< Numeri 28 >

1 Jehovha akati kuna Mozisi,
Og HERREN talede til Moses og sagde:
2 “Upe murayiro uyu kuvaIsraeri, uti kwavari, ‘Onai kuti maisa pamberi pangu panguva yakatarwa, zvokudya zvangu zvezvipiriso zvinoitwa nomoto, sezvinonhuhwira zvinondifadza.’
Byd Israeliterne og sig til dem: I skal omhyggeligt bringe mig mine Oergaver, min Ildofferspise til en liflig Duft, til de fastsatte Tider!
3 Uti kwavari: ‘Ichi ndicho chipiriso chakaitwa nomoto chamunofanira kupa kuna Jehovha: makwayana maviri egore rimwe chete asina kuremara, sechipiriso chinopiswa chamazuva ose, zuva rimwe nerimwe.
Og sig til dem: Dette er det Ildoffer, I skal bringe HERREN: Hver Dag to årgamle, lydefri Lam som dagligt Brændoffer;
4 Ugadzire gwayana rimwe chete mangwanani uye rimwe racho panguva yamadekwana,
det ene Lam skal du ofre om Morgenen, det andet ved Aftenstid;
5 pamwe chete nechipiriso chezviyo, chegumi cheefa youpfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa nechikamu chimwe chete muzvina chehini yamafuta omuorivhi akasvinwa.
og som Afgrødeoffer dertil en Tiendedel Efa fint Hvedemel, rørt i en Fjerdedel Hin Olie af knuste Frugter
6 Ichi ndicho chipiriso chinopiswa chamazuva ose chakatarwa paGomo reSinai kuti chive munhuwi unonhuhwira zvinofadza, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.
det er det daglige Brændoffer, som ofredes ved Sinaj Bjerg til en liflig Duft, et Ildoffer for HERREN
7 Panobayirwa gwayana rimwe nerimwe, chipiriso chokunwa chinopiwa panguva imwe cheteyo chinofanira kuva chikamu chimwe chete muzvina chehini, chezvinonhuhwira zvakaviriswa. Udurure chipiriso chinonwiwa kuna Jehovha panzvimbo tsvene.
fremdeles som Drikoffer dertil en Fjerdedel Hin Vin for hvert Lam; i Helligdommen skal derudgydes Drikoffer af stærk Drik for HERREN.
8 Ugadzire gwayana rechipiri panguva dzamadekwana, pamwe chete nechipiriso chezviyo nechipiriso chinonwiwa, zvakafanana nezvamangwanani. Ichi ndicho chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha.
Det andet Lam skal du ofre ved Aftenstid; med samme Afgrødeoffer og Drikoffer som om Morgenen skal du ofre det, et Ildoffer til en liflig Duft for HERREN.
9 “‘Nomusi weSabata, muite chipiriso chamakwayana maviri egore rimwe chete asina kuremara, pamwe chete nechipiriso chacho chokunwa, uye nechipiriso chezviyo chezvegumi zviviri zveefa youpfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta.
På Sabbatsdagen skal det være to årgamle, lydefri Lam og som Afgrødeoffer to Tiendedele Efa fint Hvedemel, rørt i Olie, med tilhørende Drikoffer,
10 Ichi ndicho chipiriso chinopiswa cheSabata rimwe nerimwe, pamusoro pechipiriso chinopiswa chamazuva ose uye nechipiriso chacho chinonwiwa.
et Sabbatsbrændoffer på hver Sabbat foruden det daglige Brændoffer med tilhørende Drikofer.
11 “‘Nomusi wokutanga womwedzi woga woga, mupe kuna Jehovha chipiriso chehando duku mbiri, gondobwe rimwe chete namakwayana makono manomwe egore rimwe chete, ose asina kuremara.
På den første Dag i hver Måned skal I som Brændoffer bringe HERREN to unge Tyre, en Væder og syv årgamle Lam, lydefri Dyr,
12 Pamwe chete nehando imwe neimwe, panofanira kuva nechipiriso chezviyo chezvegumi zviviri zveefa yeupfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta;
og som Afgrødeoffer dertil for hver Tyr tre Tiendedele Efa fint Hvedemel, rørt i Olie, som Afgrødeoffer for hver Væder to Tiendedele Efa fint Hvedemel, rørt i Olie,
13 uye negwayana rimwe nerimwe, chipiriso chezviyo chechegumi cheefa yeupfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta. Izvi ndizvo zvinoitwa pachipiriso chinopiswa, chinonhuhwira zvinofadza, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.
og som Afgrødeoffer for hvert Lam en Tiendedel Efa fint Hvedemel, rørt i Olie, et Brændoffer til en liflig Duft, et Ildoffer for HERREN;
14 Pamwe chete nehando imwe neimwe, panofanira kuva nechipiriso chokunwa chehafu yehini yewaini; pamwe chete negondobwe, chikamu chimwe chete kubva muzvitatu chehini; uye pamwe chete negwayana rimwe nerimwe, chikamu chimwe chete muzvina chehini. Ichi ndicho chipiriso chinopiswa chomwedzi mumwe nomumwe chinofanira kupiwa pakugara kwomwedzi mumwe nomumwe pagore.
desuden de tilhørende Drikofre, en halv Hin Vin for hver Tyr, en Tredjedel Hin for hver Væder og en Fjerdedel Hin for hvert Lam. Det er det månedlige Brændoffer for hver af Årets Måneder.
15 Pamusoro pechipiriso chinopiswa chamazuva ose nechipiriso chacho chokunwa, nhongo imwe chete inofanira kupiwa sechipiriso chechivi kuna Jehovha.
Tillige skal der foruden det daglige Brændoffer ofres HERREN en Gedebuk som Syndoffer med tilhørende Drikoffer.
16 “‘Pazuva regumi namana romwedzi wokutanga munofanira kuita Pasika yaJehovha.
På den fjortende Dag i den første Måned skal dervære Påske for HERREN.
17 Pazuva regumi namana romwedzi uyu, munofanira kuita mutambo; kwamazuva manomwe munofanira kudya chingwa chisina mbiriso.
Den femtende Dag i den Måned er det Højtid; i syv Dage skal der spises usyrede Brød.
18 Pazuva rokutanga munofanira kuita ungano tsvene uye murege kuita mabasa amazuva ose.
På den første Dag skal der være Højtidsstævne, intet som belst Arbejde må I udføre.
19 Mupe kuna Jehovha chipiriso chakaitwa nomoto, chipiriso chinopiswa chehando duku mbiri, gondobwe rimwe chete uye makwayana makono manomwe ane gore rimwe chete, ose asina kuremara.
Da skal I bringe som Ildoffer, som Brændoffer for HERREN, to unge Tyre, en Væder og syv årgamle Lam, lydefri Dyr skal I tage
20 Pamwe chete nehando imwe neimwe mugadzire chipiriso chezviyo, chezvikamu zvitatu mugumi zveefa yeupfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta; pamwe chete negondobwe, zvikamu zviviri mugumi;
og som Afgrødeoffer dertil fint Hvedemel rørt i Olie; tre Tiendedele Efa skal I ofre for hver Tyr, to Tiendedele for hver Væder
21 uye pamwe chete nerimwe nerimwe ramakwayana manomwe, chikamu chimwe chete mugumi;
og en Tiendedel for hvert af de syv Lam;
22 uisewo nhongo imwe chete yembudzi sechipiriso chechivi kuti iwe uzviyananisire.
desuden en Buk som Syndoffer for at skaffe eder Soning.
23 Mugadzire izvi pamwe chete nezvipiriso zvinopiswa zvamangwanani zvamazuva ose.
Foruden Morgen brændofferet, det daglige Brændoffer, skal I ofre det.
24 Nenzira iyi mugadzire zvokudya zvezvipiriso zvinoitwa nomoto mazuva ose kwamazuva manomwe sezvinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha; zvinofanira kugadzirwa pamwe chete nezvipiriso zvinopiswa nechipiriso chacho chinonwiwa.
Sådanne Ofre skal I bringe hver af de syv Dage som Ildofferspise til en liflig Duft for HERREN; de skal ofres med tilhørende Drikoffer foruden det daglige Brændoffer.
25 Pazuva rechinomwe muite ungano tsvene uye murege kuita basa ramazuva ose.
På den syvende Dag skal I holde Højtidsstævne; intet som helst Arbejde må I udføre.
26 “‘Pazuva rezvibereko zvokutanga, pamunopa zvipiriso zvenyu kuna Jehovha, zvezvitsva zvezviyo panguva yoMutambo weMavhiki, muite ungano tsvene uye murege kuita basa ramazuva ose.
På Førstegrødens Dag, når I bringer HERREN Afgrødeoffer af den ny Afgrøde på eders Ugefest, skal I holde Højtidsstævne; intet som helst Arbejde må I udføre.
27 Mupe chipiriso chinopiswa chehando duku mbiri, gondobwe rimwe chete uye makwayana manomwe makono egore rimwe chete, chive chipiriso chinofadza kuna Jehovha.
Da skal I som Brændoffer til en liflig Duft for HERREN ofre to unge Tyre, en Væder og syv årgamle Lam
28 Pamwe chete nehando imwe neimwe, panofanira kuva nechipiriso chezviyo chezvikamu zvitatu mugumi zveefa yeupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta; pamwe chete negondobwe, zvikamu zviviri mugumi;
og som Afgrødeoffer dertil fint Hvedemel, rørt i Olie, tre Tiendedele Efa for hver Tyr, to Tiendedele for hver Væder
29 uye nerimwe nerimwe ramakwayana manomwe, chikamu chimwe chete mugumi.
og en Tiendedel for hvert af de syv Lam;
30 Muisewo nhongo imwe chete kuti muzviyananisire.
desuden en Gedebuk for at skaffe eder Soning.
31 Mugadzire izvi pamwe chete nezvipiriso zvazvo zvokunwa, pamusoro pezvipiriso zvinopiswa zvamazuva ose uye nechipiriso chacho chezviyo. Munofanira kuva nechokwadi kuti zvipfuwo zvacho hazvina kuremara.
Foruden det daglige Brændoffer med tilhørende Afgrødeoffer skal I ofre det, lydefri Dyr skal I tage, med tilhørende Drikofre.

< Numeri 28 >