< Numeri 31 >

1 Jehovha akati kuna Mozisi,
さて主はモーセに言われた、
2 “Tsiva kuvaMidhiani zvavakaitira vaIsraeri. Shure kwaizvozvo uchandosanganiswa navanhu vako.”
「ミデアンびとにイスラエルの人々のあだを報いなさい。その後、あなたはあなたの民に加えられるであろう」。
3 Saka Mozisi akati kuvanhu, “Shongedzai vamwe varume vokwenyu nhumbi dzokurwa kuti vaende kundorwa navaMidhiani kuti vazadzise kutsiva kwaJehovha pamusoro pavo.
モーセは民に言った、「あなたがたのうちから人を選んで戦いのために武装させ、ミデアンびとを攻めて、主のためミデアンびとに復讐しなさい。
4 Endesai kuhondo varume chiuru kubva kurudzi rumwe norumwe rwavaIsraeri.”
すなわちイスラエルのすべての部族から、部族ごとに千人ずつを戦いに送り出さなければならない」。
5 Saka varume zviuru gumi nezviviri vakashongedzerwa kundorwa, chiuru chimwe kubva kurudzi rumwe norumwe, vakauyiswa vachibva kumhuri dzavaIsraeri.
そこでイスラエルの部族のうちから部族ごとに千人ずつを選び、一万二千人を得て、戦いのために武装させた。
6 Mozisi akavatuma kundorwa, chiuru kubva kurudzi rumwe norumwe, pamwe chete naFinehasi mwanakomana waEreazari muprista, uyo akatorawo nhumbi dzomunzvimbo tsvene nehwamanda dzokuridza pakutungamirira.
モーセは各部族から千人ずつを戦いにつかわし、また祭司エレアザルの子ピネハスに、聖なる器と吹き鳴らすラッパとを執らせて、共に戦いにつかわした。
7 Vakarwisa vaMidhiani, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha, vakauraya varume vose.
彼らは主がモーセに命じられたようにミデアンびとと戦って、その男子をみな殺した。
8 Vakaurayiwa pakati pavo ndiEvhi, Rekemu, Zuri, Huri naRebha, madzimambo mashanu avaMidhiani. Vakaurayawo nomunondo Bharamu mwanakomana waBheori.
その殺した者のほかにまたミデアンの王五人を殺した。その名はエビ、レケム、ツル、フル、レバである。またベオルの子バラムをも、つるぎにかけて殺した。
9 VaIsraeri vakatapa vakadzi vavaMidhiani navana vavo uye vakatora mombe dzose dzavaMidhiani, makwai nepfuma sezvinhu zvavakapamba.
またイスラエルの人々はミデアンの女たちとその子供たちを捕虜にし、その家畜と、羊の群れと、貨財とをことごとく奪い取り、
10 Vakapisa maguta ose avaMidhiani, pamwe chete nemisasa yavo yose.
そのすまいのある町々と、その部落とを、ことごとく火で焼いた。
11 Vakatora zvose zvavakapamba, nepfuma, pamwe chete navanhu uye nezvipfuwo,
こうして彼らはすべて奪ったものと、かすめたものとは人をも家畜をも取り、
12 vakauya nenhapwa, nepfuma uye nezvavakapamba kuna Mozisi naEreazari muprista, uye vaIsraeri vakaungana pamisasa yavo pamapani eMoabhu, paJorodhani uchibva mhiri kuJeriko.
その生けどった者と、かすめたものと、奪ったものとを携えて、エリコに近いヨルダンのほとりのモアブの平野の宿営におるモーセと祭司エレアザルとイスラエルの人々の会衆のもとへもどってきた。
13 Mozisi, Ereazari navatungamiri vose veungano vakabuda kuti vandosangana navo kunze kwomusasa.
ときにモーセと祭司エレアザルと会衆のつかさたちはみな宿営の外に出て迎えたが、
14 Mozisi akatsamwira machinda ehondo, vatungamiri vezviuru navatungamiri vamazana, vakadzoka kuhondo.
モーセは軍勢の将たち、すなわち戦場から帰ってきた千人の長たちと、百人の長たちに対して怒った。
15 Akavabvunza akati, “Ko, makatendera vakadzi vose kuti vararame here?
モーセは彼らに言った、「あなたがたは女たちをみな生かしておいたのか。
16 Ndivo vakanga vachitevera zano raBharamu uye ndivo vakatsausa vaIsraeri kubva kuna Jehovha pane zvakaitika paPeori, naizvozvo denda rikauya pamusoro pavanhu vaJehovha.
彼らはバラムのはかりごとによって、イスラエルの人々に、ペオルのことで主に罪を犯させ、ついに主の会衆のうちに疫病を起すに至った。
17 Zvino chiurayai vakomana vose. Uye muuraye mukadzi mumwe nomumwe akavata nomurume,
それで今、この子供たちのうちの男の子をみな殺し、また男と寝て、男を知った女をみな殺しなさい。
18 asi muzvisiyire musikana mumwe nomumwe asina kuvata nomurume.
ただし、まだ男と寝ず、男を知らない娘はすべてあなたがたのために生かしておきなさい。
19 “Imi mose makauraya ani zvake kana kubata ani zvake akaurayiwa, munofanira kugara kunze kwomusasa kwamazuva manomwe. Pazuva rechitanhatu nezuva rechinomwe, munofanira kuzvinatsa imi nenhapwa dzenyu.
そしてあなたがたは七日のあいだ宿営の外にとどまりなさい。あなたがたのうちすべて人を殺した者、およびすべて殺された者に触れた者は、あなたがた自身も、あなたがたの捕虜も共に、三日目と七日目とに身を清めなければならない。
20 Munatse nguo imwe neimwe pamwe chete nezvose zvakaitwa namatehwe, mvere dzembudzi kana makushe ehwai.”
またすべての衣服と、すべての皮の器と、すべてやぎの毛で作ったものと、すべての木の器とを清めなければならない」。
21 Ipapo Ereazari muprista akati kuvarwi vakanga vaenda kuhondo, “Hezvino zvinodikanwa
祭司エレアザルは戦いに出たいくさびとたちに言った、「これは主がモーセに命じられた律法の定めである。
22 pamurayiro wakapiwa Mozisi naJehovha: goridhe, sirivha, ndarira, simbi, tini, mutobvu
金、銀、青銅、鉄、すず、鉛など、
23 nezvimwewo zvisingaparadzwi nomoto; zvinofanira kuiswa mumoto, ipapo zvichava zvakanaka. Asi zvinofanirawo kucheneswa nemvura yokunatsa. Uye zvose zvisingagoni kukunda moto zvinofanira kupinzwa nomumvura imomo.
すべて火に耐える物は火の中を通さなければならない。そうすれば清くなるであろう。なおその上、汚れを清める水で、清めなければならない。しかし、すべて火に耐えないものは水の中を通さなければならない。
24 Pazuva rechinomwe musuke nguo dzenyu, ipapo muchava vakachena. Ipapo mungazochipinda henyu mumusasa.”
あなたがたは七日目に衣服を洗わなければならない。そして清くなり、その後宿営にはいることができる」。
25 Jehovha akati kuna Mozisi,
主はモーセに言われた、
26 “Iwe naEreazari muprista navakuru vemhuri veungano munofanira kuverenga vanhu vose nezvipfuwo zvakapambwa.
「あなたと祭司エレアザルおよび会衆の氏族のかしらたちは、その生けどった人と家畜の獲物の総数を調べ、
27 Mugovere zvakapambwa pakati pavarwi vakaenda kuhondo uye navakasara muungano.
その獲物を戦いに出た勇士と、全会衆とに折半しなさい。
28 Kubva kuvarwi vakanga vandorwa kuhondo, utsaure somutero waJehovha chinhu chimwe chete pazvinhu mazana mashanu, vangava vanhu, mombe, mbongoro, makwai kana mbudzi.
そして戦いに出たいくさびとに、人または牛、またはろば、または羊を、おのおの五百ごとに一つを取り、みつぎとして主にささげさせなさい。
29 Utore mutero uyu kubva pahafu yavo yomugove wavo ugopa kuna Ereazari muprista somugove waJehovha.
すなわち彼らが受ける半分のなかから、それを取り、主にささげる物として祭司エレアザルに渡しなさい。
30 Kubva kuhafu inova yavaIsraeri, utsaure chinhu chimwe chete kubva pamakumi mashanu oga oga, vangava vanhu, mombe, mbongoro, makwai, mbudzi kana zvimwe zvipfuwo. Uzvipe kuvaRevhi, ivo vane basa rokuchengeta tabhenakeri yaJehovha.”
またイスラエルの人々が受ける半分のなかから、その獲た人または牛、またはろば、または羊などの家畜を、おのおの五十ごとに一つを取り、主の幕屋の務をするレビびとに与えなさい」。
31 Saka Mozisi naEreazari muprista vakaita sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.
モーセと祭司エレアザルとは主がモーセに命じられたとおりに行った。
32 Zvakatapwa zvakasara pane zvavakapamba zvakanga zvatorwa navarwi zvaisvika zviuru mazana matanhatu namakumi manomwe nezvishanu zvamakwai,
そこでその獲物、すなわち、いくさびとたちが奪い取ったものの残りは羊六十七万五千、
33 mombe zviuru makumi manomwe nezviviri,
牛七万二千、
34 mbongoro zviuru makumi matanhatu nechiuru chimwe chete
ろば六万一千、
35 uye vakadzi zviuru makumi matatu nezviviri vakanga vasina kumbovata navarume.
人三万二千、これはみな男と寝ず、男を知らない女であった。
36 Hafu yomugove wavaya vakarwa muhondo yaiva: makwai zviuru mazana matatu namakumi matatu nezvinomwe, namazana mashanu,
そしてその半分、すなわち戦いに出た者の分は羊三十三万七千五百、
37 mutero waJehovha paari wakanga uri makwai mazana matanhatu namakwai manomwe namashanu;
主にみつぎとした羊は六百七十五。
38 mombe dzaisvika zviuru makumi matatu nezvitanhatu, mutero waJehovha padziri waiva mombe makumi manomwe nembiri;
牛は三万六千、そのうちから主にみつぎとしたものは七十二。
39 mbongoro dzaiva zviuru makumi matatu namazana mashanu, mutero waJehovha padziri wakanga uri mbongoro makumi matanhatu neimwe chete;
ろばは三万五百、そのうちから主にみつぎとしたものは六十一。
40 vanhu vaisvika zviuru gumi nezvitanhatu, mutero waJehovha pavari waiva vanhu makumi matatu navaviri.
人は一万六千、そのうちから主にみつぎとしたものは三十二人であった。
41 Mozisi akapa mutero kuna Ereazari muprista somugove waJehovha, sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.
モーセはそのみつぎを主にささげる物として祭司エレアザルに渡した。主がモーセに命じられたとおりである。
42 Hafu yakanga iri yavaIsraeri, yakatsaurwa naMozisi kubva kuvarume vehondo,
モーセが戦いに出た人々とは別にイスラエルの人々に与えた半分、
43 hafu yeungano yaiva makwai zviuru mazana matatu namakumi matatu namanomwe, namazana mashanu,
すなわち会衆の受けた半分は羊三十三万七千五百、
44 mombe zviuru makumi matatu, nezvitanhatu,
牛三万六千、
45 mbongoro dzaiva zviuru makumi matatu, namazana mashanu
ろば三万五百、
46 uye vanhu vaiva zviuru gumi nezvitanhatu.
人一万六千であって、
47 Kubva pahafu yaiva yavaIsraeri, Mozisi akatsaura munhu mumwe chete kubva pavanhu makumi mashanu, chipfuwo chimwe chete kubva pazvipfuwo makumi mashanu, sezvakarayirwa naJehovha, akazvipa kuvaRevhi, vakanga vane basa rokuchengeta tabhenakeri yaJehovha.
モーセはイスラエルの人々の受けた半分のなかから、人および獣をおのおの五十ごとに一つを取って、主の幕屋の務をするレビびとに与えた。主がモーセに命じられたとおりである。
48 Ipapo machinda akanga ari vatariri vamapoka ehondo, vatungamiri vezviuru navatungamiri vamazana vakaenda kuna Mozisi
時に軍勢の将であったものども、すなわち千人の長たちと百人の長たちとがモーセのところにきて、
49 vakati kwaari, “Varanda venyu vaverenga varwi vari pasi pedu, hapana kana mumwe chete asipo.
モーセに言った、「しもべらは、指揮下のいくさびとを数えましたが、われわれのうち、ひとりも欠けた者はありませんでした。
50 Saka tauya nechipo kuna Jehovha chezvishongo zvegoridhe zvakawanikwa nomumwe nomumwe wedu, zvishongo zvegoridhe, mhete dzomumaoko, mhete dzomunzeve nouketani hwomumutsipa kuti tizviyananisire pamberi paJehovha.”
それで、われわれは、おのおの手に入れた金の飾り物、すなわち腕飾り、腕輪、指輪、耳輪、首飾りなどを主に携えてきて供え物とし、主の前にわれわれの命のあがないをしようと思います」。
51 Mozisi naEreazari muprista vakagamuchira kubva kwavari goridhe, zvinhu zvose zvakanga zvakaitwa noumhizha.
モーセと祭司エレアザルとは、彼らから細工を施した金の飾り物を受け取った。
52 Goridhe rose rakabva kuvatungamiri vezviuru navatungamiri vamazana rakapiwa kuna Jehovha naMozisi naEreazari muprista rairema mashekeri zviuru gumi nezvitanhatu, namazana manomwe namakumi mashanu.
千人の長たちと百人の長たちとが、主にささげものとした金は合わせて一万六千七百五十シケル。
53 Murwi mumwe nomumwe akanga azvitorera zvake zvakapambwa.
いくさびとは、おのおの自分のぶんどり物を獲た。
54 Mozisi naEreazari muprista vakagamuchira goridhe rakabva kuvatungamiri vezviuru nokuvatungamiri vamazana vakariisa muTende Rokusangana kuti chive chirangaridzo chavaIsraeri pamberi paJehovha.
モーセと祭司エレアザルとは、千人の長たちと百人の長たちとから、その金を受け取り、それを携えて会見の幕屋に入り、主の前に置いてイスラエルの人々のために記念とした。

< Numeri 31 >