< Numeri 7 >
1 Mozisi akati apedza kumisa tabhenakeri, akaizodza akaitsaura pamwe chete nemidziyo yayo yose. Akazodzawo nokutsaura aritari nemidziyo yayo yose.
Eso amoga Mousese da Hina Gode Ea Abula Diasu amo gaguli dagoloba, e da Abula Diasu amola ea hawa: hamosu liligi amola oloda amola ea hawa: hamosu liligi amoga susuligi sogadigili, Hina Godema momodale ligiagale ilegei.
2 Ipapo vatungamiri veIsraeri, vakuru vedzimba avo vakanga vari vatungamiri vamarudzi vari vatariri vavaya vakanga vaverengwa, vakapa zvipiriso.
Amalalu, fi ouligisu dunu (amo da Isala: ili fi amo ganodini ouligisu dunu esalu amola ilia da idili dedesu hou ouligisu),
3 Vakauyisa sezvipiriso zvavo pamberi paJehovha, ngoro nhanhatu dzakafukidzirwa nenzombe gumi nembiri, nzombe kubva kumutungamiri mumwe nomumwe uye ngoro kubva kuvaviri vaviri. Izvi zvakaiswa pamberi petabhenakeri.
ilia da Hina Godema ima: ne, liligi gaguli misi. Ilia da gaguli fula ahoasu gafeyale amola bulamagau fagoyale gaguli misi (amo da ouligisu dunu aduna da gaguli fula ahoasu afae amola ouligisu dunu afae afae da bulamagau afae afae gaguli misi). Ilia da amo liligi ianu, amola Hina Gode da Mousesema amane sia: i,
4 Jehovha akati kuna Mozisi,
5 “Gamuchira izvi kubva kwavari kuti zvigoshandiswa mubasa paTende Rokusangana. Uzvipe kuvaRevhi maererano nebasa romunhu mumwe nomumwe.”
“Amo liligi lale, bu Lifai dunuma ima. Ilia Abula Diasu ganodini hawa: hamoi bidi lama: ne defele, ilima ima.”
6 Saka Mozisi akatora ngoro nenzombe akazvipa kuvaRevhi.
Amaiba: le, Mousese da gaguli fula ahoasu amola bulamagau amo Lifai dunuma i.
7 Akapa kuvaGerishoni ngoro mbiri nenzombe ina, maererano nezvaidiwa pabasa ravo,
E da gaguli fula ahoasu aduna amola bulamagau biyaduyale amo Gesione fi ilima i.
8 uye akapa ngoro ina nenzombe tsere kuvaMerari, maererano nezvaidiwa pabasa ravo. Vose vakanga vachirayirwa naItamari mwanakomana waAroni, muprista.
E da gaguli fula ahoasu biyaduyale amola bulamagau godoane amo Milalai fi ilima i. E da Idama (Elane ea mano) amo hawa: hamosu huluane ouligima: ne sia: i.
9 Asi Mozisi haana kupa chinhu kuvanakomana vaKohati, nokuti vaifanira kutakura zvinhu zvitsvene pamapfudzi avo, iri ndiro raiva basa ravo.
Be Mousese da Gouha: de fi ilima gaguli fula ahoasu amola bulamagau hame i. Bai sema liligi amo ilia da ouligisu, amo ilia da gisawane fawane gaguli ahoasu.
10 Aritari yakati yazodzwa, vatungamiri vakauya nezvipiriso zvavo zvokukumikidzwa kwayo vakazviisa pamberi pearitari.
Amola Isala: ili ouligisu dunu da hahawane oloda modale ligiagama: ne, iasu liligi gaguli misi. Ilia da amo liligi oloda amoga ima: ne momagei dagoi ba: loba,
11 Nokuti Jehovha akanga ati kuna Mozisi, “Zuva rimwe nerimwe, mutungamiri mumwe chete anofanira kuuya nechipiriso chake chokukumikidza aritari.”
Hina Gode da Mousesema amane sia: i, “Ilima amane olelema, ‘Eso fagoyale gala amoga, eso afae afae, ouligisu dunu afae afae da ea iasu oloda modale ligiagale ilegema: ne’ sia: ma.”
12 Nashoni mwanakomana waAminadhabhi worudzi rwaJudha, ndiye akauya nechipiriso chake pazuva rokutanga.
Ilia da ilia iasu afae afae agoane i; Eso Fi Ouligisu 1 Yuda Na: iasione (Aminida: be egefe) 2 Isaga Nida: niele (Sua egefe) 3 Sebiulane Ilaia: be (Hilone egefe) 4 Liubene Elaise (Siendiua egefe) 5 Simiane Sieliumiele (Siulisia: dai egefe) 6 Ga: de Ilaiasa: fe (Diuele egefe) 7 Ifala: ime Ilisiama (Aminihade egefe) 8 Ma: na: se Gama: iliele (Bedase egefe 9 Bediamini Abaida: ne (Gidiouni egefe) 10 Da: ne Ahaisa (Amisia: dai egefe) 11 A: sie Ba: idiele (Ogela: ne egefe) 12 Na: fadalai Ahaila (Ina: ne egefe) Ilia huluane da iasu afae afae defele gaguli misi. Amo da, Silifa ofodo fonobahadi afae - ea dioi defei da 1.5 gilogala: me amola silifa ofodo bagade afae - ea dioi defei da 800 gala: me - ela afae afae da falaua amola susuligi (Gala: ine Iasu) amoga nabai galu. Gouliga hamoi ofodo afae - ea dioi defei da 110 gala: me. Amo da gabusiga: manoma amoga nabai galu. Bulamagau gawali waha debe agoai afae amola ode afae lai sibi mano afae, amo da Wadela: i Hou Dabe Ima: ne Iasu hamoma: ne. Goudi afae amo da Wadela: i Hou Gogolema: ne Olofoma: ne Iasu hamoma: ne. Amola bulamagau gawali aduna, sibi gawali biyale, goudi biyale amola ode afae lai sibi mano biyale gala amo da Hahawane Gilisili Olofele Gobele Salasu hamoma: ne gaguli misi.
13 Chipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, uye mbiya imwe chete yokusasa yesirivha yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, rimwe nerimwe rizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo;
14 dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuhwira;
15 hando duku imwe chete, gondobwe rimwe chete negwayana rimwe chete romukono wegore rimwe chete, zvechipiriso chinopiswa;
16 nhongo imwe chete yembudzi yechipiriso chechivi;
17 uye nzombe mbiri, makondobwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chaiva chipiriso chaNashoni mwanakomana waAminadhabhi.
18 Pazuva rechipiri, Netaneri mwanakomana waZuari, mutungamiri waIsakari, akauya nechipiriso chake.
19 Chipiriso chaakauya nacho chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, uye mbiya imwe chete yokusasa yesirivha yairema makumi manomwe amashekeri, zvose zviri zviviri zvaiva zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo, maererano neshekeri renzvimbo tsvene;
20 dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuhwira;
21 hando duku imwe chete, gondobwe rimwe chete nomukono wegwayana regore rimwe chete, zvechipiriso chinopiswa;
22 nhongo imwe chete yembudzi yechipiriso chechivi;
23 uye nzombe mbiri, makondobwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chaiva chipiriso chaNetaneri mwanakomana waZuari.
24 Pazuva rechitatu, Eriabhi mwanakomana waHeroni, mutungamiri wavanhu vokwaZebhuruni, akauya nechipiriso chake.
25 Chipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, uye mbiya imwe chete yokusasa yesirivha yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chechivi;
26 dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuhwira;
27 hando duku imwe chete, gondobwe rimwe chete nomukono wegwayana regore rimwe chete zvechipiriso chinopiswa;
28 nhongo imwe chete yembudzi yechipiriso chechivi;
29 uye nzombe mbiri, makondobwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chaiva chipiriso chaEriabhi mwanakomana waHeroni.
30 Pazuva rechina, Erizuri mwanakomana waShedheuri, mutungamiri wavanhu vokwaRubheni, akauya nechipiriso chake.
31 Chipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, nembiya imwe chete yokusasa yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo;
32 dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuhwira;
33 hando duku imwe chete, gondobwe rimwe chete nomukono mumwe chete wegwayana regore rimwe chete zvechipiriso chinopiswa;
34 nhongo yembudzi imwe chete yechipiriso chechivi;
35 uye nzombe mbiri, makondobwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chaiva chipiriso chaErizuri mwanakomana waShedheuri.
36 Pazuva rechishanu, Sherumieri mwanakomana waZurishadhai, mutungamiri wavanhu vokwaSimeoni akauya nechipiriso chake.
37 Chipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yakanga ichirema mashekeri zana namakumi matatu, nembiya yesirivha yokusasa imwe chete yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo;
38 dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuhwira;
39 hando duku imwe chete, gondobwe rimwe chete uye mukono wegwayana mumwe chete wegore rimwe chete zvechipiriso chinopiswa;
40 nhongo imwe chete yechipiriso chechivi;
41 uye nzombe mbiri, makondobwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chaiva chipiriso chaSherumieri mwanakomana waZurishadhai.
42 Pazuva rechitanhatu, Eriasafi mwanakomana waDheueri, mutungamiri wavanhu vokwaGadhi, akauya nechipiriso chake.
43 Chipiriso chake chakanga chiri ndiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, nembiya yesirivha yokusasa yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo;
44 dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuhwira;
45 hando duku imwe chete, gondobwe rimwe chete uye mukono mumwe chete wegwayana regore rimwe chete, zvechipiriso chinopiswa;
46 nhongo imwe chete yembudzi yechipiriso chechivi;
47 nenzombe mbiri, makondobwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chakanga chiri chipiriso chaEriasafi mwanakomana waDheueri.
48 Pazuva rechinomwe, Erishama mwanakomana waAmihudhi, mutungamiri wavanhu vokwaEfuremu, akauya nechipiriso chake.
49 Chipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, uye mbiya yesirivha yokusasa imwe chete yairema mashekeri makumi manomwe zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo,
50 dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuhwira;
51 hando duku imwe chete, gondobwe rimwe chete uye mukono wegwayana wegore rimwe chete, kuti zvive chipiriso chinopiswa;
52 nhongo yembudzi imwe chete yechipiriso chechivi;
53 uye nzombe mbiri, makondobwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chakanga chiri chipiriso chaErishama mwanakomana waAmihudhi.
54 Pazuva rorusere Gamarieri mwanakomana waPedhazuri, mutungamiri wavanhu vokwaManase akauya nechipiriso chake.
55 Chipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, nembiya yesirivha yokusasa imwe chete yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo;
56 dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuhwira;
57 hando duku imwe chete, gondobwe rimwe chete uye mukono mumwe chete wegwayana regore rimwe chete, sechipiriso chinopiswa;
58 nhongo yembudzi imwe chete yechipiriso chechivi;
59 uye nzombe mbiri, makondobwe mashanu, nhongo shanu uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chakanga chiri chipiriso chaGamarieri mwanakomana waPedhazuri.
60 Pazuva repfumbamwe, Abhidhani mwanakomana waGidheoni mutungamiri wavanhu vokwaBhenjamini, akauya nechipiriso chake.
61 Chipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, uye nembiya yesirivha yokusasa yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo.
62 Ndiro yegoridhe imwe chete yairema mashekeri gumi, izere nezvinonhuhwira;
63 hando duku imwe chete, gondobwe rimwe chete uye mukono mumwe chete wegwayana regore rimwe chete, sechipiriso chinopiswa;
64 nhongo yembudzi imwe chete yechipiriso chechivi;
65 uye nzombe mbiri makondobwe mashanu, nhongo dzembudzi shanu namakwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chakanga chiri chipiriso chaAbhidhani mwanakomana waGidheoni.
66 Pazuva regumi, Ahiezeri mwanakomana waAmishadhai, mutungamiri wavanhu vokwaDhani, akauya nechipiriso.
67 Chipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, nembiya yesirivha yokusasa imwe chete yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo;
68 dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi rizere nezvinonhuhwira;
69 hando duku imwe chete, gondobwe rimwe chete nomukono mumwe chete wegwayana wegore rimwe chete, sechipiriso chinopiswa;
70 nhongo yembudzi imwe chete yechipiriso chechivi;
71 uye nzombe mbiri, makondobwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi namakwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chakanga chiri chipiriso chaAhiezeri mwanakomana waAmishadhai.
72 Pazuva regumi nerimwe, Pagieri mwanakomana waOkirani, mutungamiri wavanhu vokwaAsheri, akauya nechipiriso chake.
73 Chipiriso chake chakanga chiri chendiro imwe chete yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, nembiya yesirivha yokusasa imwe chete yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo;
74 dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuhwira;
75 hando duku imwe chete, gondobwe rimwe chete nomukono wegwayana wegore rimwe chete, kuti zvive chipiriso chinopiswa;
76 nhongo yembudzi imwe chete yechipiriso chechivi;
77 uye nzombe mbiri, makondobwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi namakwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chakanga chiri chipiriso chaPagieri mwanakomana waOkirani.
78 Pazuva regumi namaviri, Ahira mwanakomana waEnani, mutungamiri wavanhu vokwaNafutari, akauya nechipiriso chake.
79 Chipiriso chake chakanga chiri chendiro imwe chete yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, nembiya yesirivha yokusasa imwe chete yairema mashekeri makumi manomwe zvose zviri zviviri zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo;
80 dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuhwira;
81 hando duku imwe chete, gondobwe rimwe chete uye nomukono wegwayana wegore rimwe chete, kuti zvive chipiriso chinopiswa;
82 nhongo yembudzi imwe chete yechipiriso chechivi;
83 uye nzombe mbiri, makondobwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi namakwayana makono mashanu egore rimwe chete kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chakanga chiri chipiriso chaAhira mwanakomana waEnani.
84 Izvi ndizvo zvakanga zviri zvipiriso zvavatungamiri veIsraeri pakukumikidzwa kwearitari payakazodzwa; ndiro dzesirivha gumi nembiri, mbiya dzesirivha dzokusasa gumi nembiri namadhishi egoridhe gumi namaviri.
Ouligisu dunu fagoyale gala da amo liligi oloda ilegema: ne gaguli misi. Liligi huluane gilisili da agoane ba: i. Silifa ofodo fonobahadi fagoyale amola silifa ofodo bagade fagoyale gala. Gilisili, ilia dioi defei ba: su da 27.6 gilogala: me; Gouliga hamoi ofodo fagoyale gala gabusiga: manoma amoga nabai. Ilia dioi defei huluane da 1.32 gilogala: me; Bulamagau gawali fagoyale gala, amola gala: ine amoga ilia da gilisili Wadela: i Hou Dabe Ima: ne gobele salasu hamosu; Goudi fagoyale gala, amo Wadela: i Hou Gogolema: ne Olofoma: ne gobele salasu hamoma: ne. Bulamagau gawali 24 agoane, sibi gawali 60 agoane, goudi 60 agoane amola ode afae lalelegei sibi mano 60 agoane (amo da Hahawane Gilisili OlofeleGobele salasu hamoma: ne gaguli misi.)
85 Ndiro imwe neimwe yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu uye mbiya imwe neimwe yokusasa yairema mashekeri makumi manomwe. Pamwe chete madhishi esirivha airema zviuru zviviri namazana mana amashekeri, maererano neshekeri renzvimbo tsvene.
86 Madhishi egoridhe gumi namaviri akanga azere nezvinonhuhwira airema mashekeri zana namakumi maviri.
87 Uwandu hwezvipfuwo zvechipiriso chinopiswa pamwe chete hwaiti hando duku gumi nembiri, makondobwe gumi namaviri namakondobwe maduku egore rimwe chete gumi namaviri, pamwe chete nechipiriso chadzo chezviyo. Nhongo dzembudzi gumi nembiri dzakashandiswa pachipiriso chechivi.
88 Uwandu hwezvipfuwo zvechibayiro chokuwadzana pamwe chete hwaiti nzombe makumi maviri neina, makondobwe makumi matanhatu, nhongo dzembudzi makumi matanhatu namakondobwe maduku egore rimwe chete makumi matanhatu. Izvi ndizvo zvakanga zviri zvipiriso zvokukumikidzwa kwearitari shure kwokuzodzwa kwayo.
89 Mozisi akati apinda muTende Rokusangana kundotaura naJehovha, akanzwa inzwi richitaura naye richibva napakati pamakerubhi maviri pamusoro pechifukidzo cheareka yeChipupuriro. Uye akataura naye.
Mousese da Hina Godema sia: musa: , Abula Diasu golili daloba, e da Hina Gode amo Ea Gousa: su Sema Gagili ea ga: lu gadodili liligi aduna ougia hamoi gala, amo elea dibidi amodili, ema dabe sia: neyabe nabi.