< Numeri 5 >

1 Jehovha akati kuna Mozisi,
خداوند به موسی فرمود:
2 “Rayira vaIsraeri kuti vabudise mumusasa ani zvake ane chirwere cheganda romuviri kana kuerera kupi zvako, kana akasvibiswa nokuda kwechitunha.
«به بنی‌اسرائیل دستور بده که تمام اشخاص جذامی و همهٔ کسانی را که عضو تناسلی‌شان جریان دائمی دارند و آنانی را که در اثر تماس با جنازه نجس شده‌اند، از اردوگاه بیرون کنند.
3 Uvabudise vose varume navakadzi zvimwe chetezvo; uvabudise kunze kwomusasa kuitira kuti varege kusvibisa musasa wavo, wandigere pakati pavo.”
خواه مرد باشند خواه زن، ایشان را بیرون کنند تا اردوگاه شما که من در آن ساکنم نجس نشود.»
4 VaIsraeri vakaita saizvozvo, vakavabudisa kunze kwomusasa. Vakaita sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.
قوم اسرائیل طبق دستور خداوند عمل کرده، این اشخاص را بیرون راندند.
5 Jehovha akati kuna Mozisi,
سپس خداوند به موسی فرمود:
6 “Uti kuvaIsraeri: ‘Kana murume kana mukadzi akakanganisira mumwe nenzira ipi zvayo uye saizvozvo akasava akatendeka kuna Jehovha, munhu uyo ane mhosva,
«این دستورها را به بنی‌اسرائیل بده: هر کس، چه مرد باشد چه زن، هرگاه به خداوند خیانت کرده، خسارتی به کسی وارد آورد،
7 uye anofanira kureurura chivi chaakaita. Anofanira kuripira zvizere mhosva yake, achiwedzera chikamu chimwe chete muzvishanu chayo agozvipa zvose kumunhu waakatadzira.
باید به گناه خود اعتراف نموده، علاوه بر جبران کامل خسارت، یک پنجم خسارت وارده را نیز به شخص خسارت دیده بپردازد.
8 Asi kana munhu uyo asina hama yepedyo uyo angapiwa zviri kuripirwa mhosva, muripo uyu ndowaJehovha uye unofanira kupiwa kumuprista, pamwe chete negondobwe rokumuyananisira.
ولی اگر شخصی که خسارت دیده است بمیرد و قوم و خویش نزدیکی نداشته باشد تا به او خسارت پرداخت شود، در آن صورت باید آن را برای خداوند به کاهن بپردازد. درضمن خطاکار باید یک قوچ نیز برای کفاره به کاهن بدهد.
9 Zvinotsaurwa zvose zvinopiwa navaIsraeri kumuprista zvichava zvake.
تمام هدایای مقدّس که بنی‌اسرائیل برای کاهن می‌آورند، مال کاهن خواهد بود.
10 Zvipo zvakatsaurwa zvomunhu mumwe nomumwe ndezvake iye pachake, asi zvaanopa kumuprista zvichava zvomuprista.’”
هر کاهنی می‌تواند تمام هدایای مقدّس را که می‌گیرد، برای خود نگه دارد.»
11 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,
و خداوند به موسی فرمود:
12 “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mukadzi womunhu akatsauka, akasava akatendeka kwaari,
«این دستورها را به بنی‌اسرائیل بده: اگر زنِ کسی از او برگشته، به وی خیانت ورزد،
13 akavata nomumwe murume, uye izvi zvikavanzwa kumurume wake uye kusvibiswa kwake kusati kwabatwa (sezvo pasina chapupu pamusoro pake uye asati abatwa achiita izvozvo),
و با مردی دیگر همبستر شود، ولی شوهرش یا کسی دیگر از این ماجرا آگاه نشود، آن زن خود را نجس ساخته، هرچند که شاهدی نبوده و او در حین عمل گرفتار نشده باشد.
14 uye murume wake akava neshanje mukati make uye akafungira mukadzi wake, uye iye mukadzi achinge akasvibiswa, kana dai akava neshanje uye achimufungira kunyange zvake iye asina kusvibiswa,
اگر شوهرش غیرتی شده، به زنش شک کند و بخواهد بداند زنش خود را نجس ساخته یا نه،
15 ipapo anofanira kutora mukadzi wake agoenda naye kumuprista. Anofanira kuendawo nechipiriso chechegumi cheefa youpfu hwebhari pachinzvimbo chake. Haafaniri kudira mafuta pamusoro pacho kana zvinonhuhwira pachiri, nokuti chipiriso chezviyo cheshanje, chipiriso chechiyeuchidzo chokurangaridza mhosva.
او باید برای روشن شدن حقیقت، زن خود را پیش کاهن بیاورد. در ضمن آن مرد باید یک کیلو آرد جو هم با خود بیاورد، ولی آن را با روغن یا کندر مخلوط نکند، چون این هدیهٔ بدگمانی است و برای تشخیص گناه تقدیم می‌شود.
16 “‘Muprista achamuuyisa agoita kuti amire pamberi paJehovha.
«کاهن، آن زن را به حضور خداوند بیاورد،
17 Ipapo anofanira kutora mvura tsvene mumudziyo wevhu agoisa guruva rinobva pauriri hwetabhenakeri mumvura.
و قدری آب مقدّس در کوزه‌ای سفالین بریزد و مقداری از غبار کف خیمۀ عبادت را با آن مخلوط کند.
18 Shure kwokunge muprista amisa mukadzi uyu pamberi paJehovha, achasunungura vhudzi rake agoisa mumaoko ake chipiriso chokuyeuchidza, chipiriso chezviyo cheshanje, muprista pachake akabata mvura inovava inouyisa chituko.
سپس زن را در حضور خداوند بر پا داشته، موی بافتهٔ سر او را باز کند و هدیهٔ بدگمانی را در دستهایش بگذارد تا معلوم شود که آیا بدگمانی شوهرش بجاست یا نه. کاهن در حالی که کوزهٔ آب تلخ لعنت را در دست دارد جلوی زن بایستد.
19 Ipapo muprista anofanira kuita kuti mukadzi uyu apike uye agoti kwaari, “Kana kusina mumwe murume akavata newe uye usina kumbotsauka ukava wakasvibiswa panguva yokuwanikwa kwako nomurume wako, mvura inovava iyi, iyo inouyisa kutukwa, ngairege kukukuvadza.
آنگاه از آن زن بخواهد قسم بخورد که بی‌گناه است و به او بگوید:”اگر غیر از شوهرت مرد دیگری با تو همبستر نشده است، و اگر در مدتی که زیر اقتدار شوهرت بوده‌ای، از شوهرت برنگشته‌ای و خود را نجس نساخته‌ای، از اثرات این آب تلخ لعنت مبرا باش.
20 Asi kana wakatsauka iwe wakawanikwa nomurume wako uye ukazvisvibisa nokuvata nomumwe murume pachinzvimbo chomurume wako,”
ولی اگر از او برگشته و به او خیانت کرده‌ای و با همبستر شدن با مردی دیگر خود را نجس ساخته‌ای…“
21 ipapo muprista anofanira kuisa mukadzi uyu pachituko ichi chemhiko achiti, “Jehovha ngaaite kuti vanhu vako vakutuke uye vakurambe paanoita kuti chidya chako chionde uye kuti dumbu rako rizvimbe.
«در اینجا کاهن زن را وادارد تا سوگندِ لعنت بخورد و به زن بگوید:”لعنت خداوند در میان قومت گریبانگیر تو شود و او رَحِمت را بخشکاند و شکمت را متورم سازد.
22 Mvura iyi inouyisa kutuka ngaipinde mumuviri wako kuitira kuti dumbu rako rizvimbe uye chidya chako chionde.” “‘Ipapo mukadzi anofanira kuti, “Ameni. Ngazviite saizvozvo.”
و این آبِ لعنت به بدن تو داخل شده شکمت را متورم سازد و رَحِمت را بخشکاند.“و زن باید بگوید:”آری، اینچنین شود.“
23 “‘Muprista anofanira kunyora zvituko izvi papepa ipapo agozvisuka mumvura inovava.
بعد کاهن این لعنتها را در یک طومار بنویسد و آنها را در آب تلخ بشوید.
24 Anofanira kunwisa mukadzi uyu mvura inovava, inouyisa kutukwa, uye mvura iyi ichapinda maari igouyisa kutambudzika nokuvaviwa.
سپس آن آب تلخ را به زن بدهد تا بنوشد.
25 Muprista anofanira kutora kubva mumaoko omukadzi chipiriso chezviyo cheshanje, agochininira pamberi paJehovha nokuchiuyisa kuaritari.
«سپس کاهن هدیهٔ بدگمانی را از دست زن بگیرد و آن را در حضور خداوند تکان داده، روی مذبح بگذارد.
26 Ipapo muprista anofanira kutora tsama yechipiriso chezviyo sechipiriso chokurangaridza agochipisa paaritari; shure kwaizvozvo, anofanira kunwisa mukadzi uyu mvura.
مشتی از آن را به عنوان نمونه روی آتش مذبح بسوزاند و بعد، از زن بخواهد آب را بنوشد.
27 Kana akazvisvibisa uye anga asina kutendeka kumurume wake, ipapo kana zvaitwa kuti anwe mvura inouyisa kutukwa, ichapinda maari igoita kuti arwadziwe zvikuru; dumbu rake richazvimba uye chidya chake chichaonda, uye achava akatukwa pakati pavanhu vokwake.
اگر او به شوهرش خیانت کرده باشد آب بر او اثر می‌کند و شکمش متورم شده، نازا می‌گردد و در میان قوم اسرائیل مورد لعنت قرار می‌گیرد
28 Kunyange zvakadaro hazvo, kana mukadzi uyo asina kuzvisvibisa uye akachena achasunungurwa pamhosva iyo uye achagona kubereka vana.
ولی اگر او پاک بوده و زنا نکرده باشد، به او آسیبی نمی‌رسد و می‌تواند حامله شود.
29 “‘Uyu, zvino ndiwo murayiro weshanje kana mukadzi atsauka, akazvisvibisa iye ari mukadzi womunhu,
«این است قانون بدگمانی در مورد زنی که شوهرش نسبت به وی بدگمان شده باشد.
30 uye kana murume akava neshanje nokuda kwokufungira mukadzi wake. Muprista anofanira kumumisa pamberi paJehovha agotevedza murayiro uyu wose kwaari.
همان‌طور که گفته شد در چنین موردی شوهر باید زن خود را به حضور خداوند بیاورد تا کاهن طی مراسمی قضیه را روشن سازد که آیا زن به شوهرش خیانت کرده یا نه.
31 Murume achange asina mhosva pakukanganisa kupi zvako, asi mukadzi achava nemhosva yechivi chake.’”
اگر زن مقصر شناخته شود، تاوان گناهش را پس خواهد داد، اما شوهرش در این مورد بی‌تقصیر خواهد بود، زیرا خود زن مسئول گناهش است.»

< Numeri 5 >