< Numeri 25 >

1 Panguva yakanga igere Israeri paShitimu, varume vakatanga kuita upombwe navakadzi vokuMoabhu,
And Israel abode in Shittim; and the people began to commit fornication with the daughters of Moab.
2 avo vakavakoka kuti vauye kuzvibayiro zvavamwari vavo. Vanhu vakadya, vakapfugamira vamwari ava.
And they invited the people to the sacrifices of their gods; and the people ate, and bowed down to their gods.
3 Saka Israeri akabatana navo pakunamata Bhaari wePeori, uye kutsamwa kwaJehovha kukapfuta pamusoro pavo.
And Israel joined himself to Baal-Peor; and the anger of Jehovah was kindled against Israel.
4 Jehovha akati kuna Mozisi, “Tora vatungamiri vose vavanhu ava, uvauraye uvaise pachena masikati machena pamberi paJehovha, kuti kutsamwa kunotyisa kwaJehovha kudzorwe kubva pana Israeri.”
And Jehovah said to Moses, Take all the heads of the people, and hang them up to Jehovah before the sun, that the fierce anger of Jehovah may be turned away from Israel.
5 Saka Mozisi akati kuvatongi veIsraeri, “Mumwe nomumwe wenyu anofanira kuuraya varume ava vari pakati penyu, avo vakazvibatanidza pakunamata Bhaari wePeori.”
And Moses said to the judges of Israel, Slay every one his men that have joined themselves to Baal-Peor.
6 Ipapo mumwe murume muIsraeri akauyisa kumhuri yake mukadzi womuMidhiani pamberi paMozisi chaipo, ungano yose yaIsraeri pavakanga vachichema vari pamukova weTende Rokusangana.
And behold, a man of the children of Israel came and brought a Midianitish woman to his brethren, in the sight of Moses, and in the sight of the whole assembly of the children of Israel, who were weeping before the entrance of the tent of meeting.
7 Finehasi mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, muprista, akati achizviona, akabva paungano, akatora pfumo muruoko rwake;
And Phinehas, the son of Eleazar, the son of Aaron the priest, saw it, and rose up from among the assembly, and took a javelin in his hand,
8 uye akatevera muIsraeri uyo mutende. Akavabaya vose vari vaviri nepfumo kamwe chete, rikabaya muIsraeri rikapfuurira kundobaya muviri womuMidhiani. Ipapo denda rakanga riri pamusoro pavaIsraeri rakaguma;
and he went after the man of Israel into the tent-chamber, and thrust both of them through, the man of Israel and the woman through her belly. And the plague was stayed from the children of Israel.
9 asi vose vakanga vafa nedenda vakasvika zviuru makumi maviri nezvina.
And those that died in the plague were twenty-four thousand.
10 Jehovha akati kuna Mozisi,
And Jehovah spoke to Moses, saying,
11 “Finehasi mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, muprista adzora kutsamwa kwangu kubva pavaIsraeri; nokuti akanga ane shungu sedzangu nokuda kwokusakudzwa kwangu pakati pavo, saka handina kuzovaparadza neshungu dzangu.
Phinehas, the son of Eleazar, the son of Aaron the priest, hath turned my wrath away from the children of Israel, in that he was jealous with my jealousy among them, so that I consumed not the children of Israel in my jealousy.
12 Naizvozvo umuudze kuti ndava kuita sungano yorugare naye.
Therefore say, Behold, I give unto him my covenant of peace!
13 Iye nezvizvarwa zvake vachava nesungano youprista husingaperi, nokuti akanga ane shungu nokukudzwa kwaMwari wake, akayananisira vaIsraeri.”
And he shall have it, and his seed after him, the covenant of an everlasting priesthood; because he was jealous for his God, and made atonement for the children of Israel.
14 Zita romuIsraeri akaurayiwa pamwe chete nomukadzi muMidhiani rainzi Zimuri mwanakomana waSaru, mutungamiri weimwe mhuri yaSimeoni.
And the name of the man of Israel that was slain, who was slain with the Midianitish woman, was Zimri, the son of Salu, the prince of a father's house of the Simeonites.
15 Uye zita romukadzi muMidhiani akaurayiwa rakanga richinzi Kozibhi, mwanasikana waZuri, mukuru weimwe mhuri yavaMidhiani.
And the name of the Midianitish woman that was slain was Cozbi, the daughter of Zur; he was tribal head of a father's house in Midian.
16 Jehovha akati kuna Mozisi,
And Jehovah spoke to Moses, saying,
17 “Muone vaMidhiani savavengi uye mugovauraya,
Harass the Midianites, and smite them,
18 nokuti ivo vakakuonai savavengi pavakakunyengerai paPeori uye nehanzvadzi yavo Kozibhi, mwanasikana womutungamiri wavaMidhiani, iye mukadzi akaurayiwa pakauya denda nokuda kwePeori.”
for they have harassed you with their wiles, wherewith they have beguiled you in the matter of Peor, and in the matter of Cozbi, the daughter of a prince of Midian, their sister, who was slain on the day of the plague because of the matter of Peor.

< Numeri 25 >