< Numeri 35 >

1 Pamapani eMoabhu pedyo neJorodhani uchibva mhiri kuJeriko, Jehovha akati kuna Mozisi,
And the LORD spoke to Moses in the plains of Moab by Jordan near Jericho, saying,
2 “Rayira vaIsraeri kuti vape vaRevhi maguta okuti vagare kubva panhaka ichatorwa navaIsraeri. Uye muvape mafuro akapoteredza maguta avo.
Command the children of Israel, that they give to the Levites of the inheritance of their possession cities to dwell in; and you shall give also to the Levites suburbs for the cities round about them.
3 Ipapo vachava namaguta okugara uye namafuro emombe dzavo, makwai nezvimwe zvipfuwo zvavo zvose.
And the cities shall they have to dwell in; and the suburbs of them shall be for their cattle, and for their goods, and for all their beasts.
4 “Mafuro akapoteredza maguta amunopa vaRevhi achasvitsa makubhiti chiuru chimwe chete kubva pamasvingo eguta.
And the suburbs of the cities, which you shall give to the Levites, shall reach from the wall of the city and outward a thousand cubits round about.
5 Uyere makubhiti zviuru zviviri nechokunze kweguta, kurutivi rwokumabvazuva, kurutivi rwezasi uyere makubhiti zviuru zviviri, uye kurutivi rwokumavirira makubhiti zviuru zviviri, uye nechokumusoro, makubhiti zviuru zviviri, guta riri pakati. Nzvimbo iyi ichava mafuro amaguta.
And you shall measure from without the city on the east side two thousand cubits, and on the south side two thousand cubits, and on the west side two thousand cubits, and on the north side two thousand cubits; and the city shall be in the middle: this shall be to them the suburbs of the cities.
6 “Maguta matanhatu pane auchapa vaRevhi achava outiziro, kuti munhu anenge auraya mumwe atizireko. Pamusoro paiwayo, muvape mamwe maguta makumi mana namaviri.
And among the cities which you shall give to the Levites there shall be six cities for refuge, which you shall appoint for the manslayer, that he may flee thither: and to them you shall add forty and two cities.
7 Maguta ose amunopa vaRevhi anofanira kuva makumi mana namasere, pamwe chete namafuro avo.
So all the cities which you shall give to the Levites shall be forty and eight cities: them shall you give with their suburbs.
8 Maguta amunopa vaRevhi kubva munyika inotorwa navaIsraeri anofanira kupiwa zvakaenzanirana nenhaka yorudzi rumwe norumwe: Utore maguta akawanda kubva kurudzi rune akawanda, asi utore mashoma kubva kurudzi rune mashoma.”
And the cities which you shall give shall be of the possession of the children of Israel: from them that have many you shall give many; but from them that have few you shall give few: every one shall give of his cities to the Levites according to his inheritance which he inherits.
9 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,
And the LORD spoke to Moses, saying,
10 “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mayambuka Jorodhani mapinda muKenani,
Speak to the children of Israel, and say to them, When you be come over Jordan into the land of Canaan;
11 musarudze mamwe maguta kuti ave outiziro, okuti munhu anenge auraya mumwe asingaiti nobwoni atizireko.
Then you shall appoint you cities to be cities of refuge for you; that the slayer may flee thither, which kills any person at unawares.
12 Achava nzvimbo dzoutiziro kubva kumutsivi, kuitira kuti munhu anopomerwa mhosva youmhondi arege kufa asati atongwa pamberi peungano.
And they shall be to you cities for refuge from the avenger; that the manslayer die not, until he stand before the congregation in judgment.
13 Maguta matanhatu amunopa aya achava maguta enyu outiziro.
And of these cities which you shall give six cities shall you have for refuge.
14 Mupe maguta matatu mhiri kwaJorodhani uye mamwe matatu muKenani kuti ave maguta outiziro.
You shall give three cities on this side Jordan, and three cities shall you give in the land of Canaan, which shall be cities of refuge.
15 Maguta matanhatu aya achava nzvimbo youtiziro yavaIsraeri, vatorwa kana vamwe vanhu vagere pakati pavo, kuitira kuti ani naani anenge auraya mumwe asingaiti nobwoni atizireko.
These six cities shall be a refuge, both for the children of Israel, and for the stranger, and for the sojourner among them: that every one that kills any person unawares may flee thither.
16 “‘Kana munhu akarova mumwe nesimbi akafa, iye imhondi; mhondi ichafanira kuurayiwa.
And if he smite him with an instrument of iron, so that he die, he is a murderer: the murderer shall surely be put to death.
17 Uye kana ani naani aine dombo muruoko rwake rinogona kuuraya, akarova mumwe munhu naro akafa, iye imhondi; mhondi inofanira kuurayiwa.
And if he smite him with throwing a stone, with which he may die, and he die, he is a murderer: the murderer shall surely be put to death.
18 Uye kana ani naani akange ane danda muruoko rwake rinogona kuuraya, uye akarova mumwe munhu akafa, iye imhondi; mhondi ichaurayiwa.
Or if he smite him with an hand weapon of wood, with which he may die, and he die, he is a murderer: the murderer shall surely be put to death.
19 Mutsivi weropa achauraya mhondi iyo; paanosangana naye, achamuuraya.
The revenger of blood himself shall slay the murderer: when he meets him, he shall slay him.
20 Kana ani zvake anga ane ruvengo kare akasundidzira mumwe kana kupotsera chimwe chinhu kwaari nobwoni iye akafa,
But if he thrust him of hatred, or hurl at him by laying of wait, that he die;
21 uye kana akamurova nechibhakera achimuvenga munhu uyo akafa, munhu iyeye anofanira kuurayiwa; munhu iyeye imhondi. Mutsivi weropa achauraya mhondi iyo paanosangana naye.
Or in enmity smite him with his hand, that he die: he that smote him shall surely be put to death; for he is a murderer: the revenger of blood shall slay the murderer, when he meets him.
22 “‘Asi kana panga pasina ruvengo mumwe akakaruka asundidzira mumwe kana kupotsera chimwe chinhu kwaari asingaiti nobwoni,
But if he thrust him suddenly without enmity, or have cast on him any thing without laying of wait,
23 kana anga asingamuoni, akapotsera dombo kwaari rinogona kumuuraya, uye iye akafa, ipapo sezvo anga asiri muvengi wake uye anga asingafungi kumukuvadza,
Or with any stone, with which a man may die, seeing him not, and cast it on him, that he die, and was not his enemy, neither sought his harm:
24 ungano inofanira kutonga pakati pake nomutsivi weropa maererano nemitemo iyi.
Then the congregation shall judge between the slayer and the revenger of blood according to these judgments:
25 Ungano inofanira kudzivirira munhu anopomerwa umhondi kubva pamutsivi weropa uye vachamudzosera kuguta routiziro uko kwaakanga atizira. Anofanira kugara ikoko kusvikira muprista mukuru afa, uyo akanga akazodzwa namafuta matsvene.
And the congregation shall deliver the slayer out of the hand of the revenger of blood, and the congregation shall restore him to the city of his refuge, where he was fled: and he shall abide in it to the death of the high priest, which was anointed with the holy oil.
26 “‘Asi kana uyo anopomerwa akangobuda kunze akadarika muganhu weguta routiziro, uko kwaakatizira,
But if the slayer shall at any time come without the border of the city of his refuge, where he was fled;
27 uye mutsivi weropa akamuwana ari kunze kweguta, mutsivi weropa achauraya muurayi uyu akasapiwa mhosva youmhondi.
And the revenger of blood find him without the borders of the city of his refuge, and the revenger of blood kill the slayer; he shall not be guilty of blood:
28 Muurayi anofanira kugara muguta rake routiziro kusvikira pakufa kwomuprista mukuru; anofanira kudzokera chete kunzvimbo yake kana muprista mukuru afa.
Because he should have remained in the city of his refuge until the death of the high priest: but after the death of the high priest the slayer shall return into the land of his possession.
29 “‘Izvi zvinofanira kuva murayiro wokutonga nawo kusvikira kumarudzi enyu ose anotevera, kwose kwamunogara.
So these things shall be for a statute of judgment to you throughout your generations in all your dwellings.
30 “‘Ani naani anouraya munhu anofanira kuurayiwa semhondi kana chete pane zvapupu. Asi hapafaniri kuva nomunhu anourayiwa kana pachingova nechapupu chimwe chete.
Whoever kills any person, the murderer shall be put to death by the mouth of witnesses: but one witness shall not testify against any person to cause him to die.
31 “‘Murege kugamuchira dzikinuro youpenyu hwemhondi, inofanira kufa. Anofanira kufa zvirokwazvo.
Moreover you shall take no satisfaction for the life of a murderer, which is guilty of death: but he shall be surely put to death.
32 “‘Murege kugamuchira dzikinuro yomunhu upi zvake akatiza kuguta routiziro nokudaro muchimutendera kudzokera kuti andogarazve munyika yake muprista mukuru asati afa.
And you shall take no satisfaction for him that is fled to the city of his refuge, that he should come again to dwell in the land, until the death of the priest.
33 “‘Murege kusvibisa nyika yamunogara. Kuteura ropa kunosvibisa nyika, uye nyika haingayananisirwi pamusoro peropa rakateurirwamo, asi chete neropa romunhu akariteura.
So you shall not pollute the land wherein you are: for blood it defiles the land: and the land cannot be cleansed of the blood that is shed therein, but by the blood of him that shed it.
34 Musasvibisa nyika yamugere uye yandinogara, nokuti ini Jehovha, ndigere pakati pavaIsraeri.’”
Defile not therefore the land which you shall inhabit, wherein I dwell: for I the LORD dwell among the children of Israel.

< Numeri 35 >