< Numeri 8 >

1 Jehovha akati kuna Mozisi,
上主訓示梅瑟說:「
2 “Taura naAroni uti kwaari, ‘Kana uchimisa mwenje minonwe, inofanira kuvhenekera nzvimbo iri mberi kwechigadziko chomwenje.’”
你告訴亞郎說:你安放燈盞時,要使七盞燈光,光照燈台的前面。」
3 Aroni akaita saizvozvo; akamisa mwenje yakatarisa mberi kuchigadziko chomwenje, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.
亞郎就照樣做了:安放了燈盞,使燈光照耀燈台的前面,如上主對梅瑟所吩咐的。
4 Aya ndiwo magadzirirwo akanga akaitwa chigadziko chomwenje: Chakanga chakaitwa negoridhe rakapambadzirwa kubva pahwaro hwacho kusvikira pamaruva acho. Chigadziko chomwenje chakanga chakagadzirwa zvakanyatsofanana nomufananidzo wakanga waratidzwa Mozisi naJehovha.
這燈台是用金子打成的,從座到花朵都是打成的;梅瑟是照上主指示的式樣,製造了燈台。
5 Jehovha akati kuna Mozisi:
上主訓示梅瑟說:「
6 “Bvisa vaRevhi pakati pavamwe vaIsraeri ugovanatsa.
你由以色列子民中選出肋未人,並要潔淨他們。
7 Pakuvanatsa, unofanira kuita izvi: Sasa pamusoro pavo mvura yokuvachenesa; ipapo ugoita kuti vaveure miviri yavo yose vagosuka nguo dzavo, kuitira kuti vazvinatse.
為潔淨他們,你應這樣做:將取潔水灑在他們身上,命他們用刀剃全身,然後洗自己的衣服,使自己潔淨。
8 Uite kuti vatore hando duku nechipiriso chayo chezviyo choupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta, ipapo munofanira kutorazve imwe hando duku yechipiriso chechivi.
以後,他們應帶一隻公牛犢和同獻的素祭,即油調的細麵;你應另帶一頭公牛犢,為作贖罪祭;
9 Uuye navaRevhi mberi kweTende Rokusangana ugounganidza ungano yose yavaIsraeri.
領肋未人到會幕前,並召集以色列子民全會眾。
10 Unofanira kuuya navaRevhi pamberi paJehovha, uye vaIsraeri vanofanira kuisa maoko avo pamusoro pavo.
領肋未人到上主面前以後,以色列子民將自己的手放在肋未人身上,
11 Aroni anofanira kuisa vaRevhi pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira chinobva kuvaIsraeri, kuitira kuti vagadzirire kuita basa raJehovha.
亞郎就以搖禮把肋未人獻於上主面前,當作以色列子民的獻儀:這樣,他們纔可以行服事上主的事。
12 “Mushure mokunge vaRevhi vaisa maoko avo pamisoro yehando, ushandise imwe yacho sechipiriso chechivi kuna Jehovha uye imwe yacho sechipiriso chinopiswa, kuti uyananisire vaRevhi.
以後肋未人應按手在兩頭公牛犢頭上:一隻你要獻給上主作贖罪祭,一隻作全燔祭,為肋未人贖罪。
13 Uite kuti vaRevhi vamire pamberi paAroni navanakomana vake ipapo ugovakumikidza sechipiriso chokuninira kuna Jehovha.
你應使肋未人站在亞郎和他的兒子們面前,以搖禮把他們獻給上主。
14 Nenzira iyi unofanira kutsaura vaRevhi pakati pavamwe vaIsraeri, uye vaRevhi vachava vangu.
為此,你要由以色列子民中分出肋未人來,使他們屬於我。
15 “Mushure mokunge wanatsa vaRevhi nokuvakumikidza sechipiriso chokuninira, vanofanira kuuya kuzoita basa ravo paTende Rokusangana.
此後,肋未人纔可進入會幕服務。為此你應潔淨他們,以搖禮奉獻他們,
16 Ivo ndivo vaIsraeri vachapiwa zvachose kwandiri. Ndakavatora kuti vave vangu pachinzvimbo chamatangwe, vanakomana vokutanga vomukadzi mumwe nomumwe womuIsraeri.
因為他們是以色列子民中完全獻與我的人;我使他們歸於我。以代替以色列子民中一切開胎的首生,
17 Chibereko chose chokutanga chechikono muIsraeri, angava munhu kana chipfuwo, ndechangu. Pandakauraya matangwe ose muIjipiti, ndakazvitsaurira ivo kwandiri.
因為以色列子民中的一切首生,不拘是人是獸,都屬於我;自從我在埃及地擊殺了一切首生的那一日起,我就將他們祝聖歸屬於我。
18 Uye ndakatora vaRevhi panzvimbo yavanakomana veIsraeri vamatangwe.
我取了肋未人,替代以色列子民中的一切首生;
19 PavaIsraeri vose, ndakapa vaRevhi sezvipo kuna Aroni navanakomana vake kuti vaite basa paTende Rokusangana vakamirira vaIsraeri uye kuti vayananisire vaIsraeri kuti varege kuurayiwa nedenda pavanenge vaswedera kunzvimbo tsvene.”
我由以色列子民中委派了肋未人,作亞郎和他兒子們的屬下,為替代以色列子民在會幕內服務,為以色列子民贖罪,免得以色列子民因接近聖所而遭受災禍。」
20 Mozisi, Aroni neungano yose yeIsraeri vakaitira vaRevhi sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.
梅瑟、亞郎以及以色列子民全會眾,對肋未人就如此做了;上主關於肋未人怎樣吩咐了梅瑟,以色列子民就對他們怎樣做了。
21 VaRevhi vakazvinatsa vakasuka nguo dzavo. Ipapo Aroni akavaisa pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira akavayananisira kuti vanatswe.
肋未人潔淨了自己,洗了自己的衣服,亞郎遂以搖禮把他們獻在上主面前,亞郎並為他們贖了罪,使他們潔淨。
22 Shure kwaizvozvo, vaRevhi vakauya kuzoshanda basa ravo paTende Rokusangana vachitungamirirwa naAroni navanakomana vake. Vakaitira vaRevhi sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.
此後,肋未人纔進入會幕內,在亞郎和他的兒子們面前執行自己的職務。上主關於肋未人怎樣吩咐了,梅瑟就對他們怎樣做了。
23 Jehovha akati kuna Mozisi,
上主訓示梅瑟說:「
24 “Izvi ndizvo zvichaitwa navaRevhi: Vamwe vana makore makumi maviri namashanu kana anopfuura vachauya kuzoshanda basa paTende Rokusangana,
這是關於肋未人的法令:由二十五歲以上,應來服役,在會幕內工作;
25 asi kana vasvika makore makumi mashanu, vanofanira kuregedza basa ravo uye varege kuzoshandazve.
到了五十歲就退休,不再服役;
26 Vangabatsira havo hama dzavo kuita mabasa apaTende Rokusangana, asi ivo pachavo havafaniri kushanda basa. Zvino, izvi ndizvo zvaunofanira kurayira vaRevhi kuti vaite.”
以後在會幕內輔助自己的兄弟照管該遵守的事,自己卻不必服勞役。關於肋未人的職務,你應這樣安排。」

< Numeri 8 >