< Numeri 1 >

1 Jehovha akataura naMozisi muTende Rokusangana, vari murenje reSinai, nezuva rokutanga romwedzi wechipiri, mugore rechipiri shure kwokubuda kwavaIsraeri muIjipiti, achiti,
UThixo wakhuluma kuMosi ethenteni lokuhlangana enkangala yaseSinayi ngosuku lwakuqala lwenyanga yesibili emnyakeni wesibili ngemva kokuphuma kwabako-Israyeli eGibhithe. UThixo wathi,
2 “Verenga ungano yose yavaIsraeri nedzimba dzavo uye nemhuri dzavo, uchinyora murume wose wose nezita rake, mumwe nomumwe.
“Balani abantu bonke bako-Israyeli ngensendo langezindlu zabo, lenze uluhlu lwamabizo amadoda, inye ngayinye.
3 Iwe naAroni munofanira kuverenga varume vose vari muIsraeri namapoka avo vane makore makumi maviri kana anodarika vanogona kurwa muhondo.
Wena lo-Aroni lizaqoqa ngezigaba wonke amadoda ako-Israyeli kusukela kwabaleminyaka engamatshumi amabili kusiya phezulu abangaba libutho.
4 Murume mumwe chete kubva kurudzi rumwe norumwe, mumwe nomumwe ari mukuru wemhuri yake achakubatsira.
Kuzozonke izizwe lithathe indoda eyodwa, eyinhloko yendlu yakibo, ukuze balincedise.
5 “Aya ndiwo mazita avarume vanofanira kukubatsira: “kubva kwaRubheni, Erizuri mwanakomana waShedheuri;
La yiwo amabizo amadoda azaliphathisa: esizweni sikaRubheni, u-Elizuri indodana kaShedewuri:
6 kubva kwaSimeoni, Sherumieri mwanakomana waZurishadhai;
esizweni sikaSimiyoni, uShelumiyeli indodana kaZurishadayi;
7 kubva kwaJudha, Nashoni mwanakomana waAminadhabhi;
esizweni sikaJuda, uNahashoni indodana ka-Aminadabi;
8 kubva kwaIsakari, Netaneri mwanakomana waZuari;
esizweni sika-Isakhari, uNethaneli indodana kaZuwari;
9 kubva kwaZebhuruni, Eriabhi mwanakomana waHeroni;
esizweni sikaZebhuluni, u-Eliyabi indodana kaHeloni;
10 kubva kuvanakomana vaJosefa: kubva kuna Efuremu, Erishama mwanakomana waAmihudhi; kubva kuna Manase, Gamarieri mwanakomana waPedhazuri;
emadodaneni kaJosefa kwakuyila: esizweni sika-Efrayimi, u-Elishama indodana ka-Amihudi; esizweni sikaManase, uGamaliyeli indodana kaPhedazuri;
11 kubva kwaBhenjamini, Abhidhani mwanakomana waGidheoni;
esizweni sikaBhenjamini, u-Abhidani indodana kaGidiyoni;
12 kubva kwaDhani, Ahiezeri mwanakomana waAmishadhai;
esizweni sikaDani, u-Ahiyezeri indodana ka-Amishadayi;
13 kubva kwaAsheri, Pagieri mwanakomana waOkirani;
esizweni sika-Asheri, uPhagiyeli indodana ka-Okhirani;
14 kubva kwaGadhi, Eriasafi mwanakomana waDheueri;
esizweni sikaGadi, u-Eliyasafi indodana kaDuweli;
15 kubva kwaNafutari, Ahira mwanakomana waEnani.”
esizweni sikaNafithali; u-Ahira indodana ka-Enani.”
16 Ava ndivo varume vakatsaurwa kubva paungano, vatungamiri vamarudzi amadzibaba avo. Ndivo vaiva vakuru vedzimba dzavaIsraeri.
La yiwo amadoda akhethwa ebantwini bakuleyondawo, bengabakhokheli bezizwe zabokhokho babo. Babezinhloko zezizwana zako-Israyeli.
17 Mozisi naAroni vakatora varume ava vane mazita avakanga vapiwa,
UMosi lo-Aroni bathatha amadoda la alamabizo ayeqanjiwe
18 vakaunganidza ungano yose pamwe chete pazuva rokutanga romwedzi wechipiri. Vanhu vakaratidza madzitateguru avo, dzimba dzavo nemhuri dzavo, uye varume vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vakanyorwa mazita avo mumwe nomumwe,
basebebizela ndawonye bonke abantu ngosuku lwakuqala lwenyanga yesibili. Baziveza umdabuko wabo ngensendo langezindlu zabo, ngakho kusukela emadodeni aleminyaka engamatshumi amabili kusiya phezulu kwabhalwa amabizo awo, inye ngayinye,
19 sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. Nokudaro akavaverenga muRenje reSinai:
njengokulaywa kukaMosi nguThixo. Ngakho wababala enkangala yaseSinayi:
20 Kubva kuzvizvarwa zvaRubheni mwanakomana wedangwe waIsraeri: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakaverengwa uye vakanyorwa mazita, mumwe nomumwe, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.
Ezizukulwaneni zikaRubheni indodana ka-Israyeli elizibulo: Wonke amadoda aleminyaka efika kumatshumi amabili kusiya phezulu ayengaba libutho abhalwa amabizo awo, inye ngayinye, kulandelwa imbali yosendo langezindlu zokuzalwa kwawo.
21 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaRubheni vaiva zviuru makumi mana nezvitanhatu, namazana mashanu.
Inani labesizwana sikaRubheni lalizinkulungwane ezingamatshumi amane lesithupha, lamakhulu amahlanu.
22 Kubva kuzvizvarwa zvaSimeoni: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakaverengwa uye vakanyorwa mazita, mumwe nomumwe, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.
Ezizukulwaneni zikaSimiyoni: Wonke amadoda aleminyaka efika kwengamatshumi amabili kusiya phezulu ayengaba libutho abalwa kwabhalwa amabizo awo, inye ngayinye, kulandelwa imbali yosendo langezindlu zokuzalwa kwawo.
23 Vakaverengwa vaibva kurudzi rwaSimeoni vaisvika zviuru makumi mashanu nezvipfumbamwe, namazana matatu.
Inani labesizwana sikaSimiyoni lalizinkulungwane ezingamatshumi amahlanu lasificamunwemunye, lamakhulu amathathu.
24 Kubva kuzvizvarwa zvaGadhi: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika, vaigona kurwa muhondo, vakanyorwa mazita maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.
Ezizukulwaneni zikaGadi: Wonke amadoda aleminyaka efika kwengamatshumi amabili kusiya phezulu ayengaba libutho kwabhalwa amabizo awo, inye ngayinye, kulandelwa imbali yosendo langezindlu zokuzalwa kwawo.
25 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaGadhi vaisvika zviuru makumi mana nezvishanu, namazana matanhatu namakumi mashanu.
Inani labesizwana sikaGadi lalizinkulungwane ezingamatshumi amane lanhlanu, lamakhulu ayisithupha lamatshumi amahlanu.
26 Kubva kuzvizvarwa zvaJudha: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.
Ezizukulwaneni zikaJuda: Wonke amadoda aleminyaka engamatshumi amabili kusiya phezulu ayengaba libutho abhalwa amabizo awo, inye ngayinye, kulandelwa imbali yosendo langezindlu zokuzalwa kwawo.
27 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaJudha vaisvika zviuru makumi manomwe nezvina, namazana matanhatu.
Inani labesizwana sikaJuda lalizinkulungwane ezingamatshumi ayisikhombisa lane lamakhulu ayisithupha.
28 Kubva kuzvizvarwa zvaIsakari: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.
Ezizukulwaneni zika-Isakhari: Wonke amadoda aleminyaka engamatshumi amabili kusiya phezulu ayengaba libutho abhalwa amabizo awo, inye ngayinye, kulandelwa imbali yosendo langezindlu zokuzalwa kwawo.
29 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaIsakari vaisvika zviuru makumi mashanu nezvina, namazana mana.
Inani labesizwana sika-Isakhari lalizinkulungwane ezingamatshumi amahlanu lane, lamakhulu amane.
30 Kubva kuzvizvarwa zvaZebhuruni: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.
Ezizukulwaneni zikaZebhuluni: Wonke amadoda aleminyaka engamatshumi amabili kusiya phezulu ayengaba libutho abhalwa amabizo awo, inye ngayinye, kulandelwa imbali yosendo langezindlu zokuzalwa kwawo.
31 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaZebhuruni vaisvika zviuru makumi mashanu nezvinomwe, namazana mana.
Inani lesizwe sikaZebhuluni lalizinkulungwane ezingamatshumi amahlanu lasikhombisa, lamakhulu amane.
32 Kubva kuvanakomana vaJosefa: Kubva kuzvizvarwa zvaEfuremu: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.
Emadodaneni kaJosefa: Ezizukulwaneni zika-Efrayimi: Wonke amadoda aleminyaka engamatshumi amabili kusiya phezulu ayengaba libutho abhalwa amabizo awo, inye ngayinye, kulandelwa imbali yosendo langezindlu zokuzalwa kwawo.
33 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaEfuremu vaisvika zviuru makumi mana, namazana mashanu.
Inani labesizwe sika-Efrayimi lalizinkulungwane ezingamatshumi amane lamakhulu amahlanu.
34 Kubva kuzvizvarwa zvaManase: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.
Ezizukulwaneni zikaManase: Wonke amadoda aleminyaka engamatshumi amabili kusiya phezulu ayengaba libutho abhalwa amabizo awo, inye ngayinye, kulandelwa imbali yosendo langezindlu zokuzalwa kwawo.
35 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaManase vaisvika zviuru makumi matatu nezviviri, namazana maviri.
Inani labesizwe sikaManase lalizinkulungwane ezintathu lambili, lamakhulu amabili.
36 Kubva kuzvizvarwa zvaBhenjamini: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba nezvemhuri dzavo.
Ezizukulwaneni zikaBhenjamini: Wonke amadoda aleminyaka engamatshumi amabili kusiya phezulu ayengaba libutho abhalwa amabizo awo, inye ngayinye, kulandelwa imbali yosendo langezindlu zokuzalwa kwawo.
37 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaBhenjamini vaisvika zviuru makumi matatu nezvishanu, namazana mana.
Inani labesizwe sikaBhenjamini lalizinkulungwane ezingamatshumi amathathu lanhlanu, lamakhulu amane.
38 Kubva kuzvizvarwa zvaDhani: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika, vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.
Ezizukulwaneni zikaDani: Wonke amadoda aleminyaka engamatshumi amabili kusiya phezulu ayengaba libutho abhalwa amabizo awo, inye ngayinye, kulandelwa imbali yosendo langezindlu zokuzalwa kwawo.
39 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaDhani vaisvika zviuru makumi matanhatu nezviviri, namazana manomwe.
Inani labesizwe sikaDani lalizinkulungwane ezingamatshumi ayisithupha lambili, lamakhulu ayisikhombisa.
40 Kubva kuzvizvarwa zvaAsheri: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo uye nezvemhuri dzavo.
Ezizukulwaneni zika-Asheri: Wonke amadoda aleminyaka angamatshumi amabili kusiya phezulu ayengaba libutho abhalwa amabizo awo, inye ngayinye, kulandelwa imbali yosendo langezindlu zokuzalwa kwawo.
41 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaAsheri vaisvika zviuru makumi mana nechimwe chete, namazana mashanu.
Inani labesizwe sika-Asheri lalizinkulungwane ezingamatshumi amane lanye, lamakhulu amahlanu.
42 Kubva kuzvizvarwa zvaNafutari: Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakanyorwa mazita, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo nezvemhuri dzavo.
Ezizukulwaneni zikaNafithali: Wonke amadoda aleminyaka engamatshumi amabili kusiya phezulu ayengaba libutho abhalwa amabizo awo, inye ngayinye, kulandelwa imbali yosendo langezindlu zokuzalwa kwawo.
43 Vakaverengwa kubva kurudzi rwaNafutari vaisvika zviuru makumi mashanu nezvitatu, namazana mana.
Inani labesizwe sikaNafithali lalizinkulungwane ezingamatshumi amahlanu lantathu, lamakhulu amane.
44 Ava ndivo varume vakaverengwa naMozisi naAroni navatungamiri veIsraeri gumi nevaviri, mumwe nomumwe achimiririra mhuri yake.
La yiwo amadoda abalwa nguMosi lo-Aroni kanye labakhokheli bako-Israyeli abalitshumi lambili, munye ngamunye emele abendlu yakhe.
45 VaIsraeri vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo yeIsraeri vakaverengwa maererano nemhuri dzavo.
Wonke ama-Israyeli aleminyaka esukela kwengamatshumi amabili kusiya phezulu ayengaba libutho abalwa ngezindlu zawo.
46 Vose vakaverengwa vakasvika zviuru mazana matanhatu nezvitatu, namazana mashanu ana makumi mashanu.
Inani lawo esehlangene wonke lalizinkulungwane ezingamakhulu ayisithupha lantathu, lamakhulu amahlanu, lamatshumi amahlanu.
47 Kunyange zvakadaro, mhuri dzavaRevhi hadzina kuverengwa pamwe chete navamwe.
Abendlu yesizwe sikaLevi, bona-ke, ababalwanga kanyekanye labanye.
48 Jehovha akanga ati kuna Mozisi:
UThixo wayethe kuMosi:
49 “Haufaniri kuverenga rudzi rwaRevhi kana kuvabatanidzira pakuverengwa kwavamwe vaIsraeri.
“Ungabali abesizwe sikaLevi njalo ungabahlanganisi kulokhu kubalwa kwabanye laba abako-Israyeli.
50 Asi ugadze vaRevhi kuti vave vatariri vetabhenakeri yeChipupuriro, napamusoro pemidziyo yayo yose; vanofanira kutakura tabhenakeri nemidziyo yayo yose; vanofanira kuichengeta nokuikomberedza nemisasa yavo.
Kodwa, beka abaLevi ukuthi baphathe ithabanikeli lobufakazi, impahla zalo zonke kanye lazozonke izinto ezisetshenziswa kulo. Yibo abazathwala ithabanikeli lempahla zalo; bazalinakekela njalo bazalihonqolozela.
51 Panguva yose inobviswa tabhenakeri, vaRevhi ndivo vanofanira kuidzikisa pasi, uye panguva yose yainomiswa, vaRevhi ndivo vanofanira kuita izvozvo. Ani zvake mumwewo anoswedera kwairi achaurayiwa.
Ngezikhathi zonke nxa ithabanikeli lisuswa abaLevi yibo abazalethula, kuthi-ke nxa selimiswa njalo, abaLevi yibo abazalimisa. Loba ngubani osondela phansi kwalo uzabulawa.
52 VaIsraeri vanofanira kudzika matende avo namapoka avo, murume mumwe nomumwe mumusasa wake pasi pomureza wokwake.
Abako-Israyeli bazakwakha amathente abo ngezigaba zabo, indoda ngayinye esihonqweni sayo ngaphansi kophawu lwayo.
53 Zvakadaro hazvo, vaRevhi, vanofanira kudzika matende avo vakapoteredza tabhenakeri yeChipupuriro kuitira kuti hasha dzirege kuwira pamusoro peungano yavaIsraeri. VaRevhi ndivo vane basa rokuchengeta tabhenakeri yeChipupuriro.”
Kodwa abaLevi bazamisa amathente abo ehonqolozele ithabanikeli loBufakazi ukuze isizwe sabako-Israyeli singayikwehlelwa lulaka. AbaLevi bazasebenza ukulinda iThabanikeli loBufakazi.”
54 VaIsraeri vakaita izvi zvose sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.
Abako-Israyeli benza konke njengokulaywa kukaMosi nguThixo.

< Numeri 1 >