< Numeri 6 >

1 Jehovha akati kuna Mozisi,
And Jehovah spake unto Moses, saying,
2 “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana murume kana mukadzi akada kuita mhiko yakasarudzika, iyo mhiko yokuzvitsaurira kuna Jehovha somuNaziri,
Speak unto the children of Israel, and say unto them, When either man or woman shall make a special vow, the vow of a Nazirite, to separate himself unto Jehovah,
3 anofanira kusanwa waini nezvimwe zvinodhaka uye haafaniri kunwa vhiniga yakaitwa newaini kana nezvimwe zvinonwiwa zvinodhaka. Haafaniri kunwa muto wamazambiringa, kana kudya mazambiringa, kana akaomeswa.
he shall separate himself from wine and strong drink; he shall drink no vinegar of wine, or vinegar of strong drink, neither shall he drink any juice of grapes, nor eat fresh grapes or dried.
4 Panguva yose youNaziri hwake, haafaniri kudya chinhu chipi zvacho chinobva pamuti womuzambiringa, dzingava mhodzi kana mateko zvawo.
All the days of his separation shall he eat nothing that is made of the grape-vine, from the kernels even to the husk.
5 “‘Mazuva ose okupika kwake kwokuzvitsaura hapana chisvo chichashandiswa kuveura musoro wake. Anofanira kuva mutsvene kusvikira nguva yokutsaurirwa kwake kuna Jehovha yapera; anofanira kurega bvudzi romusoro wake rirebe.
All the days of his vow of separation there shall no razor come upon his head: until the days be fulfilled, in which he separateth himself unto Jehovah, he shall be holy; he shall let the locks of the hair of his head grow long.
6 Haafaniri kuswedera pachitunha mazuva ose aakazvitsaurira kuna Jehovha.
All the days that he separateth himself unto Jehovah he shall not come near to a dead body.
7 Kunyange kana baba vake chaivo, kana mai vake, kana mununʼuna kana hanzvadzi vafa, haafaniri kuzvisvibisa nokuda kwavo, nokuti chiratidzo chokuzvitsaurira kuna Mwari chiri pamusoro wake.
He shall not make himself unclean for his father, or for his mother, for his brother, or for his sister, when they die; because his separation unto God is upon his head.
8 Mutsvene kuna Jehovha pamazuva ake ose aakazvitsaura.
All the days of his separation he is holy unto Jehovah.
9 “‘Kana mumwe munhu akafa pakarepo iye ari ipapo, nokudaro akasvibisa bvudzi raakakumikidza, anofanira kuveura musoro wake nezuva rokunatswa kwake, iro zuva rechinomwe.
And if any man die very suddenly beside him, and he defile the head of his separation; then he shall shave his head in the day of his cleansing, on the seventh day shall he shave it.
10 Ipapo nezuva rorusere anofanira kuuya nenjiva mbiri kana twana tuviri twenjiva kumuprista ari pamusuo weTende Rokusangana.
And on the eighth day he shall bring two turtle-doves, or two young pigeons, to the priest, to the door of the tent of meeting:
11 Muprista anofanira kupa imwe yacho sechipiriso chechivi uye imwe yacho sechipiriso chinopiswa kuti amuyananisire nokuti iye akatadza paakava pedyo nechitunha. Anofanira kunatsa musoro wake nezuva iroro.
and the priest shall offer one for a sin-offering, and the other for a burnt-offering, and make atonement for him, for that he sinned by reason of the dead, and shall hallow his head that same day.
12 Anofanira kuzvikumikidza kuna Jehovha panguva yokuzvitsaura kwake uye anofanira kuuya nomukono wegwayana regore rimwe chete sechipiriso chemhosva.
And he shall separate unto Jehovah the days of his separation, and shall bring a he-lamb a year old for a trespass-offering; but the former days shall be void, because his separation was defiled.
13 “‘Zvino uyu ndiwo murayiro womuNaziri panopera nguva yokuzvitsaura kwake. Anofanira kuuyiswa kumusuo weTende Rokusangana.
And this is the law of the Nazirite, when the days of his separation are fulfilled: he shall be brought unto the door of the tent of meeting:
14 Anofanira kupa kuna Jehovha chipiriso chake ipapo: mukono wegore rimwe chete wegwayana risina charingapomerwa kuti rive chipiriso chinopiswa, sheshe yegwayana regore rimwe chete isina kuremara kuti chive chipiriso chokuwadzana,
and he shall offer his oblation unto Jehovah, one he-lamb a year old without blemish for a burnt-offering, and one ewe-lamb a year old without blemish for a sin-offering, and one ram without blemish for peace-offerings,
15 pamwe chete nechipiriso chezviyo nechipiriso chokunwa, uye dengu rechingwa chisina mbiriso, keke rakaitwa noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta, nezvingwa zvitete zvakazorwa mafuta.
and a basket of unleavened bread, cakes of fine flour mingled with oil, and unleavened wafers anointed with oil, and their meal-offering, and their drink-offerings.
16 “‘Muprista anofanira kuuya nazvo pamberi paJehovha agoita chipiriso chechivi nechipiriso chinopiswa.
And the priest shall present them before Jehovah, and shall offer his sin-offering, and his burnt-offering:
17 Anofanira kuuyisa dengu rechingwa chisina mbiriso uye agobayira gondobwe sechipiriso chokuwadzana kuna Jehovha, pamwe chete nechipiriso chezviyo nechipiriso chinonwiwa.
and he shall offer the ram for a sacrifice of peace-offerings unto Jehovah, with the basket of unleavened bread: the priest shall offer also the meal-offering thereof, and the drink-offering thereof.
18 “‘Zvino pamusuo weTende Rokusangana, muNaziri anofanira kuveura bvudzi riya raakakumikidza. Anofanira kutora bvudzi iro agoriisa mumoto uri pasi pechibayiro chokuwadzana.
And the Nazirite shall shave the head of his separation at the door of the tent of meeting, and shall take the hair of the head of his separation, and put it on the fire which is under the sacrifice of peace-offerings.
19 “‘Shure kwokunge muNaziri aveura bvudzi rokuzvikumikidza kwake, muprista anofanira kuisa mumaoko ake bandauko rakabikwa regondobwe, uye keke nechingwa chitete kubva mudengu, zvose zvakabikwa zvisina mbiriso.
And the priest shall take the boiled shoulder of the ram, and one unleavened cake out of the basket, and one unleavened wafer, and shall put them upon the hands of the Nazirite, after he hath shaven [the head of] his separation;
20 Ipapo muprista achazvininira pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira; izvi zvitsvene uye ndezvomuprista, pamwe chete nechipfuva chakaninirwa uye chidya chakakumikidzwa. Shure kwaizvozvo, muNaziri anganwa hake waini.
and the priest shall wave them for a wave-offering before Jehovah; this is holy for the priest, together with the wave-breast and heave-thigh: and after that the Nazirite may drink wine.
21 “‘Uyu ndiwo murayiro womuNaziri anenge apikira chipiriso kuna Jehovha maererano nokuzvitsaura kwake pamusoro pezvimwe zvose zvaanenge achigona kupa. Anofanira kuzadzisa mhiko yaakaita, zviri maererano nomurayiro womuNaziri.’”
This is the law of the Nazirite who voweth, [and of] his oblation unto Jehovah for his separation, besides that which he is able to get: according to his vow which he voweth, so he must do after the law of his separation.
22 Jehovha akati kuna Mozisi,
And Jehovah spake unto Moses, saying,
23 “Udza Aroni navanakomana vake uti, ‘Munofanira kuropafadza vaIsraeri nomutoo uyu. Muti kwavari:
Speak unto Aaron and unto his sons, saying, On this wise ye shall bless the children of Israel: ye shall say unto them,
24 “‘Jehovha akuropafadzei uye akuchengetei;
Jehovah bless thee, and keep thee:
25 Jehovha ngaapenyese chiso chake pamusoro penyu uye akunzwirei tsitsi;
Jehovah make his face to shine upon thee, and be gracious unto thee:
26 Jehovha ngaarinzire chiso chake kwamuri uye akupei rugare.’”
Jehovah lift up his countenance upon thee, and give thee peace.
27 “Saka vachaisa zita rangu pamusoro pavaIsraeri, uye ndichavaropafadza.”
So shall they put my name upon the children of Israel; and I will bless them.

< Numeri 6 >