< Numeri 9 >
1 Jehovha akataura kuna Mozisi murenje reSinai mumwedzi wokutanga wegore rechipiri shure kwokubuda kwavo muIjipiti. Akati kwaari,
And the Lord said to Moses, in the waste land of Sinai, in the first month of the second year after they had come out of the land of Egypt,
2 “Ita kuti vaIsraeri vapemberere Pasika panguva yakatarwa.
Let the children of Israel keep the Passover at its regular time.
3 Muipemberere panguva yakatarwa, panguva yorubvunzavaeni pazuva regumi namana romwedzi, maererano nemitemo yayo nemirayiro yayo yose.”
In the fourteenth day of this month, at evening, you are to keep it at the regular time, and in the way ordered in the law.
4 Saka Mozisi akataurira vaIsraeri kuti vapemberere Pasika,
And Moses gave orders to the children of Israel to keep the Passover.
5 ivo vakaita saizvozvo murenje reSinai panguva yorubvunzavaeni nezuva regumi namana romwedzi wokutanga. VaIsraeri vakaita zvose sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.
So they kept the Passover in the first month, on the fourteenth day of the month, at evening, in the waste land of Sinai: as the Lord gave orders to Moses, so the children of Israel did.
6 Asi vamwe vavo havana kupemberera Pasika nomusi iwoyo nokuti vakanga vasina kuchena nokuda kwechitunha. Saka vakauya kuna Mozisi naAroni musi iwoyo uye,
And there were certain men who were unclean because of a dead body, so that they were not able to keep the Passover on that day; and they came before Moses and before Aaron on that day:
7 vakati kuna Mozisi, “Isu tava vasina kuchena nokuda kwechitunha, asi tinodzivisirweiko kuvigira Jehovha chipiriso pamwe chete navamwe vaIsraeri panguva yakatarwa?”
And these men said to him, We have been made unclean by the dead body of a man; why may we not make the offering of the Lord at the regular time among the children of Israel?
8 Mozisi akavapindura akati, “Mirai kusvikira ndanzwa zvinorayirwa naJehovha pamusoro penyu.”
And Moses said to them, Do nothing till the Lord gives me directions about you.
9 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,
And the Lord said to Moses,
10 “Taurira vaIsraeri kuti: ‘Mumwe wenyu kana zvizvarwa zvenyu kana vasvibiswa nokuda kwechitunha uye kana kuti vari parwendo, naivowo vangapemberera Pasika yaJehovha.
Say to the children of Israel, If any one of you or of your families is unclean because of a dead body, or is on a journey far away, still he is to keep the Passover to the Lord:
11 Vanofanira kuipemberera nezuva regumi namana romwedzi wechipiri panguva dzorubvunzavaeni. Vanofanira kudya gwayana, pamwe chete nechingwa chisina mbiriso nomuriwo unovava.
In the second month, on the fourteenth day, in the evening, they are to keep it, taking it with unleavened bread and bitter-tasting plants;
12 Havafaniri kusiya chinhu kusvikira mangwanani kana kuvhuna mapfupa aro. Pavanopemberera Pasika, vanofanira kutevedza mitemo yose.
Nothing of it is to be kept till the morning, and no bone of it is to be broken: they are to keep it by the rules of the Passover.
13 Asi kana munhu akachena uye asiri parwendo akakundikana kupemberera Pasika, munhu uyo anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake nokuti haana kuvigira Jehovha chipiriso panguva yakatarwa. Munhu uyo achatakura zvivi zvake.
But the man who, not being unclean or on a journey, does not keep the Passover, will be cut off from his people: because he did not make the offering of the Lord at the regular time, his sin will be on him.
14 “‘Mutorwa agere pakati penyu anoda kupemberera Pasika yaJehovha anofanira kuita izvozvo maererano nemitemo nemirayiro yayo. Munofanira kuva nomutemo mumwe chete kumutorwa nokuna akaberekerwa munyika.’”
And if a man from another country is among you and has a desire to keep the Passover to the Lord, let him do as is ordered in the law of the Passover: there is to be the same rule for the man from another nation and for him who had his birth in the land.
15 Pazuva rakamiswa tabhenakeri, iyo Tende yeChipupuriro, gore rakaifukidza. Kubva panguva dzamadekwana kusvikira mangwanani, gore rakanga riri pamusoro petabhenakeri rakanga rakaita somoto.
And on the day when the House was put up, the cloud came down on it, on the Tent of witness; and in the evening there was a light like fire over the House till the morning.
16 Ndizvo zvarakaramba rakaita; gore rakaifukidza, uye usiku rairatidzika somoto.
And so it was at all times: it was covered by the cloud, and by a light as of fire by night.
17 Gore raiti kana rasimudzwa kubva pamusoro peTende, vaIsraeri vaifamba; pose paimira gore, vaIsraeri vaidzika musasa ipapo.
And whenever the cloud was taken up from over the House, then the children of Israel went journeying on; and in the place where the cloud came to rest, there the children of Israel put up their tents.
18 Pakurayira kwaJehovha, vaIsraeri vaifamba, uye pakurayira kwake, vaibva vadzika musasa.
At the order of the Lord the children of Israel went forward, and at the order of the Lord they put up their tents: as long as the cloud was resting on the House, they did not go away from that place.
19 Gore paraimira pamusoro petabhenakeri, ivo vairamba vakadzika musasa.
When the cloud was resting on the House for a long time the children of Israel, waiting for the order of the Lord, did not go on.
20 Dzimwe nguva gore raigara pamusoro petabhenakeri kwamazuva mashomanana chete; vaidzika musasa wavo sokurayira kwaJehovha uye pakurayira kwake, vaibva vafamba.
Sometimes the cloud was resting on the House for two or three days; then, by the order of the Lord, they kept their tents in that place, and when the Lord gave the order they went on.
21 Dzimwe nguva gore raingogara kubva panguva dzamadekwana kusvikira mangwanani, uye paraingosimuka mangwanani vaibva vafamba. Paingosimuka gore, angava masikati kana usiku, vaibva vafamba.
And sometimes the cloud was there only from evening to morning; and when the cloud was taken up in the morning they went on their journey again: or if it was resting there by day and by night, whenever the cloud was taken up they went forward.
22 Kana gore rikagara pamusoro petabhenakeri kwamazuva maviri kana mwedzi, kana gore rimwe chete, vaIsraeri vairamba vari mumusasa uye vasingafambi; asi kana rikasimuka ivo vaibva vafamba.
Or if the cloud came to rest on the House for two days or a month or a year without moving, the children of Israel went on waiting there and did not go on; but whenever it was taken up they went forward on their journey.
23 Sokurayira kwaJehovha, vaidzika musasa, uye sokurayira kwaJehovha, vaifamba. Vakateerera kurayira kwaJehovha, maererano nokurayira kwake kubudikidza naMozisi.
At the word of the Lord they put up their tents, and at the word of the Lord they went forward on their journey: they kept the orders of the Lord as he gave them by Moses.