< Numeri 26 >

1 Shure kwedenda Jehovha akati kuna Mozisi naEreazari mwanakomana waAroni, muprista,
Vəbadan sonra Rəbb Musaya və kahin Harun oğlu Eleazara dedi:
2 “Verengai ungano yose yavaIsraeri nemhuri dzavo, vose vana makore makumi maviri kana anodarika vanogona kurwa muhondo yaIsraeri.”
«Bütün İsrail övladlarının icmasını, ailələrinə görə iyirmi və ondan yuxarı yaşda döyüşə qabil olan İsrail övladlarını sayın».
3 Saka Mozisi naEreazari muprista vakataura navo pamapani eMoabhu paJorodhani nechokumhiri kweJeriko vakati,
Musa ilə kahin Eleazar İordan çayı yanında, Yerixo qarşısında Moav düzənliyində onlarla danışıb dedi:
4 “Verengai varume vana makore makumi maviri kana anodarika, sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.” Ava ndivo vaIsraeri vakabuda kubva muIjipiti:
«Rəbbin Musaya əmr etdiyi kimi iyirmi və ondan yuxarı yaşda olanları siyahıya alın!» Misir torpağından çıxan İsrail övladları bunlardır:
5 Zvizvarwa zvaRubheni mwanakomana wedangwe waIsraeri zvaiva: Hanoki, kwakabva mhuri yaHanoki; Paru, kwakabva mhuri yaParu;
İsrailin ilk oğlu Ruven, Ruvenlilər bunlardır: Xanok soyundan Xanok nəsli; Pallu soyundan Pallu nəsli;
6 Hezironi, kwakabva mhuri yaHezironi; Kami, kwakabva mhuri yaKami.
Xesron soyundan Xesron nəsli; Karmi soyundan Karmi nəsli.
7 Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaRubheni; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mana nezvitatu, namazana manomwe ana makumi matatu.
Ruvenlilərin nəsilləri bunlardır, sayları 43 730 nəfər idi.
8 Mwanakomana waParu akanga ari Eriabhi,
Palunun oğlu Eliav,
9 uye vanakomana vaEriabhi vakanga vari Nemueri, Dhatani naAbhiramu. Dhatani naAbhiramu ndivo vatungamiri veungano vaya vakamukira Mozisi naAroni uye vakanga vari pakati pavateveri vaKora pavakamukira Jehovha.
Eliavın oğulları Nemuel, Datan və Aviram idi. Bunlar o Datanla Aviramdır ki, icma tərəfindən seçildi və Rəbbə üsyan edən Qorahın tərəfdarlarına qoşulub Musa ilə Haruna zidd getdilər.
10 Nyika yakashamisa muromo wayo ikavamedza pamwe chete naKora, boka iroro parakafa, moto pawakaparadza varume mazana maviri namakumi mashanu. Uye ivo vakava chiratidzo cheyambiro.
Qorahla 250 yoldaşını od yandırıb yox edəndə yer yarıqları onları uddu. Qorahla birlikdə ölənlər başqalarına da bir ibrət oldu.
11 Kunyange zvakadaro, rudzi rwaKora haruna kuparara.
Qorahın nəsli isə ölmədi.
12 Zvizvarwa zvaSimeoni nemhuri dzavo zvaiva: Nemueri kwakabva mhuri yavaNemueri; Jamini, kwakabva mhuri yavaJamini; Jakini, kwakabva mhuri yavaJakini;
Nəsillərinə görə Şimeonlular bunlardır: Nemuel soyundan Nemuel nəsli; Yamin soyundan Yamin nəsli; Yakin soyundan Yakin nəsli;
13 Zera, kwakabva mhuri yavaZera; Shauri kwakabva mhuri yavaShauri.
Zerah soyundan Zerah nəsli; Şaul soyundan Şaul nəsli;
14 Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaSimeoni; pakanga pane varume zviuru makumi maviri nezviviri namazana maviri.
Şimeon nəsilləri bunlardır, sayları 22 200 nəfərdir.
15 Zvizvarwa zvaGadhi nemhuri dzavo zvaiva: Zofani, kwakabva mhuri yavaZofani; Hagi, kwakabva mhuri yavaHagi; Shumi, kwakabva mhuri yavaShumi;
Nəsillərinə görə Qadlılar bunlardır: Sefon soyundan Sefon nəsli; Haqqi soyundan Haqqi nəsli; Şuni soyundan Şuni nəsli;
16 Ozini, kwakabva mhuri yavaOzini; Eri, kwakabva mhuri yavaEri;
Ozni soyundan Ozni nəsli; Eri soyundan Eri nəsli:
17 Arodhi, kwakabva mhuri yavaArodhi; Areri kwakabva mhuri yavaAreri.
Arod soyundan Arod nəsli; Areli soyundan Areli nəsli.
18 Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaGadhi; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mana, namazana mashanu.
Qad nəsilləri bunlardır, sayları 40 500 nəfərdir.
19 Eri naOnani vakanga vari vanakomana vaJudha, asi vakafira muKenani.
Yəhudanın iki oğlu var idi: Er və Onan. Onlar Kənan torpağında öldülər.
20 Zvizvarwa zvaJudha nemhuri dzavo zvaiva: Shera, kwakabva mhuri yavaSherani; Perezi, kwakabva mhuri yavaPerezi; Zera, kwakabva mhuri yavaZera;
Nəsillərinə görə Yəhudalılar bunlardır: Şela soyundan Şela nəsli; Peres soyundan Peres nəsli; Zerah soyundan Zerah nəsli.
21 Zvizvarwa zvaPerezi zvaiva: Hezironi, kwakabva mhuri yavaHezironi; Hamuri, kwakabva mhuri yavaHamuri.
Peres övladları bunlardır: Xesron soyundan Xesron nəsli; Xamul soyundan Xamul nəsli.
22 Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaJudha; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi manomwe nezvitanhatu, namazana mashanu.
Yəhuda nəsilləri bunlardır, sayları 76 500 nəfərdir.
23 Zvizvarwa zvaIsakari nemhuri dzavo zvaiva: Tora, kwakabva mhuri yavaTora; Pua kwakabva mhuri yavaPua;
Nəsillərinə görə İssakar övladları bunlardır: Tola soyundan Tola nəsli; Puva soyundan Puva nəsli;
24 Jashubhi kwakabva mhuri yavaJashubhi; Shimironi kwakabva mhuri yavaShimironi.
Yaşuv soyundan Yaşuv nəsli; Şimron soyundan Şimron nəsli.
25 Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaIsakari; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi matanhatu nezvina, namazana matatu.
İssakar nəsilləri bunlardır, sayları 64 300 nəfərdir.
26 Zvizvarwa zvaZebhuruni nemhuri dzavo zvaiva: Seredhi, kwakabva mhuri yavaSeredhi; Eroni, kwakabva mhuri yavaEroni; Jareeri, kwakabva mhuri yavaJareeri.
Nəsillərinə görə Zevulunlular bunlardır: Sered soyundan Sered nəsli; Elon soyundan Elon nəsli; Yaxleel soyundan Yaxleel nəsli.
27 Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaZebhuruni; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi matanhatu, namazana mashanu.
Zevulun nəsilləri bunlardır, sayları 60 500 nəfərdir.
28 Zvizvarwa zvaJosefa nemhuri dzavo kubudikidza naManase naEfuremu zvakanga zvakadai:
Nəsillərinə görə Yusifin oğulları: Menaşşe və Efrayim.
29 Zvizvarwa zvaManase: Makiri kwakabva mhuri yavaMakiri (Makiri akanga ari baba vaGireadhi); Gireadhi kwakabva mhuri yavaGireadhi.
Menaşşe övladları bunlardır: Makir soyundan Makir nəsli, Makir Gileadın atası idi; Gilead soyundan Gilead nəsli;
30 Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaGireadhi: Iezeri, kwakabva mhuri yaIezeri; Hereki, kwakabva mhuri yavaHereki;
Gilead övladları bunlardır: İezer soyundan İezer nəsli; Xeleq soyundan Xeleq nəsli;
31 Asirieri, kwakabva mhuri yavaAsirieri; Shekemu, kwakabva mhuri yavaShekemu;
Asriel soyundan Asriel nəsli; Şekem soyundan Şekem nəsli;
32 Shemidha, kwakabva mhuri yavaShemidha; Heferi, kwakabva mhuri yavaHeferi.
Şemida soyundan Şemida nəsli; Xefer soyundan Xefer nəsli.
33 (Zerofehadhi mwanakomana waHeferi akanga asina vanakomana; akanga achingova navanasikana bedzi, mazita avo aiva: Mara, Noa, Hogira, Mirika naTiriza.)
Xefer oğlu Selofxadın oğlu olmadı, amma Maxla, Noa, Xoqla, Milka və Tirsa adında qızları var idi.
34 Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaManase; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mashanu nezviviri, namazana manomwe.
Menaşşe nəsilləri bunlardır, sayları 52 700 nəfərdir.
35 Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaEfuremu nemhuri dzavo: Shutera, kwakabva mhuri yaShutera; Bhekeri, kwakabva mhuri yaBhekeri; Tahani, kwakabva mhuri yaTahani.
Nəsillərinə görə Efrayim övladları bunlardır: Şutelah soyundan Şutelah nəsli; Beker soyundan Beker nəsli; Taxan soyundan Taxan nəsli;
36 Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaShutera: Erani, kwakabva mhuri yaErani.
Şutelah övladları bunlardır: Eran soyundan Eran nəsli.
37 Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaEfuremu; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi matatu nezviviri, namazana mashanu. Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaJosefa nemhuri dzavo.
Efrayim övladlarının nəsilləri bunlardır, sayları 32 500 nəfərdir. Nəsillərinə görə Yusif övladları bunlardır.
38 Zvizvarwa zvaBhenjamini nemhuri dzavo zvaiva: Bhera, kwakabva mhuri yavaBhera; Ashibheri, kwakabva mhuri yavaAshibheri; Ahiramu, kwakabva mhuri yaAhiramu;
Nəsillərinə görə Binyaminlilər bunlardır: Bela soyundan Bela nəsli; Aşbel soyundan Aşbel nəsli; Axiram soyundan Axiram nəsli;
39 Shufami, kwakabva mhuri yavaShufami; Hufami, kwakabva mhuri yavaHufami.
Şufam soyundan Şufam nəsli; Xufam soyundan Xufam nəsli.
40 Zvizvarwa zvaBhera kubudikidza naAradhi naNaamani zvaiva: Aradhi, kwakabva mhuri yavaAradhi; Naamani, kwakabva mhuri yavaNaamani.
Belanın oğulları Ardla Naaman nəslindən törənənlər bunlardır: Ard soyundan Ard nəsli; Naaman soyundan Naaman nəsli.
41 Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaBhenjamini; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mana nezvishanu, namazana matanhatu.
Nəsillərinə görə Binyamin övladları bunlardır, sayları 45 600 nəfərdir.
42 Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaDhani nemhuri dzavo: Shuhami, kwakabva mhuri yavaShuhami. Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzaDhani:
Nəsillərinə görə Dan övladları bunlardır: Şuxam soyundan Şuxam nəsli. Bunlar Dan nəslindən törənən nəsillərdir.
43 Vose vakanga vari vemhuri yaShuhami; uye vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi matanhatu nezvina, namazana mana.
Hamısı Şuxam nəslindəndir, sayları 64 400 nəfərdir.
44 Zvizvarwa zvaAsheri nemhuri dzavo zvaiva: Imina, kwakabva mhuri yavaImina; Ishivhi, kwakabva mhuri yavaIshivhi; Bheria, kwakabva mhuri yavaBheria;
Nəsillərinə görə Aşerlilər bunlardır: İmna soyundan İmna nəsli; İşvi soyundan İşvi nəsli; Beria soyundan Beria nəsli.
45 uye kubudikidza nezvizvarwa zvavaBheria: Hebheri, kwakabva mhuri yavaHebheri; Marikieri, kwakabva mhuri yavaMarikieri.
Beria övladları bunlardır: Xever soyundan Xever nəsli; Malkiel soyundan Malkiel nəsli.
46 Asheri akanga ane mwanasikana ainzi Sera.
Aşerin Serah adında bir qızı var idi.
47 Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaAsheri; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mashanu nezvitatu, namazana mana.
Aşer övladları bunlardır, sayı 53 400 nəfərdir.
48 Zvizvarwa zvaNafutari nemhuri dzavo zvaiva: Jazeeri, kwakabva mhuri yavaJazeeri; Guni, kwakabva mhuri yavaGuni;
Nəsillərinə görə Naftali övladları bunlardır: Yaxseel soyundan Yaxseel nəsli; Quni soyundan Quni nəsli;
49 Jezeri, kwakabva mhuri yavaJezeri; Shiremi, kwakabva mhuri yavaShiremi.
Yeser soyundan Yeser nəsli; Şillem soyundan Şillem nəsli.
50 Idzi ndidzo dzakanga dziri mhuri dzaNafutari; vakaverengwa vakanga vari zviuru makumi mana nezvishanu, namazana mana.
Naftali nəsilləri bunlardır, sayları 45 400 nəfərdir.
51 Uwandu hwavarume veIsraeri hwaisvika zviuru mazana matanhatu nechimwe, namazana manomwe ana makumi matatu.
Sayılan İsrail övladlarının cəmi 601 730 kişi idi.
52 Jehovha akati kuna Mozisi,
Rəbb Musaya belə dedi:
53 “Nyika inofanira kugoverwa kwavari senhaka zvichienderana namazita akaverengwa.
«Adamların sayına görə ölkə bunlara irs olaraq bölünsün.
54 Kuna vaya vanenge vakawanda, unofanira kuvapa nhaka huru, vashoma unovapa nhaka duku; mhuri imwe neimwe inofanira kupiwa zvakaenzana nouwandu hwokuverengwa kwavo.
Sayı çox olana böyük, sayı az olana az pay verəcəksən. Siyahıya yazılanların sayına görə hər birinə düşən pay verilsin.
55 Unofanira kuona kuti nyika yagoverwa nemijenya. Nhaka ichagoverwa mhuri imwe neimwe ichange iri maererano namazita orudzi rwamadzitateguru avo.
Ancaq torpaq püşklə bölünsün. Hər kəsin payı atalarının aid olduğu qəbilələrin adına görə olacaq.
56 Nhaka imwe neimwe inofanira kugoverwa nemijenya pakati pemhuri huru nemhuri duku.”
Kiçik ya böyük – hər qəbilənin payı püşklə bölünsün».
57 Ava ndivo vaRevhi vakaverengwa nemhuri dzavo: Gerishoni, kwakabva mhuri yavaGerishoni; Kohati, kwakabva mhuri yavaKohati; Merari, kwakabva mhuri yavaMerari.
Nəsillərinə görə sayılan Levililər bunlardır: Gerşon soyundan Gerşon nəsli; Qohat soyundan Qohat nəsli; Merari soyundan Merari nəsli.
58 Ava ndivo vakanga vari mhuri dzaRevhi: mhuri yavaRibhini, mhuri yavaHebhuroni, mhuri yavaMari, mhuri yavaMushi, mhuri yavaKora. (Kohati akanga ari baba vaAmurami;
Bunlar da Levi nəsilləridir: Livni nəsli, Xevron nəsli, Maxli nəsli, Muşi nəsli, Qorah nəsli. Qohat Amramın atası idi.
59 zita romukadzi waAmurami rainzi Jokebhedhi, chizvarwa chaRevhi, akaberekwa kuvaRevhi muIjipiti. Akaberekera Amurami Aroni, Mozisi nehanzvadzi yake Miriamu.
Amramın arvadının adı Yokeved idi. O, Misirdə Levi nəslindən doğulmuşdu. Amramdan Harun, Musa və bacıları Məryəm doğuldu.
60 Aroni ndiye akanga ari baba vaNadhabhi naAbhihu, Ereazari naItamari.
Harunun Nadav, Avihu, Eleazar, İtamar adlı uşaqları oldu.
61 Asi Nadhabhi naAbhihu vakafa pavakaita chipiriso nomoto usina kufanira pamberi paJehovha.)
Nadavla Avihu Rəbbin önündə haram od təqdim edərkən öldülər.
62 Varume vose pakati pavaRevhi, vaiva nomwedzi mumwe chete kana kupfuura pakuberekwa vaisvika zviuru makumi maviri nezvitatu. Havana kuverengwa pamwe chete navamwe vaIsraeri nokuti havana kupiwa nhaka pakati pavo.
Levililərdən sayılan bir aylıq və ondan yuxarı yaşda bütün kişi cinsindən olanlar 23 000 nəfər idi. Bunlar o biri İsrail övladları ilə birlikdə siyahıya alınmışdı. Çünki İsrail övladları arasında onlara miras verilməmişdi.
63 Ava ndivo vakaverengwa naMozisi naEreazari muprista pavakaverenga vaIsraeri pamapani eMoabhu paJorodhani uchibva mhiri kuJeriko.
İsrail övladlarının siyahısı İordan çayının yanında, Yerixo qarşısındakı Moav düzənliyində Musa və kahin Eleazar tərəfindən tutuldu.
64 Hapana kana mumwe wavo akanga ari pakati pavaya vakaverengwa naMozisi naAroni muprista, pavakaverenga vaIsraeri murenje reSinai.
Amma Musa ilə kahin Harunun Sina səhrasında saydığı İsrail övladlarından heç kim bu siyahıda olmadı.
65 Nokuti Jehovha akanga audza vaIsraeri avo kuti zvirokwazvo vaizofira murenje, uye hakuna kana mumwe wavo akasara kunze kwaKarebhu mwanakomana waJefune naJoshua mwanakomana waNuni.
Ona görə ki Rəbb o vaxt siyahıya alınan İsrail övladlarının səhrada öləcəyini qətiyyətlə söyləmişdi. Onlardan Yefunne oğlu Kalevlə Nun oğlu Yeşuadan başqa kimsə sağ qalmamışdı.

< Numeri 26 >