIsraeri vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo yeIsraeri vakaverengwa maererano nemhuri dzavo.
İsrail'de savaşabilecek durumda yirmi ve daha yukarı yaştakilerin tümü bağlı oldukları aileye göre sayıldılar.
46 Vose vakaverengwa vakasvika zviuru mazana matanhatu nezvitatu, namazana mashanu ana makumi mashanu.
Sayılanların toplamı 603 550 kişiydi.
47 Kunyange zvakadaro, mhuri dzavaRevhi hadzina kuverengwa pamwe chete navamwe.
Ne var ki, Levi oymağından olanlar öbürleriyle birlikte sayılmadı.
48 Jehovha akanga ati kuna Mozisi:
Çünkü RAB Musa'ya şöyle demişti:
49 “Haufaniri kuverenga rudzi rwaRevhi kana kuvabatanidzira pakuverengwa kwavamwe vaIsraeri.
“Ancak Levi oymağını sayma, öbür İsrailliler arasında yaptığın sayıma onları katma.
50 Asi ugadze vaRevhi kuti vave vatariri vetabhenakeri yeChipupuriro, napamusoro pemidziyo yayo yose; vanofanira kutakura tabhenakeri nemidziyo yayo yose; vanofanira kuichengeta nokuikomberedza nemisasa yavo.
Levililer'i Levha Sandığı'nın bulunduğu konuttan, eşyalardan ve konuta ait her şeyden sorumlu kıl. Konutu ve bütün eşyalarını onlar taşısın; konutun bakımını onlar yapsın, çevresinde ordugah kursun.
51 Panguva yose inobviswa tabhenakeri, vaRevhi ndivo vanofanira kuidzikisa pasi, uye panguva yose yainomiswa, vaRevhi ndivo vanofanira kuita izvozvo. Ani zvake mumwewo anoswedera kwairi achaurayiwa.
Konut taşınırken onu Levililer toplayacak; konaklanacağı zaman da onlar kuracak. Levililer dışında konuta yaklaşan ölüm cezasına çarptırılacak.
52 VaIsraeri vanofanira kudzika matende avo namapoka avo, murume mumwe nomumwe mumusasa wake pasi pomureza wokwake.
İsrailliler çadırlarını bölükler halinde kuracaklar. Herkes kendi ordugahında, kendi sancağının altında bulunacak.
53 Zvakadaro hazvo, vaRevhi, vanofanira kudzika matende avo vakapoteredza tabhenakeri yeChipupuriro kuitira kuti hasha dzirege kuwira pamusoro peungano yavaIsraeri. VaRevhi ndivo vane basa rokuchengeta tabhenakeri yeChipupuriro.”
Ancak İsrail topluluğunun gazabıma uğramaması için Levililer Levha Sandığı'nın bulunduğu konutun çevresinde konaklayacak ve konuta bekçilik edecekler.”
54 VaIsraeri vakaita izvi zvose sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.
İsrailliler bütün bunları tam tamına RAB'bin Musa'ya buyurduğu gibi yaptılar.