< Numeri 7 >
1 Mozisi akati apedza kumisa tabhenakeri, akaizodza akaitsaura pamwe chete nemidziyo yayo yose. Akazodzawo nokutsaura aritari nemidziyo yayo yose.
EIA hoi, I ka la a Mose i hoopau ai i ke kukulu ana i ka halelewa, a pau ia i ka poniia a me ka hoolaaia, oia a me na mea paahana a pau ona, o ke kuahu a me kona mau ipu a pau, a poni iho oia ia mau mea, a hoolaa hoi;
2 Ipapo vatungamiri veIsraeri, vakuru vedzimba avo vakanga vari vatungamiri vamarudzi vari vatariri vavaya vakanga vaverengwa, vakapa zvipiriso.
Alaila kaumaha aku la na luna o ka Iseraela, na luna o ka hale o ko lakou poe kupuna, o lakou na luna ohana, na mea i ku maluna o ka poe i heluia;
3 Vakauyisa sezvipiriso zvavo pamberi paJehovha, ngoro nhanhatu dzakafukidzirwa nenzombe gumi nembiri, nzombe kubva kumutungamiri mumwe nomumwe uye ngoro kubva kuvaviri vaviri. Izvi zvakaiswa pamberi petabhenakeri.
Lawe mai la lakou i ka lakou mau mohai imua o Iehova, i eono mau kaa i uhiia, a me na bipikauo he umikumamalua: hookahi kaa a na luna elua, a me ka bipi i pakahiia mai e kela mea keia mea: a lawe mai la lakou ia mau mea imua o ka halelewa.
4 Jehovha akati kuna Mozisi,
Olelo mai la o Iehova ia Mose, i mai la,
5 “Gamuchira izvi kubva kwavari kuti zvigoshandiswa mubasa paTende Rokusangana. Uzvipe kuvaRevhi maererano nebasa romunhu mumwe nomumwe.”
E lawe oe [ia mau mea] na lakou mai, i lilo ia e hana i ka hana o ka halelewa o ke anaina; a e haawi aku oe ia mau mea no na Levi, i kela kanaka keia kanaka e like me kana e hana'i.
6 Saka Mozisi akatora ngoro nenzombe akazvipa kuvaRevhi.
A lawe ae la o Mose i na kaa a me na bipi, a haawi aku la no na Levi.
7 Akapa kuvaGerishoni ngoro mbiri nenzombe ina, maererano nezvaidiwa pabasa ravo,
Haawi aku la ia i na kaa elua a me na bipi eha no na mamo a Geresona, e like me ka lakou mea e hana'i.
8 uye akapa ngoro ina nenzombe tsere kuvaMerari, maererano nezvaidiwa pabasa ravo. Vose vakanga vachirayirwa naItamari mwanakomana waAroni, muprista.
Eha na kaa me na bipi ewalu kana i haawi aku ai no na mamo a Merari, e like me ka lakou mea e hana'i, malalo o ka lima o Itamara ke keiki a Aarona ke kahuna.
9 Asi Mozisi haana kupa chinhu kuvanakomana vaKohati, nokuti vaifanira kutakura zvinhu zvitsvene pamapfudzi avo, iri ndiro raiva basa ravo.
Aole ia i haawi aku no na mamo a Kohata, no ka mea, o ka oihana o ke keenakapu i pili ia lakou, he mea ia e amo ai maluna o ko lakou mau poohiwi.
10 Aritari yakati yazodzwa, vatungamiri vakauya nezvipiriso zvavo zvokukumikidzwa kwayo vakazviisa pamberi pearitari.
Kaumaha aku la na luna i ka mohai hoolaa i ke kuahu, i ka la i poniia'i ia, a mohai aku la na luna i ka lakou mohai imua o ke kuahu.
11 Nokuti Jehovha akanga ati kuna Mozisi, “Zuva rimwe nerimwe, mutungamiri mumwe chete anofanira kuuya nechipiriso chake chokukumikidza aritari.”
Olelo mai la o Iehova ia Mose, E kaumaha lakou i ka lakou mohai, o kela luna keia luna i kona la iho, no ka hoolaa ana i ke kuahu.
12 Nashoni mwanakomana waAminadhabhi worudzi rwaJudha, ndiye akauya nechipiriso chake pazuva rokutanga.
A o ka mea nana i kaumaha aku i kaua mohai i ka la mua, oia o Nahesona ko keiki a Aminadaba, no ka ohana a Iuda:
13 Chipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, uye mbiya imwe chete yokusasa yesirivha yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, rimwe nerimwe rizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo;
A o kana mohai, hookahi ia pa kala, he haneri ia me kanakolu na sekela ma ke kau paona ana; hookahi bola kala, ho kanahiku na sekela, ma ka sekela o ke keenakapu, a ua piha ia mau mea a elua i ka palaoa i kawili pu ia me ka aila, i mohaiai:
14 dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuhwira;
Hookahi puna, he umi sekela gula, ua piha i ka mea ala:
15 hando duku imwe chete, gondobwe rimwe chete negwayana rimwe chete romukono wegore rimwe chete, zvechipiriso chinopiswa;
Hookahi bipikeikikane, hookahi hipakane, hookahi keikihipa o ka makahiki mua, i mohaikuni:
16 nhongo imwe chete yembudzi yechipiriso chechivi;
Hookahi keikikao i mohaihala:
17 uye nzombe mbiri, makondobwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chaiva chipiriso chaNashoni mwanakomana waAminadhabhi.
A no ka mohaihoomalu, elua bipi, elima hipakane, elima kaokane, elima hoi keikihipa o ka makahiki mua. Oia ka mohai a Nahesona ke keiki a Aminadaba.
18 Pazuva rechipiri, Netaneri mwanakomana waZuari, mutungamiri waIsakari, akauya nechipiriso chake.
I ka lua o ka la, mohai aku la o Netaneela ke keiki a Zuara, ka luna o ka Isakara.
19 Chipiriso chaakauya nacho chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, uye mbiya imwe chete yokusasa yesirivha yairema makumi manomwe amashekeri, zvose zviri zviviri zvaiva zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo, maererano neshekeri renzvimbo tsvene;
Kaumaha aku la ia i kana mohai, hookahi ia pa kala, he haneri a mo kanakolu na sekela ma ke kau paona ana, hookahi bola kala, he Kanahiku sekela ma ka sekela o ke keenakapu; ua piha ia mau mea a elua i ka palaoa i kawili pu ia me ka aila, i mohaiai:
20 dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuhwira;
Hookahi puna gula, he umi na sekela, ua piha i ka mea ala:
21 hando duku imwe chete, gondobwe rimwe chete nomukono wegwayana regore rimwe chete, zvechipiriso chinopiswa;
Hookahi keikibipikane, hookahi hipakane, hookahi keikihipa o ka makahiki mua, i mohaikuni:
22 nhongo imwe chete yembudzi yechipiriso chechivi;
Hookahi keikikao i mohaihala:
23 uye nzombe mbiri, makondobwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chaiva chipiriso chaNetaneri mwanakomana waZuari.
A no ka mohaihoomalu, i elua mau bipi, elima hipakane, elima kaokane, elima keikihipa o ka makahiki mua. Oia ka mohai a Netaneela ke keiki a Zuara.
24 Pazuva rechitatu, Eriabhi mwanakomana waHeroni, mutungamiri wavanhu vokwaZebhuruni, akauya nechipiriso chake.
I ke kolu o ka la, kaumaha aku la o Eliaba ke keiki a Helona, ka luna o na mamo a Zebuluna.
25 Chipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, uye mbiya imwe chete yokusasa yesirivha yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chechivi;
O kana mohai, hookahi ia pa kala, he haneri a me kanakolu sekela ma ke kau paona ana, hookahi bola kala, he kanahiku sekela, ma ka sekela o ke keenakapu; ua piha ia mau mea a elua i ka palaoa i kawili pu ia me ka aila, i mohaiai:
26 dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuhwira;
Hookahi puna gula, he umi sekela, ua piha i ka mea ala.
27 hando duku imwe chete, gondobwe rimwe chete nomukono wegwayana regore rimwe chete zvechipiriso chinopiswa;
Hookahi keikibipikane, hookahi hipakane, hookahi keikihipa o ka makahiki mua, i mohaikuni:
28 nhongo imwe chete yembudzi yechipiriso chechivi;
Hookahi keikikao i mohaihala:
29 uye nzombe mbiri, makondobwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chaiva chipiriso chaEriabhi mwanakomana waHeroni.
A no ka mohaihoomalu, elua bipikane, elima hipakane, elima kaokane, elima keikihipa o ka makahiki mua Oia ka mohai a Eliaba ke keiki a Helona.
30 Pazuva rechina, Erizuri mwanakomana waShedheuri, mutungamiri wavanhu vokwaRubheni, akauya nechipiriso chake.
I ka ha o ka la, kaumaha aku la o Elizura ke keiki a Sedeura, ka luna o na mamo a Reubena.
31 Chipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, nembiya imwe chete yokusasa yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo;
O kana mohai, hookahi pa kala, he haneri me ke kanakolu na sekela o ke kau paona ana, hookahi bola, he kanahiku na sekela, ma ka sekela o ke keenakapu; ua piha ia mau mea a elua i ka palaoa i kawili pu ia me ka aila, i mohaiai.
32 dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuhwira;
Hookahi puna gula, he umi na sekela, ua piha i ka mea ala.
33 hando duku imwe chete, gondobwe rimwe chete nomukono mumwe chete wegwayana regore rimwe chete zvechipiriso chinopiswa;
Hookahi keikibipikane, hookahi hipakane, hookahi keikihipa o ka makahiki mua, i mohaikuni;
34 nhongo yembudzi imwe chete yechipiriso chechivi;
Hookahi keikikao i mohaihala:
35 uye nzombe mbiri, makondobwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chaiva chipiriso chaErizuri mwanakomana waShedheuri.
A no ka mohaihoomalu, elua bipikane, elima hipakane, elima kaokane, elima keikihipa o ka makahiki mua. Oia ka mohai a Elizura ke keiki a Sedeura.
36 Pazuva rechishanu, Sherumieri mwanakomana waZurishadhai, mutungamiri wavanhu vokwaSimeoni akauya nechipiriso chake.
I ka lima o ka la, kaumaha aku la o Selumiela ke keiki a Zurisadai, ka luna o na mamo a Simeona.
37 Chipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yakanga ichirema mashekeri zana namakumi matatu, nembiya yesirivha yokusasa imwe chete yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo;
O kana mohai, hookahi ia pa kala, he haneri me kanakolu sekela o ke kau paona ana, hookahi bola kala, he kanahiku na sekela, ma ka sekela o ke keenakapu; ua piha ia mau mea a elua i ka palaoa i kawili pu ia me ka aila, i mohaiai.
38 dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuhwira;
Hookahi puna gula, he umi na sekela, ua piha i ka mea ala.
39 hando duku imwe chete, gondobwe rimwe chete uye mukono wegwayana mumwe chete wegore rimwe chete zvechipiriso chinopiswa;
Hookahi keikibipikane, hookahi hipakane, hookahi keikihipa o ka makahiki mua, i mohaikuni:
40 nhongo imwe chete yechipiriso chechivi;
Hookahi kaokeiki i mohaihala:
41 uye nzombe mbiri, makondobwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chaiva chipiriso chaSherumieri mwanakomana waZurishadhai.
A no ka mohaihoomalu, elua bipikane, elima hipakane, elima kaokane, elima keikihipa o ka makahiki mua. Oia ka mohai a Selumiela ke keiki a Zerusadai.
42 Pazuva rechitanhatu, Eriasafi mwanakomana waDheueri, mutungamiri wavanhu vokwaGadhi, akauya nechipiriso chake.
I ke ono o ka la, kaumaha aku la o Eliasapa ke keiki a Deuela, ka luna o na mamo a Gada.
43 Chipiriso chake chakanga chiri ndiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, nembiya yesirivha yokusasa yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo;
O kana mohai, hookahi ia ipu kala, he haneri me ke kanakolu na sekela ma ke kau paona ana, hookahi bola kala he kanahiku na sekela, ma ka sekela o ke keenakapu; ua piha ia mau mea a elua i ka palaoa i kawiliia me ka aila, i mohaiai:
44 dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuhwira;
Hookahi puna gula, he umi na sekela, ua piha i na mea ala:
45 hando duku imwe chete, gondobwe rimwe chete uye mukono mumwe chete wegwayana regore rimwe chete, zvechipiriso chinopiswa;
Hookahi keikibipikane, hookahi hipakane, hookahi keikihipa o ka makahiki mua, i mohaikuni.
46 nhongo imwe chete yembudzi yechipiriso chechivi;
Hookahi keikikao i mohaihala:
47 nenzombe mbiri, makondobwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chakanga chiri chipiriso chaEriasafi mwanakomana waDheueri.
A no ka mohaihoomalu, elua bipikane, elima hipakane, elima kaokane, elima keikihipa o ka makahiki mua Oia ka mohai a Eliasapa ke keiki a Deuela.
48 Pazuva rechinomwe, Erishama mwanakomana waAmihudhi, mutungamiri wavanhu vokwaEfuremu, akauya nechipiriso chake.
I ka hiku o ka la, kaumaha aku la o Elisama, ke keiki a Amihuda, ka luna o na mamo a Eperaima.
49 Chipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, uye mbiya yesirivha yokusasa imwe chete yairema mashekeri makumi manomwe zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo,
O kana mohai, hookahi pa kala, hookahi ia haneri a me ke kanakolu na sekela ma ke kau paona ana, hookahi bola kala, he kanahiku na sekela ma ka sekela o ke keenakapu; ua piha ia mau mea a elua i ka palaoa i kawili pu ia me ka aila, i mohaiai:
50 dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuhwira;
Hookahi puna gula, he umi na sekela, ua piha i ka mea ala:
51 hando duku imwe chete, gondobwe rimwe chete uye mukono wegwayana wegore rimwe chete, kuti zvive chipiriso chinopiswa;
Hookahi bipikeikikane, hookahi hipakane, hookahi keikihipa o ka makahiki mua, i mohaikuni:
52 nhongo yembudzi imwe chete yechipiriso chechivi;
Hookahi keikikao i mohaihala:
53 uye nzombe mbiri, makondobwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chakanga chiri chipiriso chaErishama mwanakomana waAmihudhi.
A no ka mohaihoomalu, elua bipikane, elima hipakane, elima kaokane, elima keikihipa o ka makahiki mua. Oia ka mohai a Elisama ke keiki a Amihuda.
54 Pazuva rorusere Gamarieri mwanakomana waPedhazuri, mutungamiri wavanhu vokwaManase akauya nechipiriso chake.
I ka walu o ka la, kaumaha aku la o Gamaliela ke keiki a Pedazura, ka luna o na mamo a Manase.
55 Chipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, nembiya yesirivha yokusasa imwe chete yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo;
O kana mohai, hookahi pa kala, hookahi haneri a me kanakolu na sekela o ke kau paona ana, hookahi bola kala, he kanahiku na sekela, ma ka sekela o ke keenakapu, ua piha ia mau mea a elua i ka palaoa i kawili pu ia me ka aila i mohaiai:
56 dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuhwira;
Hookahi puna gula, he umi na sekela, ua piha i ka mea ala:
57 hando duku imwe chete, gondobwe rimwe chete uye mukono mumwe chete wegwayana regore rimwe chete, sechipiriso chinopiswa;
Hookahi bipikeikikane, hookahi hipakane, hookahi keikihipa o ka makahiki mua, i mohaikuni:
58 nhongo yembudzi imwe chete yechipiriso chechivi;
Hookahi keikikao i mohaihala:
59 uye nzombe mbiri, makondobwe mashanu, nhongo shanu uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chakanga chiri chipiriso chaGamarieri mwanakomana waPedhazuri.
A no ka mohaihoomalu, elua bipikane, elima hipakane, elima kaokane, elima keikihipa o ka makahiki mua. Oia ka mohai a Gamaliela ke keiki a Pedazura.
60 Pazuva repfumbamwe, Abhidhani mwanakomana waGidheoni mutungamiri wavanhu vokwaBhenjamini, akauya nechipiriso chake.
I ka iwa o ka la, kaumaha aku la o Abidana ke keiki a Gideoni, ka luna o na mamo a Beniamina.
61 Chipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, uye nembiya yesirivha yokusasa yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo.
O kana mohai, hookahi pa kala, hookahi haneri a me ke kanakolu na sekela o ke kau paona ana, hookahi bola, he kanahiku na sekela ma ka sekela o ke keenakapu; ua piha ia mau mea a elua i ka palaoa i kawili pu ia me ka aila, i mohaiai:
62 Ndiro yegoridhe imwe chete yairema mashekeri gumi, izere nezvinonhuhwira;
Hookahi puna gula, he umi na sekela, ua piha i ka mea ala:
63 hando duku imwe chete, gondobwe rimwe chete uye mukono mumwe chete wegwayana regore rimwe chete, sechipiriso chinopiswa;
Hookahi keikibipikane, hookahi hipakane, hookahi hipakeiki o ka makahiki mua, i mohaikuni:
64 nhongo yembudzi imwe chete yechipiriso chechivi;
Hookahi keikikao i mohaihala:
65 uye nzombe mbiri makondobwe mashanu, nhongo dzembudzi shanu namakwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chakanga chiri chipiriso chaAbhidhani mwanakomana waGidheoni.
A no ka mohaihoomalu, elua bipikane, elima hipakane, elima kaokane, elima keikihipa o ka makahiki mua. Oia ka mohai a Abidana ke keiki a Gideoni.
66 Pazuva regumi, Ahiezeri mwanakomana waAmishadhai, mutungamiri wavanhu vokwaDhani, akauya nechipiriso.
I ka umi o ka la, kaumaha aku la o Ahiezera ke keiki a Amisadai, ka luna o na mamo a Dana.
67 Chipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, nembiya yesirivha yokusasa imwe chete yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo;
O kana mohai, hookahi ia pa kala, hookahi haneri a me ke kanakolu na sekela o ke kau paona ana, hookahi bola kala, he kanahiku na sekela, ma ka sekela o ke keenakapu; ua piha ia mau mea a elua i ka palaoa i kawili pu ia me ka aila, i mohaiai:
68 dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi rizere nezvinonhuhwira;
Hookahi puna gula, he umi sekela, ua piha i ka mea ala:
69 hando duku imwe chete, gondobwe rimwe chete nomukono mumwe chete wegwayana wegore rimwe chete, sechipiriso chinopiswa;
Hookahi bipikeikikane, hookahi hipakane, hookahi keikihipa o ka makahiki mua, i mohaikuni:
70 nhongo yembudzi imwe chete yechipiriso chechivi;
Hookahi keikikao i mohaihala:
71 uye nzombe mbiri, makondobwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi namakwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chakanga chiri chipiriso chaAhiezeri mwanakomana waAmishadhai.
A no ka mohaihoomalu, elua bipikane, elima hipakane, elima kaokane, elima keikihipa o ka makahiki mua. Oia ka mohai a Ahiezera ke keiki a Amisadai.
72 Pazuva regumi nerimwe, Pagieri mwanakomana waOkirani, mutungamiri wavanhu vokwaAsheri, akauya nechipiriso chake.
I ka umikumamakahi o ka la, i kaumaha aku ai o Pagiela, ke keiki a Okerana, ka luna o na mamo a Asera.
73 Chipiriso chake chakanga chiri chendiro imwe chete yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, nembiya yesirivha yokusasa imwe chete yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo;
O kana mohai, hookahi ia pa kala, hookahi haneri a me ke kanakolu na sekela o ke kau paona ana, hookahi bola kala, he kanahiku sekela, ma ka sekela o ke keenakapu; ua piha ia mau mea a elua i ka palaoa i kawili pu ia me ka aila, i mohaiai:
74 dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuhwira;
Hookahi puna gula, he umi na sekela, ua piha i ka mea ala:
75 hando duku imwe chete, gondobwe rimwe chete nomukono wegwayana wegore rimwe chete, kuti zvive chipiriso chinopiswa;
Hookahi keikibipikane, hookahi hipakane, hookahi keikihipa o ka makahiki mua, i mohaikuni:
76 nhongo yembudzi imwe chete yechipiriso chechivi;
Hookahi keikikao i mohaihala:
77 uye nzombe mbiri, makondobwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi namakwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chakanga chiri chipiriso chaPagieri mwanakomana waOkirani.
A no ka mohaihoomalu, elua bipikane, elima hipakane, elima kaokane, elima keikihipa o ka makahiki mua. Oia ka mohai a Pagiela ke keiki a Okerana.
78 Pazuva regumi namaviri, Ahira mwanakomana waEnani, mutungamiri wavanhu vokwaNafutari, akauya nechipiriso chake.
I ka umikumamalua o ka la, kaumaha aku la o Ahira ke keiki a Enana, ka luna o na mamo a Napetali.
79 Chipiriso chake chakanga chiri chendiro imwe chete yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, nembiya yesirivha yokusasa imwe chete yairema mashekeri makumi manomwe zvose zviri zviviri zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo;
O kana mohai, hookahi ia pa kala, hookahi haneri a me kanakolu na sekela o ke kau paona ana, hookahi bola kala, he kanahiku na sekela, ma ka sekela o ke keenakapu; ua piha ia mau mea a elua i ka palaoa i kawili pu ia me ka aila, i mohaiai:
80 dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuhwira;
Hookahi puna gula, he umi sekela, na piha i ka mea ala:
81 hando duku imwe chete, gondobwe rimwe chete uye nomukono wegwayana wegore rimwe chete, kuti zvive chipiriso chinopiswa;
Hookahi keikibipikane, hookahi hipakane, hookahi keikihipa o ka makahiki mua, i mohaikuni:
82 nhongo yembudzi imwe chete yechipiriso chechivi;
Hookahi keikikao i mohaihala:
83 uye nzombe mbiri, makondobwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi namakwayana makono mashanu egore rimwe chete kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chakanga chiri chipiriso chaAhira mwanakomana waEnani.
A no ka mohaihoomalu, elua bipikane, elima hipakane, elima kaokane, elima keikihipa o ka makahiki mua. Oia ka mohai a Ahira ke keiki a Enana.
84 Izvi ndizvo zvakanga zviri zvipiriso zvavatungamiri veIsraeri pakukumikidzwa kwearitari payakazodzwa; ndiro dzesirivha gumi nembiri, mbiya dzesirivha dzokusasa gumi nembiri namadhishi egoridhe gumi namaviri.
Oia ka hoolaa ana o ke kuahu, i ka la i poniia'i oia e na luna o ka Iseraela; he umikumamalua na pa kala, he umikumamalua na bola kala, he umikumamalua puna gula;
85 Ndiro imwe neimwe yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu uye mbiya imwe neimwe yokusasa yairema mashekeri makumi manomwe. Pamwe chete madhishi esirivha airema zviuru zviviri namazana mana amashekeri, maererano neshekeri renzvimbo tsvene.
Hookahi haneri a me ke kanakolu na sekela ke kau paona ana o kela ipu kala o keia ipu kala, he kanahiku na sekela o kela bola keia bola: o na ipu kala a pau, he elua tausani eha haneri na sekela, ma ka sekela o ke keenakapu.
86 Madhishi egoridhe gumi namaviri akanga azere nezvinonhuhwira airema mashekeri zana namakumi maviri.
O na puna gula he umikumamalua i piha i ka mea ala, he paumi na sekela, ma ka sekela o ke keenakapu: o ke gula a pau o na puna, he haneri a me ka iwakalua na sekela.
87 Uwandu hwezvipfuwo zvechipiriso chinopiswa pamwe chete hwaiti hando duku gumi nembiri, makondobwe gumi namaviri namakondobwe maduku egore rimwe chete gumi namaviri, pamwe chete nechipiriso chadzo chezviyo. Nhongo dzembudzi gumi nembiri dzakashandiswa pachipiriso chechivi.
O na bipikane a pau no ka mohaikuni, he umikumamalua na bipikane, o na hipakane he umikumamalua, o na keikihipa o ka makahiki mua, he umikumamalua, me ka lakou mohaiai: a o na keikikao no ka mohaihala, he umikumamalua.
88 Uwandu hwezvipfuwo zvechibayiro chokuwadzana pamwe chete hwaiti nzombe makumi maviri neina, makondobwe makumi matanhatu, nhongo dzembudzi makumi matanhatu namakondobwe maduku egore rimwe chete makumi matanhatu. Izvi ndizvo zvakanga zviri zvipiriso zvokukumikidzwa kwearitari shure kwokuzodzwa kwayo.
A o na bipikane a pau no ka mohaihoomalu, he iwakaluakumamaha na bipikane, he kanaono na hipakane, he kanaono na kaokane, he kanaono na keikihipa o ka makahiki mua. Oia ka hoolaa ana o ke kuahu mahope o kona poniia'na.
89 Mozisi akati apinda muTende Rokusangana kundotaura naJehovha, akanzwa inzwi richitaura naye richibva napakati pamakerubhi maviri pamusoro pechifukidzo cheareka yeChipupuriro. Uye akataura naye.
A i ko Mose komo ana iloko o ka halelewa o ke anaina e olelo aku ia ia, alaila lohe ae la ia i ka leo e olelo mai ana ia ia mailuna mai o ka noho aloha, o ka mea maluna o ka pahu kanawai, mawaena o na keruba elua: a i mai la oia ia ia.