< Numeri 6 >
1 Jehovha akati kuna Mozisi,
BWANA alinena na Musa. Akamwabia,
2 “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana murume kana mukadzi akada kuita mhiko yakasarudzika, iyo mhiko yokuzvitsaurira kuna Jehovha somuNaziri,
'Nena na wana wa Israeli, uwaambie, 'Kama mume au mke ataweka nadhiri kwa BWANA kwa kiapo maalumu cha mnadhiri, ndipo atajiepusha na divai na vileo. hatakunywa siki itokanayo na divai.
3 anofanira kusanwa waini nezvimwe zvinodhaka uye haafaniri kunwa vhiniga yakaitwa newaini kana nezvimwe zvinonwiwa zvinodhaka. Haafaniri kunwa muto wamazambiringa, kana kudya mazambiringa, kana akaomeswa.
Asinywe kileo kitokanacho na siki au kilevi. Asinywe maji ya divai yeyote au kula zabibu mbichi wala zilizokauka.
4 Panguva yose youNaziri hwake, haafaniri kudya chinhu chipi zvacho chinobva pamuti womuzambiringa, dzingava mhodzi kana mateko zvawo.
Katika siku zote ambazo amejitenga kwa ajili yangu, asile chochote kinachotokana na zabibu, wala kitu chochote kitokanacho na makokwa hadi maganda.
5 “‘Mazuva ose okupika kwake kwokuzvitsaura hapana chisvo chichashandiswa kuveura musoro wake. Anofanira kuva mutsvene kusvikira nguva yokutsaurirwa kwake kuna Jehovha yapera; anofanira kurega bvudzi romusoro wake rirebe.
Wakati wote wa nadhiri yake, wembe usiipite kichwani mwake mpaka siku zake za nadhiri kwa BWANA zitimilike. Lazima ajitenge kwa BWANA. Ataziacha nywele zake zikue kichwani mwake.
6 Haafaniri kuswedera pachitunha mazuva ose aakazvitsaurira kuna Jehovha.
Wakati wote wa kujidhiri kwake kwa BWANA, asiikaribie maiti.
7 Kunyange kana baba vake chaivo, kana mai vake, kana mununʼuna kana hanzvadzi vafa, haafaniri kuzvisvibisa nokuda kwavo, nokuti chiratidzo chokuzvitsaurira kuna Mwari chiri pamusoro wake.
Asijinajisi kwa namna yeyote hata kama atakufa baba yake, mama, dada, au ndugu yake. Hii ni kwa sababu amejitenga kwa ajili ya Mungu, kama ambavyo kila mmoja anavyoweza kumuona kwa uerfu wa nywele zake.
8 Mutsvene kuna Jehovha pamazuva ake ose aakazvitsaura.
Wakati wote wa kujidhiri kwake atakuwa mtakatifu, alijitunza kwa ajili ya BWANA.
9 “‘Kana mumwe munhu akafa pakarepo iye ari ipapo, nokudaro akasvibisa bvudzi raakakumikidza, anofanira kuveura musoro wake nezuva rokunatswa kwake, iro zuva rechinomwe.
Ikitokea mtu amekufa ghafla pembeni yake na kukitia unajisi kichwa chake kitakatifu, ndipo atakaponyoa kichwa chake katika siku ya kujitakasa —Siku ya saba atanyoa kichwa chake.
10 Ipapo nezuva rorusere anofanira kuuya nenjiva mbiri kana twana tuviri twenjiva kumuprista ari pamusuo weTende Rokusangana.
Siku ya nane atamletea kuhani njiwa wawili au makinda mawili ya njiwa kwenye lango la hema ya kukutania.
11 Muprista anofanira kupa imwe yacho sechipiriso chechivi uye imwe yacho sechipiriso chinopiswa kuti amuyananisire nokuti iye akatadza paakava pedyo nechitunha. Anofanira kunatsa musoro wake nezuva iroro.
Naye kuhani atamtoa ndege mmoja kama sadaka ya dhambi na mwingine kama sadaka ya kuteketezwa. Hawa watafanyika sadaka ya upatanisho kwake kwa sababu atakuwa ametenda dhambi ya kuwa karibu na mfu. Atatakasika kichwa chake siku hiyo.
12 Anofanira kuzvikumikidza kuna Jehovha panguva yokuzvitsaura kwake uye anofanira kuuya nomukono wegwayana regore rimwe chete sechipiriso chemhosva.
Atajitenga kwa BWANA tena katika siku hizo za utakaso. Ataleta kondoo mume mwenye umri wa mwaka mmoja kama sadaka ya hatia. Zile siku zake kabla ya kunajisika hazitahesabiwa, kwa sababu kujiweka wakfu kwake kulinajisika.
13 “‘Zvino uyu ndiwo murayiro womuNaziri panopera nguva yokuzvitsaura kwake. Anofanira kuuyiswa kumusuo weTende Rokusangana.
Hii ndiyo sheria ya mnadhiri wakati wa muda wa kujidhiri unapokuwa umetimia. Ataletwa kwenye mlango wa hema ya kukutania.
14 Anofanira kupa kuna Jehovha chipiriso chake ipapo: mukono wegore rimwe chete wegwayana risina charingapomerwa kuti rive chipiriso chinopiswa, sheshe yegwayana regore rimwe chete isina kuremara kuti chive chipiriso chokuwadzana,
Ataleta sadaka yake kwa BWANA. Atatoa mwanakondoo mume wa mwaka mmoja asiye na hila kama sadaka ya kuteketezwa. Ataleta kondoo mke wa mwaka mmoja asiye na hila kama sadaka ya dhambi. Ataleta kondoo mume asiye na hila kama sadaka ya amani.
15 pamwe chete nechipiriso chezviyo nechipiriso chokunwa, uye dengu rechingwa chisina mbiriso, keke rakaitwa noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta, nezvingwa zvitete zvakazorwa mafuta.
Ataleta kikapu cha mikate iliyotengenezwa bila amira, mikate ya unga mwembamba iliyokandwa kwa mafuta, mikate ya kaki isiyo na amira iliyopakwa mafuta, pamoja na sadaka za unga na sadaka za vinywaji.
16 “‘Muprista anofanira kuuya nazvo pamberi paJehovha agoita chipiriso chechivi nechipiriso chinopiswa.
Kuhani atawaleta mbele za BWANA. Atazitoa hizo sadaka zake za dhambi na kuteketezwa.
17 Anofanira kuuyisa dengu rechingwa chisina mbiriso uye agobayira gondobwe sechipiriso chokuwadzana kuna Jehovha, pamwe chete nechipiriso chezviyo nechipiriso chinonwiwa.
Na kikapu cha mikate isiyowekwa amira, atamtoa yule kondoo mume kama sadaka ya amani kwa BWANA. Pia kuhani atatoa hiyo sadaka ya unga na sadaka ya vinywaji.
18 “‘Zvino pamusuo weTende Rokusangana, muNaziri anofanira kuveura bvudzi riya raakakumikidza. Anofanira kutora bvudzi iro agoriisa mumoto uri pasi pechibayiro chokuwadzana.
Mnadhiri atanyoa nywele zake kama ishara ya kujitenga kwa ajili ya Mungu kwenye mlango wa hema ya kukutania. Atazitoa nywele zake kichwani kwake na kuzichoma kwa moto ulio chini ya sadaka ya amani.
19 “‘Shure kwokunge muNaziri aveura bvudzi rokuzvikumikidza kwake, muprista anofanira kuisa mumaoko ake bandauko rakabikwa regondobwe, uye keke nechingwa chitete kubva mudengu, zvose zvakabikwa zvisina mbiriso.
Kuhani atachukua bega la kondoo mume lililotokoswa, na mkate usiotiwa amira toka kikapuni, na mkate mmoja wa kaki usiotiwa amira. Atauweka kwenye mikono ya Mnadhiri baada ya kuwa amenyoa nywele kwa ishara ya kujidhiri.
20 Ipapo muprista achazvininira pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira; izvi zvitsvene uye ndezvomuprista, pamwe chete nechipfuva chakaninirwa uye chidya chakakumikidzwa. Shure kwaizvozvo, muNaziri anganwa hake waini.
Kisha kuhani atavitikisa kuwa sadaka kwa BWANA, sehemu takatifu kwa kuhani, pamoja na kidari cha kutikiswa na paja lililotolewa kwa kwa kuhani. Baadaye, Mnadhiri anaweza kunywa divai.
21 “‘Uyu ndiwo murayiro womuNaziri anenge apikira chipiriso kuna Jehovha maererano nokuzvitsaura kwake pamusoro pezvimwe zvose zvaanenge achigona kupa. Anofanira kuzadzisa mhiko yaakaita, zviri maererano nomurayiro womuNaziri.’”
Hii ndiyo sheri ya Mnadhiri anayeapia sadaka yake kwa BWANA kwa ajili ya kujidhiri kwake. Chochote atakachotoa, lazima afanye kama alivyoapa, kuilinda ahadi yake kama ilivyoaniswa katika sheria ya Mnadhiri.
22 Jehovha akati kuna Mozisi,
Tena BWANA akanena na Musa, akasema,
23 “Udza Aroni navanakomana vake uti, ‘Munofanira kuropafadza vaIsraeri nomutoo uyu. Muti kwavari:
“nena na Harunu na wanawe. Uwaambie, 'mtawabariki wana wa Israeli kwa njia hii. Mtawaambia,
24 “‘Jehovha akuropafadzei uye akuchengetei;
BWANA na awabariki na kuwatunza.
25 Jehovha ngaapenyese chiso chake pamusoro penyu uye akunzwirei tsitsi;
BWANA na awaangazie nuru ya uso wake na awe mwenye neema kwenu.
26 Jehovha ngaarinzire chiso chake kwamuri uye akupei rugare.’”
BWANA na awatazame kwa neema na awape amani.'”
27 “Saka vachaisa zita rangu pamusoro pavaIsraeri, uye ndichavaropafadza.”
Ni kwa jinsi hii kwamba wanaweza kuwapa jina langu wana wa Israeli.”