< Numeri 29 >

1 “‘Pazuva rokutanga romwedzi wechinomwe, muite ungano tsvene uye murege kubata basa ramazuva ose. Izuva rokuti muridze hwamanda.
Katika siku ya kwanza, ya mwezi wa saba, mtakuwa na kusanyiko takatifu la kumwabudu BWANA. Katika siku hiyo hamtafanya kazi zenu za kila siku. Itakuwa siku ya kupiga matarumbeta.
2 Munofanira kugadzirira Jehovha chipiriso chinopiswa chehando imwe chete duku, gondobwe rimwe chete uye makwayana makono manomwe egore rimwe chete, ose asina kuremara, zvive zvinonhuhwira zvinofadza pamberi paJehovha.
Mtatoa sadaka ya kuteketezwa ya kufanya harufu nzuri kwa BWANA. Mtatoa sadaka ya fahari mchanga, kondoo dume mmoja na wanakondoo dume saba wa mwaka mmoja, kila mmoja mkamilifu.
3 Mugadzire pamwe chete nehando duku chipiriso chezviyo chezvikamu zvitatu mugumi zveefa yeupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa pamwe chete namafuta, negondobwe, zvikamu zviviri mugumi;
Pamoja na hao mtatoa sadaka ya unga, unga mwembamba uliochanganywa na mafuta, sehemu tatu za kumi za efa kwa ajili ya huyo fahari, sehemu mbili za kumi kwa ajili ya huyo kondoo mume,
4 pamwe chete nerimwe nerimwe ramakwayana manomwe, chikamu chimwe chete mugumi.
na sehemu ya kumi ya kila hao wanakondoo waume saba.
5 Muisewo nhongo imwe chete yembudzi sechipiriso chechivi kuti muzviyananisire.
Na mtatoa beberu mmoja kuwa sadaka ya dhambi ili kufanya upatanisho kwa ajili yenu.
6 Izvi zviri kupamhidzirwa pamusoro pezvipiriso zvinopiswa zvomwedzi nomwedzi, nezvezuva nezuva uye nezvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvokunwa sokurongwa kwazvo. Ndizvo zvipiriso zvinoitirwa Jehovha nomoto, zvinonhuhwira zvinofadza.
Toeni hizo sadaka katika mwezi wa saba kama nyongeza ya sadaka mtakazotoa kila mwanzo wa kila mwezi: pamoja na sadaka maalumu za kuteketezwa na sadaka za unga. Hizi zitakuwa nyongeza za sadaka za kuteketezwa za kila siku, na sadaka zake za unga, na sadaka zake za vinywaji. Utakapokuwa ukiendelea na sadaka hizi, utakuwa ukitii kile kilichoamriwa kutoa harufu nzuri, sadaka iliyotengenezwa kwa moto kwa BWANA.
7 “‘Pazuva regumi romwedzi wechinomwe munofanira kuita ungano tsvene. Munofanira kuzviramba uye murege kubata basa.
Siku ya kumi ya mwezi wa saba, mtakuwa na kusanyiko takatifu la kumwabudu BWANA. Mtajinyeneyekeza na hamtafanya kazi.
8 Mupe chibayiro chinopiswa chehando duku yegore rimwe chete kuna Jehovha sezvinonhuhwira zvinofadza: hando imwe chete negondobwe rimwe chete uye namakwayana makono manomwe egore rimwe chete, zvisina kuremara.
Mtatoa sadaka ya kuteketezwa ili kutoa harufu nzuri kwa BWANA. Mtatoa fahari mmoja mchanga ili kutoa harufu nzuri, kondoo mmoja mume, na wanakondoo saba waume wa mwaka mmoja. Wote wakamilifu.
9 Mugadzire pamwe chete nehando, chipiriso chezviyo chezvikamu zvitatu mugumi zveefa youpfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta; pamwe chete negondobwe, zvikamu zviviri mugumi;
Pamoja na sadaka hizo utatoa sadaka ya unga, unga mwembamba uliochanganywa na mafuta, sehemu tatu za kumi za efa kwa ajili ya fahari, sehemu mbili za kumi za kondoo dume mmoja,
10 uye parimwe nerimwe ramakwayana manomwe, chikamu chimwe chete mugumi.
na sehemu ya kumi ya efa moja kwa kila mwanakondoo wale saba.
11 Muisewo nhongo yembudzi sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chechivi chokuyananisira uye nechibayiro chinopiswa chamazuva ose nechipiriso chacho chezviyo, uye nezvipiriso zvazvo zvokunwa.
Mtatatoa beberu mmoja kuwa sadaka ya upatanisho. Hii itakuwa sadaka ya nyongeza ya upatanisho, ya sadaka ya kila siku ya kuteketezwa, pamoja na sadaka za unga, na sadaka zake za vinywaji.
12 “‘Pazuva regumi namashanu romwedzi wechinomwe, muite ungano tsvene uye musaita basa ramazuva ose. Muite mutambo wokupemberera Jehovha kwamazuva manomwe.
Siku ya kumi na tano ya mwezi wa saba, mtakuwa na kusanyiko takatifu lakumwabudu BWANA. Siku hiyo hamtafanya kazi za kila siku, na mtazitunza hizo sikukuu kwa muda wa siku saba kwa ajili ya BWANA.
13 Muuye nechibayiro chinopiswa kuti chive chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha, chibayiro chinopiswa chehando duku gumi nenhatu, makondobwe maviri namakwayana makono gumi namana egore rimwe chete, ose asina kuremara.
Mtatoa sadaka ya kuteketezwa, sadaka iliyotengenezwa kwa moto ilikutoa harufu nzuri kwa BWANA. Mtatoa mafahari wachanga kumi na tatu, kondoo waume wawili, na wanakondoo waume kumi na nne wa mwaka mmoja. Wote wakamilifu.
14 Mugadzire chipiriso chezvikamu zvitatu mugumi zveefa youpfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta pamwe chete neimwe neimwe yehando duku gumi nenhatu; pamwe chete nerimwe nerimwe ramakondobwe maviri, zvikamu zviviri mugumi,
Pamoja na hao mtatoa sadaka ya unga, unga mwembaba uliochanganywa na mafuta, sehemu tatu za kumi za efa kwa kila fahari katika hao kumi na tatu, sehemu mbili za kumi kwa kila hao kondoo dume wawili,
15 uye pamwe chete nerimwe nerimwe ramakwayana gumi namana, chikamu chimwe chete mugumi.
na sehemu ya kumi ya efa ya hao wanakondoo kumi na nne.
16 Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, pamusoro pechipiriso chinopiswa nechipiriso chacho chezviyo nechipiriso chokunwa.
Mtatoa beberu mmoja kuwa sadaka ya dhambi katika nyongeza ya sadaka ya kuteketezwa, sadaka yake ya unga, pamoja na sadaka za vinywaji.
17 “‘Pazuva rechipiri mugadzire hando duku gumi nembiri, makondobwe maviri uye makwayana makono gumi namana egore rimwe, zvose zvisina kuremara.
Siku ya pili ya kusanyiko, mtatoa mafahari kumi na mbili, kondoo dume wawili na wanakondoo dume kumi na mbili wa umri wa mwaka mmoja, wote wakamilifu.
18 Mugadzire nehando, namakondobwe uye namakwayana, zvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvinonwiwa maererano nouwandu hwakarayirwa.
Pamoja nao mtatoa sadaka ya unga, na sadaka ya vinywaji kwa ajili ya wale mafahari, kondoo dume, na kwa ajili ya wale wanakondoo, mkitoa sadaka nyingi kama ilvyoamriwa.
19 Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho uye nezvipiriso zvazvo zvokunwa.
Mtatoa beberu mmoja kuwa sadaka ya dhambi kuwa nyongeza ya sadaka za kila siku, sadaka yake ya unga, na sadaka zake za vinywaji.
20 “‘Pazuva rechitatu, mugadzire hando gumi neimwe, makondobwe maviri uye namakwayana makono gumi namana egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara.
Siku ya tatu ya kusanyiko, mtatoa sadaka mafahari kumi na moja, kondoo dume wawili, na wanakondoo dume kumi na nne wa umri wa mwaka mmoja, wakamilifu.
21 Mugadzire pamwe chete nehando, makondobwe, uye namakwayana, zvipiriso zvazvo zvezviyo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa.
Pamoja na hizo sadaka mtatoa sadaka ya unga na sdaka ya vinywaji kwa wale mafahari, kwa wale kondoo dume, na kwa wale wanakondoo, utoe sadaka nyingi kama ilivyoamriwa.
22 Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho chezviyo uye nechipiriso chokunwa.
Mtatoa sadaka beberu mmoja kuwa sadaka ya dhambi kama nyongeza ya zile sadaka za kila siku, na sadaka zake za unga, na sadaka zake za vinywaji.
23 “‘Pazuva rechina, mugadzire hando gumi, makondobwe uye makwayana gumi namana egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara.
Siku ya nne ya kusanyiko, mtatoa mafahari kumi, kondoo dume wawili, na wanakondoo dume kumi na nne wa mwaka mmoja, wakamilifu.
24 Pamwe chete nehando, namakondobwe, namakwayana, mugadzire zvipiriso zvazvo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa.
Pamoja na sadaka hizo mtatoa sadaka za unga na sdaka za vinywaji kwa wale mafahari, na kwa wale kondoo dume na kwa wale wanakodoo, mtatoa sadaka nyingi kama ilivyoamriwa.
25 Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose nechipiriso chacho chezviyo, uye nechipiriso chokunwa.
Mtatoa beberu mmoja kuwa sadaka ya dhambi kuwa nyongeza ya sadaka za kuteketezwa za kila siku, sadaka zake za unga, na sadaka zake za vinywaji
26 “‘Pazuva rechishanu, mugadzire hando pfumbamwe, makondobwe maviri uye namakwayana makono gumi namana egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara.
Siku ya tano ya kusanyiko, mtatoa mafahari tisa, kondoo dume wawili, na wanakondoo dume kumi na nne wa mwaka mmoja, wakamilifu.
27 Pamwe chete nehando, makondobwe namakwayana, mugadzire zvipiriso zvazvo zvezviyo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa.
Pamoja na sadaka hizo mtatoa sadaka za unga na sadaka ya vinywaji kwa ajili ya wale mafahari, kondoo dume, na wale wanakondoo, mkitoa sdaka nyingi kama ilivyoamriwa.
28 Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose nechipiriso chacho chezviyo uye nechipiriso chokunwa.
Mtatoa beberu mmoja kuwa sadaka ya dhambi kama nyongeza ya sadaka za kuteketezwa za kila siku, na sadaka zake za unga, na sadaka za vinywaji.
29 “‘Pazuva rechitanhatu, mugadzire hando sere, makondobwe maviri uye makwayana makono egore rimwe chete, gumi namana, zvose zvisina kuremara.
Siku ya sita ya kusanyiko, mtatoa mafahari wanane, kondoo dume wawili, na wanakondoo kumi na nne wa mwaka mmoja, wakamilifu.
30 Pamwe chete nehando, namakondobwe uye namakwayana mugadzire zvipiriso zvazvo zvezviyo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa.
Pamoja na sadaka hizo mtatoa sadaka za unga nasadaka za vinywaji kwa wale mafahari, kondoo wa dume na wale wanakondoo, mkitoa sadaka nyingi kama ilivyoamriwa.
31 Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho chezviyo uye nechipiriso chokunwa.
Mtatoa beberu kuwa sadaka ya dhambi kama nyongeza ya sadaka za kila siku za kuteketezwa, sadaka zadaka zake za unga, na sadaka zake za vinywaji.
32 “‘Pazuva rechinomwe, mugadzire hando nomwe, makondobwe maviri uye makwayana makono gumi namana egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara.
Siku ya saba ya kusanyiko, mtatoa mafahari saba, kondoo dume saba, na wanakondoo dume kumi na nne wa mwaka mmoja, wakamilifu.
33 Pamwe chete nehando, makondobwe namakwayana mugadzire zvipiriso zvazvo zvezviyo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa.
Pamoja nao mtataengeneza sadaka ya unga na sadaka ya vinywaji kwa ajili ya wale mafahari, na kondoo dume, na kwa wale wanakondoo, mkitoa sadaka nyingi kama ilivyoamriwa.
34 Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho chezviyo uye chipiriso chokunwa.
Mtatoa beberu mmoja kuwa sadaka ya dhambi kama nyongeza ya sadaka ya kuteketezwa ya kila siku, na sadaka yake ya unga, na sadaka yake ya vinywaji.
35 “‘Pazuva rorusere, unganai uye murege kuita basa ramazuva ose.
Siku ya nane mtakuwa na kusanyiko lingine makini. Hamtafanya kazi zenu za kila siku.
36 Mupe chibayiro chinopiswa nomoto chive chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha, chibayiro chinopiswa chehando imwe chete, gondobwe rimwe chete namakwayana makono manomwe egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara.
Mtafanya sadaka za kuteketezwa, sadaka iliyotengenezwa kwa moto ili kutoa harufu nzuri kwa BWANA. Mtatoa fahari mmoja, kondoo mmoja dume, na wanakondoo saba dume wa umri wa mwaka mmoja, wakamilifu.
37 Mugadzire hando, gondobwe namakwayana, zvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvinonwiwa, maererano nouwandu hwakarayirwa.
Mtatoa sadaka zake za unga na sadaka zake za vinywaji kwa ajili ya yule fahari, kondoo dume, na kwa wale wanakondoo, mkifanya sadaka nyingi kadri ilivyoamriwa.
38 Muisewo nhongo imwe chete yembudzi sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho chezviyo uye nechipiriso chokunwa.
Mtatoa beberu mmoja kuwa sadaka ya dhambi kama nyongeza ya sadaka za kila siku, na sadaka zake za unga, na sadaka zake za vinywaji.
39 “‘Kupamhidzira pamusoro pezvamakapika uye zvipo zvokupa nokuzvisarudzira, mugadzirire Jehovha izvi pamitambo yenyu yakatarwa: zvipiriso zvenyu zvinopiswa, zvipiriso zvezviyo, zvipiriso zvokunwa uye nezvipiriso zvokuwadzana.’”
Hivi ndivyo utakavyotoa sadaka kwa BWANA katika sikukuu zenu za kila mwaka. Hivi vitakuwa nyongeza ya viapo vyenu na sadaka zenu za hiari. Mtavitoa hivi kama sadaka zenu za kuteketezwa, sadaka za unga, sadaka za vinywaji, na sadaka za amani.”
40 Mozisi akataurira vaIsraeri zvose zvaakarayirwa naJehovha.
Musa aliwaambia wana wa Israeli kila kitu ambacho BWANA alikuwa amemwamuru kusema.

< Numeri 29 >